Лого на YouVersion
Икона за пребарување

Ruka 22

22
VaJudha vanorangana kuuraya Jesu
(Mateu 26:1-5; Mako 14:1, 2; Johani 11:45-53)
1Zvino mutambo wezvingwa zvisina mbiriso, unonzi Pasika, wakaswedera. 2Vapristi vakuru navanyori vakatsvaka kuti vangamuuraya sei; nokuti vakanga vachitya vanhu.
Judhasi Isikarioti anotsvaka kutengesa Jesu
(Mateu 26:14-16; Mako 14:10-11)
3Zvino Satani akapinda kuna Judhasi ainzi Isikarioti, mumwe wavane gumi navaviri. 4Akaenda, akandorangana navapristi vakuru navakuru vetemberi, kuti angamuisa kwavari sei. 5Vakafara, vakatenderana naye vose kuti vamupe mari. 6Akatenda, akatsvaka nguva yokumuisa nayo kwavari pasina vanhu vazhinji
Pasika neChirariro
(Mateu 26:17-30; Mako 14:12-26; Johani 13:21-30; 1 Vakorinde 11:23-25)
7Zvino zuva rezvingwa zvisina mbiriso rakati rasvika, rakafanira kubayirwa Pasika naro, 8akatuma Petirosi naJohani, achiti, “Endai, mundotigadzirira Pasika, kuti tidye.”
9Vakati kwaari, “Munoda kuti tigadzirirepiko?”
10Akati kwavari, “Tarirai, kana mapinda muguta, muchasangana nomunhu akatakura chirongo chemvura; mumutevere iye kumba kwaanoenda; 11muti kumuridzi weimba, ‘Mudzidzisi anoti kwauri, imba yavaeni iripiko, mandingadyira Pasika navadzidzi vangu? 12Achakuratidzai imba huru iri kumusoro, yakarongedzwa; gadzirai ipapo.’ ”
13Vakaenda, vakandowana sezvaakanga avaudza; vakagadzira Pasika.
14Zvino nguva yakati yasvika, akagara pakudya navapostori. 15Akati kwavari, “Ndakanga ndichida zvikuru kudya Pasika iyi nemi ndisati ndatambudzika. 16Nokuti ndinoti kwamuri, handichazoidyi, kusvikira yaitika muushe hwaMwari.”
17Zvino akatora mukombe; akavonga, akati, “Torai ichi, mugovane pakati penyu. 18Nokuti ndinoti kwamuri, kubva zvino handichatongonwizve michero yomudzambiringa, kusvikira ushe hwaMwari hwasvika.”
19Akatora chingwa, akavonga, akamedura, akavapa, achiti, “Ichi muviri wangu, unopirwemi; itai izvi, mugondirangarira.” 20Nokudarowo, vapedza kurayira, akatora mukombe, akati, “Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu, rinoteurirwemi.
21“Asi tarirai, ruoko rwaiye, anondipandukira, runeni patafura.
22“Nokuti Mwanakomana womunhu anoenda hake, sezvazvakatemwa; asi anenhamo munhu uyo waanopandukirwa naye.”
23Ipapo vakatanga kubvunzana kuti ndianiko kwavari angaita chinhu icho.
Mukuru ndiani
24Zvino nharo dzakamuka pakati pavo kuti ndiani kwavari achanzi mukuru.
25Akati kwavari, “Madzimambo avahedheni ane simba pamusoro pavo, navabati vavo vanonzi, ‘Vabatsiri.’ 26Zvino imi musadaro, asi mukuru kwamuri ngaave somuduku, nomutungamiri soanoshandira. 27Nokuti ndianiko mukuru, agere pakudya, kana anoshandira? Haazi iye ugere pakudya here? Asi ini ndiri pakati penyu sounoshumira.
28“Zvino imi ndimi mavakugara neni pamiedzo yangu. 29Ndinokugarisai nhaka youshe saBaba vangu vakandigarisa nhaka, 30kuti mugodya nokunwa patafura rangu muushe hwangu; muchagara pazvigaro zvoushe, muchitonga marudzi ane gumi namaviri avaIsiraeri.”
Jesu anoudza Petirosi kuti achamuramba
(Mateu 26:31-35; Mako 14:27-31; Johani 13:36-38)
31“Simoni! Simoni! Tarira Satani akakumbira kuti akuzungurei imi sezviyo; 32asi ini ndakakukumbirira iwe, kuti kutenda kwako kurege kupera; iwe kana watendeuka, usimbise hama dzako.”
33Akati kwaari, “Ishe, ndakazvigadzirira kuenda nemi mutorongo, kunyange kurufu.”
34Akati, “Petirosi, ndinoti kwauri, nhasi, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu uchiti haundizivi.”
35Zvino akati kwavari, “Musi wandakakutumai, musina chikwama nehombodo neshangu, makashayiwa chinhu here?” Vakati, “Hakuna.”
36Akati kwavari, “Asi zvino, ane chikwama, ngaachitore, nokudarowo ane hombodo; asinamunondo, ngaatengese nguo yake, autenge.
37“Nokuti ndinoti kwamuri, kuti izvi zvakanyorwa zvinofanira kuitika kwandiri, zvinoti, ‘Akaverengwa pamwechete navadariki vomurayiro;’ nokuti izvo zvakanyorwa pamusoro pangu zvoitika.”
38Ipapo vakati, “Ishe, tarirai, heyi minondo miviri.” Akati kwavari, “Zvaringana.”
Jesu muGetsemani
(Mateu 26:36-46; Mako 14:32-42)
39Zvino akabuda, akaenda kugomo reMiorivhi, sezvaaisiita; navadzidzi vake vakamutevera. 40Akati asvika panzvimbo iyo, akati kwavari, “Nyengeterai kuti murege kupinda pakuedzwa.”
41Akaparadzana navo, chinhambo chingasvika ibwe, kana rikaposherwa; akapfugama, akanyengetera, 42achiti, “Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri! Asi kuda kwangu kurege kuitwa, asi kwenyu.” 43Ipapo mutumwa akaonekwa naye, akabva kudenga, akamusimbisa. 44Zvino, ari pakutambudzika kukuru, akanyanya kunyengetera; ziya rake rikaita samadonhwe eropa, akadonhera pasi.
45Akasimuka pakunyengetera, akaenda kuvadzidzi, akavawana vavata neshungu dzomwoyo. 46Akati kwavari, “Mavatireiko? Mukai, munyengetere, kuti murege kupinda pakuedzwa.”
Kusungwa kwaJesu
(Mateu 26:47-56; Mako 14:43-50; Johani 18:1-11)
47Akati achataura, tarira, vanhu vazhinji, naiye ainzi Judhasi, mumwe wavane gumi navaviri, akavatungamirira; akaswedera kuna Jesu, kuti amutsvode. 48Jesu akati kwaari, “Judhasi, unopandukira Mwanakomana womunhu nokumutsvoda here?”
49Zvino vaiva naye vakati vachina zvichaitika, vakati, “Ishe, totema neminondo here?”
50Ipapo mumwe wavo akatema muranda womupristi mukuru, akamugura nzeve yorudyi. 51Jesu akapindura, akati, “Regai, zvaringana.” Akabata nzeve yake, akamuporesa. 52Zvino Jesu akati kuvapristi vakuru navakuru vetemberi, navakuru vakanga vauya kwaari kumubata, “Mabuda neminondo netsvimbo sokugororo here? 53Ndaiva nemi mutemberi mazuva ose mukasandibata; asi zvino inguva yenyu nesimba rerima.”
Kuramba kwaPetirosi
(Mateu 26:57, 58, 67-75; Mako 14:53, 54, 65-72; Johani 18:12-18, 25-27)
54Zvino vakamubata, vakaenda naye, vakandomuisa kumba kwomupristi mukuru. Petirosi akatevera ari kure.
55Vakati vavesa moto pakati poruvazhe, vakagara pasi pamwechete, naPetirosi akagara pakati pavo. 56Zvino mumwe mushandiri akati achimuona agere muchiedza chomoto, akamutarisisa, akati, “Nouyuwo akanga anaye.”
57Asi iye akaramba achiti, “Iwe mukadzi handimuzivi.” 58Garegare, mumwezve akamuona, akati, “Iwe uri mumwe wavo.” Petirosi akati, “Iwe munhu, handizati.”
59Nguva inenge seimwe yakati yapfuura, mumwezve akasimbisa, achiti, “Zvirokwazvo, uyu akanga anayewo; nokuti muGariria.”
60Petirosi akati, “Iwe munhu, handizivi zvaunoreva!” Pakarepo, achataura, jongwe rikarira.
61Ipapo Ishe akatendeuka, akatarira Petirosi. Petirosi akarangarira shoko raIshe, raakanga amuudza, achiti, “Jongwe risati rarira nhasi, uchandiramba katatu.” 62Akabuda, akachema zvikuru.
63Varumewo vakanga vabata Jesu, vakamuseka, nokumurova. 64Vakafukidzira meso ake, vakamubvunza, vachiti, “Porofita kuti ndiani akurova.”
65Nezvimwe zvizhinji vakareva kwaari, vachimutuka.
Jesu pamberi pavapristi vakuru navakuru
(Mateu 26:59-66; Mako 14:55-64; Johani 18:19-24)
66Zvino kwakati kwaedza, vakuru vavanhu navapristi vakuru navanyori vakaungana, vakamuisa kumakurukota avo, 67vachiti, “Kana uri Kristu, utiudze.” Iye akati kwavari, “Kana ndikakuudzai, hamungatendi. 68Kana ndikakubvunzai, hamungandipinduri.
69“Asi kubva zvino Mwanakomana womunhu achagara kurudyi rwesimba raMwari.”
70Ipapo vose vakati, “Uri Mwanakomana waMwari kanhi?” Akati kwavari, “Mareva kuti ndini iye.”
71Ivo vakati, “Tichatsvakireiko chapupu? Nokuti tazvinzwira pachedu pamuromo wake.”

Селектирано:

Ruka 22: SNA2002

Нагласи

Сподели

Копирај

None

Дали сакаш да ги зачуваш Нагласувањата на сите твои уреди? Пријави се или најави се