YouVersion logotips
Meklēt ikonu

Genesi 3

3
Kuidzwa nokusaterera kwaʋanhu ʋokutaŋga.
1Ɀino nyoka yakaŋga inamano kupfuʋura mhuka dzose dzesaŋgo dzakaŋga dzaitwa naJehova Mŋari. Ikati kumukadzi: Nhai, ndiɀo here kuti Mŋari wakati: Regai kudya miti yose yomunda? 2Mukadzi akati kunyoka; Tiŋgadya heɗu micero yemiti pamunda, 3asi kana iri micero yomuti uri pakati pomunda, Mŋari wakati: Regai kuudya, kana kuuɓata, kuti murege kufa. 4Nyoka ikati kumukadzi: Hamuŋgafi ɀirokwaɀo; 5nokuti Mŋari unoziʋa kuti nomusi wamunoɀidya nawo, meso enyu acaȿinudzwa, mukaʋa saMŋari, muciziʋa ɀakanaka neɀakaipa. 6Ɀino mukadzi wakati aciʋona kuti muti wakanaka kudyiwa, ʋuye kuti unofadza meso, ʋuye kuti muti unoɗikanwa kuŋgwadza munhu, akatora micero yawo, akadya, akapa ʋo murume wake, akadya naiye ʋo. 7Ipapo meso aʋo, iʋo ʋaʋiri, akaȿinudzwa, ʋakaziʋa kuti haʋana‐kusimira; ʋakasonanidza mashizha omuʋonde, ʋakaɀiitira ŋguʋo. 8Ʋakanzwa inzwi raJehova Mŋari acifamba mumunda kwotonhorera maɗekwana; munhu nomukadzi wake ndokundoʋanda pamberi paJehova Mŋari pakati pemiti yomunda. 9Jehova Mŋari akaɗana munhu, akati kwaari: Uripiko? 10Iye akati: Ndakanzwa inzwi renyu mumunda, ndikatya, nokuti ndakaŋga ndisina‐kusimira; ndikaʋanda. 11Iye akati: Ndianiko wakakuʋudza kuti hauna‐kusimira — Wadya kanhi muti wandakakuraira kuti urege kuudya? 12Munhu akati: Mukadzi wamakandipa kuti aʋe neni, ndiye wakandipa ɀomuti ndikadya. 13Jehova Mŋari akati kumukadzi: Cinyiko ico cawaita? Mukadzi akati: Nyoka yakandinyeŋgera, ndikadya. 14Jehova Mŋari akati kunyoka: Ɀawaita iɀoɀo, watukwa kupfuʋura ɀipfuwo ɀose, nokupfuʋura mhuka dzose dzesaŋgo; ucafamba neɗumbu rako, ucadya guruʋa mazuʋa ose oʋupenyu bgako. 15Ndicaisa ruʋeŋgo pakati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake; irwo rucapxanya musoro wako, newe ucapxanya citsitsinho carwo. 16Kumukadzi akati: Ndicawanza ɀikuru kurwadziwa kwako nokutora mimba kwako; ucaɓereka ʋana ucirwadziwa; kuɗa kwako kucaʋa kumurume wako, iye ucaʋa ishe wako. 17Kumunhu akati: Ɀawakaterera inzwi romukadzi wako, ukadya muti wandakakuraira ndiciti: Usaudya, ɀino nyika yatukwa nemhoȿa yako; ucadya ɀiɓereko ɀayo nokutambudzika mazuʋa ose oʋupenyu bgako; 18icakuɓerekera minzwa noʋutumbambeʋa; iwe ucadya miriʋo yomusaŋgo; 19ucadya ɀokudya ɀako neziya reciso cako kuȿikira ucidzokera kuvu; nokuti wakatorwa kwariri. Ɀauri guruʋa, ucadzokera ɀe kuguruʋa. 20Munhu akatumidza mukadzi wake zita rinonzi Eva; nokuti ndiye mai ʋaʋapenyu ʋose. 21Jehova Mŋari akaitira munhu nomukadzi wake ŋguʋo dzamatebge, akaʋafukidza idzo.
22Ɀino Jehova Mŋari akati: Tarirai, munhu waʋa somumŋe weɗu ɀaanoziʋa ɀakanaka neɀakaipa; ɀino ɀimŋe uŋgatambanudza ruʋoko rwake akatora ʋo ɀomuti woʋupenyu, akadya, akararama nokusiŋgaperi. 23Naiɀoɀo Jehova Mŋari akamuɓuɗisa mumunda weEdeni, kuti arime ivu raakatorwa kwariri. 24Naiɀoɀo akadziŋga munhu, akaisa makerubi kurutiʋi rwamabvazuʋa rwomunda weEdeni, nomuraɀo womunondo waimonereka kumatiʋi ose, kurindira nzira yomuti woʋupenyu.

Pašlaik izvēlēts:

Genesi 3: SUB1949

Izceltais

Dalīties

Kopēt

None

Vai vēlies, lai tevis izceltie teksti tiktu saglabāti visās tavās ierīcēs? Reģistrējieties vai pierakstieties

Lai personalizētu tavu pieredzi, YouVersion izmanto sīkfailus. Izmantojot mūsu vietni, tu piekrīti, ka mēs izmantojam sīkfailus, kā aprakstīts mūsu Privātuma politikā