1
Johani 1:12
Shona Bible 1949, revised 2002
Asi vose vakamugamuchira, akavapa simba kuti vave vana vaMwari, ivavo vanotenda kuzita rake
비교
Johani 1:12 살펴보기
2
Johani 1:1
Pakutanga Izwi rakanga riripo, Izwi rakanga riri kuna Mwari, Izwi rakanga riri Mwari.
Johani 1:1 살펴보기
3
Johani 1:5
Chiedza chinovhenekera murima; asi rima harina kugona kuchikunda.
Johani 1:5 살펴보기
4
Johani 1:14
Izwi rakazova munhu, rikagara pakati pedu, tikaona kubwinya kwake, kubwinya sokwowakaberekwa mumwechete wababa, azere nenyasha nechokwadi.
Johani 1:14 살펴보기
5
Johani 1:3-4
Zvinhu zvose zvakaitwa naye; kunze kwake hakuna kuitwa kunyange chinhu chimwe chakaitwa. Upenyu hwaiva maari; upenyu hwaiva chiedza chavanhu.
Johani 1:3-4 살펴보기
6
Johani 1:29
Ava mangwana akaona Jesu achiuya kwaari, akati, “Tarirai, Hwayana yaMwari, inobvisa zvivi zvenyika.
Johani 1:29 살펴보기
7
Johani 1:10-11
Akanga ari panyika, asi nyika haina kumuziva. Akauya kunezvake, asi vanhu vake havana kumugamuchira.
Johani 1:10-11 살펴보기
8
Johani 1:9
Ichi chaiva chiedza chechokwadi, chinovhenekera munhu mumwe nomumwe, pakusvika kwake panyika.
Johani 1:9 살펴보기
9
Johani 1:17
Nokuti murayiro wakapiwa naMosesi, nyasha nechokwadi zvakauya naJesu Kristu.
Johani 1:17 살펴보기
홈
성경
묵상
동영상