Ruka 17
17
Zvigumbuso nokukanganwirana
(Mat 18:6–7, 21, 22; Mako 9:42)
1Zvino akati kuvadzidzi vake, “Hazvingaitiki kuti zvigumbuso zvisauya. Asi ane nhamo iye wazvinouya naye. 2Zvaiva nani kwaari, kuti guyo risungirirwe mumutsipa wake, awisirwe mugungwa, pakuti agumbuse mumwe wavaduku ava.
3“Chenjerai; kana hama yako ikatadza, umurayire; kana akatendeuka, umukanganwire. 4Kunyangwe akutadzira kanomwe nezuva rimwe, akadzokera kwauri kanomwe, achiti, ‘Ndatendeuka;’ umukanganwire.”
Simba rokutenda. Varanda pasina
5Zvino vapostori vakati kuna Ishe, “Tiwedzerei kutenda kwedu.”
6Ishe akati, “Kana maiva nokutenda kwakaita setsanga yemasitadhi, maiti kumuonde uyu, ‘Dzurwa, usimwe mugungwa!’ Uchakuteererai.
7“Ndiani kwamuri angava nomuranda anorima, kana anofudza makwai, akati kwaari, achibva kumunda, Uya, ugare pakudya?
8“Handiti angati kwaari, ‘Ndigadzirire zvokudya, uzvisunge chiuno, undishandire, kusvikira ini ndadya, ndikanwa; iwe ugozodya, nokunwa?’ 9Ko angatenda muranda, zvaaita zvakanga zvarayirwa here?
10“Saizvozvo nemiwo, kana maita zvose zvamarayirwa, muti, ‘Tiri varanda pasina, takaita sezvataifanira kuita.’ ”
Jesu anoporesa vana maperembudzi vane gumi
11Zvino vakati vachienda Jerusaremu, akapfuura napaSamaria neGareriya.
12Zvino achipinda munomumwe musha, akasangana navarume vane gumi vaiva namaperembudzi, vamire kure. 13Vakadanidzira, vachiti, “Jesu, Tenzi, tinzwirei ngoni!” 14Zvino akati achivaona, akati kwavari, “Endai mundozviratidza kuvapristi.” Vakati vachienda, vakapora.
15Zvino mumwe wavo, akati achiona kuti ndaporeswa, akadzoka, achikudza Mwari nezwi guru; 16akawira pasi nechiso patsoka dzake, akamuvonga. Zvino iye akanga ari muSamaria.
17Ipapo Jesu akapindura, akati, “Havana kuporeswa vane gumi here? Vapfumbamwe varipiko? 18Hapana akawanikwa adzokera kuzokudza Mwari, asi uyu mutorwa here?” 19Ipapo akati kwaari, “Simuka, uende; kutenda kwako kwakuponesa.”
Ushe hwaMwari, nokudzoka kwaIshe
(Mat 24:23–28, 37–41)
20Zvino akati achibvunzwa navaFarisi kuti ushe hwaMwari hunosvika rini, akapindura akati, “Ushe hwaMwari hahuuyi huchionekwa. 21Havangati, ‘Tarirai pano!’ Kana, ‘Uko!’ Nokuti tarirai, ushe hwaMwari huri mukati menyu.”
22Akati kuvadzidzi vake, “Mazuva achasvika amuchatsvaka kuona zuva rimwe ramazuva oMwanakomana womunhu, asi hamungarioni. 23Vachati kwamuri, ‘Tarirai uko! Tarirai pano!’ Regai kuenda, kana kuvatevera; 24nokuti semheni inopenya, ichibva kune rumwe rutivi pasi pedenga, ichivhenekera kusvikira kune rumwe rutivi pasi pedenga; ndizvo zvichaita Mwanakomana womunhuo nezuva rake. 25Asi anofanira kumbotambudzika zvizhinji, nokurambwa norudzi urwu. 26Sezvazvakanga zvakaita namazuva aNowa, ndizvo zvazvichaitawo namazuva oMwanakomana womunhu; 27vaidya, nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa, kusvikira zuva rakapinda Nowa muareka, mvura zhinji ikasvika, ikaparadza vose. 28Sezvazvakanga zvakaitawo namazuva aRoti; vaidya, nokunwa, nokutenga, nokutengesa, nokusima, nokuvaka; 29asi nomusi wakabuda Roti muSodhoma, moto nesurufa zvakanaya, zvichibva kudenga, zvikavaparadza vose. 30Ndizvo zvazvichaitawo nezuva iro, Mwanakomana womunhu raachaonekwa naro.
31“Nezuva iro, ari pamusoro peimba, nhumbi dzake dziri mumba, ngaarege kuburuka kundodzitora; saizvozvowo, ari kumunda ngaarege kudzokera kune zviri shure.
32“Rangarirai mukadzi waRoti. 33Ani naani anotsvaka kungwarira upenyu hwake, acharasikirwa nahwo, uye ani naani anorasikirwa nahwo, acharuramiswa. 34Ndinoti kwamuri, usiku uhwo varume vaviri vachava panhoo imwe, mumwe achatorwa, mumwe achasiyiwa. 35Vakadzi vaviri vachakuya pamwechete, mumwe achatorwa, mumwe achasiyiwa. [ 36Vaviri vachava kumunda, mumwe achatorwa, mumwe achasiyiwa.]”
37Ipapo vakapindura, vakati kwaari, “Ipiko, Ishe?” Akati kwavari, “Apo pano mutumbi, ndipo panounganirawo magora.”
ಪ್ರಸ್ತುತ ಆಯ್ಕೆ ಮಾಡಲಾಗಿದೆ:
Ruka 17: SUB
Highlight
ಶೇರ್
ಕಾಪಿ
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.