1
Mavambo 9:12-13
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Mwari akati, “Ichi ndicho chiratidzo chechitenderano chandinoita nemi nezvipenyu zvose zvinemi nezvizvarwa zvose zvichauya. Ndamisa muraraungu wangu mumakore kuti uve chiratidzo chechitenderano changu napasi pose.
비교
Mavambo 9:12-13 살펴보기
2
Mavambo 9:16
Kana muraraungu wamira mumakore, ndichauona ndigoyeuka chitenderano chokugara nokugara chandaita nezvipenyu zvose zviri panyika.”
Mavambo 9:16 살펴보기
3
Mavambo 9:6
Ani naani zvake anodeura ropa romumwe munhu, ropa rakewo rinofanira kutoita zvokudeurwa nomunhu nokuti Mwari akasika munhu akamufananidza naiye pachake.
Mavambo 9:6 살펴보기
4
Mavambo 9:1
Mwari akakomborera Nowa navana vake akati, “Berekanai muwande muzadze nyika.
Mavambo 9:1 살펴보기
5
Mavambo 9:3
Zvinhu zvipenyu zvose zvinofamba zvichava chokudya chenyu. Ndakupai zvose zvazvo sokukupai kwandakaita miriwo minyoro.
Mavambo 9:3 살펴보기
6
Mavambo 9:2
Mhuka dzose dzapasi pose, neshiri dzose dzedenga, nezvose zvinokambaira nokuzvova napasi, nehove dzose dzomugungwa dzichakutyai dzichikudederai. Dzose ndadziisa mumaoko enyu.
Mavambo 9:2 살펴보기
7
Mavambo 9:7
“Asi imi berekanai muwande, muite zararira chairo kuzara panyika, murambe muchiwanda mairi.”
Mavambo 9:7 살펴보기
홈
성경
묵상
동영상