Ruka 10

10
Vana makumi manomwe vanotumwa kuparidza nokuporesa
(Mat 11:20–27; 13:16, 17)
1Shure kwaizvozvo Ishe akagadzazve vamwe vana makumi manomwe, akavatuma vaviri vaviri pamberi pake mumaguta ose, uye kwose kwaakanga achida kuenda.
2Akati kwavari, “Kukohwa kukuru, asi vakohwi vashoma; naizvozvo kumbirai kuna Ishe wokukohwa kuti abudise vakohwi mukukohwa kwake. 3Fambai henyu; tarirai, ndinokutumai samakwayana pakati pamapere. 4Musatora chikwama, kana hombodo, kana shangu; musakwazisa munhu panzira. 5Paimba ipi neipi yamunopinda, mutange kuti, ‘Rugare ngaruve neimba ino.’ 6Kana munhu worugare anenge aripo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro pake; kana kusina, ruchadzokera kwamuri. 7Garai muimba iyo, muchidya nokunwa zvavainazvo; nokuti mubati akafanirwa nomubairo wake; musapota–pota nedzimba.
8“Paguta ripi neripi, pamunopinda, kana vakakugamuchirai, idyai zvamunopakurirwa. 9Poresai varwere varimo, muchiti kwavari, ‘Ushe hwaMwari hwaswedera kwamuri.’ 10Asi guta ripi neripi pamunopinda, kana vasingakugamuchiriyi, budirai munzira dzaro, muti, 11‘Kunyangwe neguruva reguta renyu rakanamatira tsoka dzedu, tinorikuhumurira kwamuri; asi muzive chinhu ichi kuti ushe hwaMwari hwaswedera.’
12“Ndinoti kwamuri, Sodhoma richarerukirwa nezuva iro kupfuura guta iro. 13Une nhamo, iwe Korazini! Une nhamo, iwe Bhetisaidha! Nokuti mabasa esimba akaitwa mukati menyu dai akaitwa muTaya neSidhoni, vangadai vatendeuka kare, vakagara vana masaga nedota. 14Asi Taya neSidhoni acharerukirwa pakutongwa kupfuuremi. 15Newe Kapenaume, uchasimudzirwa kudenga here? Uchadzika kuHadhesi.”
16“Anokunzwai imi, anondinzwa ini; anokurambai imi, anondiramba ini; anoramba ini, anoramba iye akandituma.”
17Vana makumi manomwe vakadzoka nomufaro, vachiti, “Ishe, kunyangwe nemweya yakaipa inozviisa pasi pedu muzita renyu.”
18Akati kwavari, “Ndakaona Satani achiwa kudenga semheni.
19“Tarirai, ndakakupai simba rokutsika pamusoro penyoka nezvinyavada, napamusoro pesimba rose romuvengi; hakuna chinhu chingatongokukuvadzai. 20Asi, musafara bedzi nechinhu ichi, kuti mweya inozviisa pasi penyu; asi mufare kuti mazita enyu akanyorwa kudenga.”
21Nenguva iyo akafara noMweya Mutsvene, akati, “Ndinokuvongai baba, Ishe wokudenga napasi, kuti makavanzira vakachenjera navakangwara zvinhu izvi, mukazvizarurira vacheche. Hongu Baba, nokuti ndizvo zvakakufadzai.
22“Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu; hakuna anoziva kuti Mwanakomana ndiani, asi Baba, uye kuti Baba ndiani, asi Mwanakomana, naiye Mwanakomana waanenge achida kumuzarurira iye.”
23Ipapo akatendeukira kuvadzidzi vake, akati kwavari, vari voga, “Meso, anoona zvamunoona, akaropafadzwa.
24“Nokuti ndinoti kwamuri, vaporofita vazhinji namadzimambo vaida kuona zvamunoona, vakasazviona, nokunzwa zvamunonzwa, vakasazvinzwa.”
Mufananidzo womuSamaria akanaka
25Zvino mumwe mududziri womurairo akasimuka, akamuedza, achiti, “Mudzidzisi, ndingaiteiko kuti ndigare nhaka youpenyu husingaperi?”
26Akati kwaari, “Pamurairo pakanyorweiko? Unorava sei?”
27Iye akapindura, akati, “Ida Ishe, Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose, nokufunga kwako kwose, nowokwako sezvaunozvida iwe.”
28Akati kwaari, “Wapindura zvakanaka; ita izvozvo, ugorarama.”
29Asi iye, achida kuzviruramisa, akati kuna Jesu, “Wokwangu ndianiko?”
30Jesu akapindura, akati, “Mumwe munhu akabva Jerusaremu, akaburukira Jeriko, akawirwa namakororo, akamupamba nguo, akamurova, akaenda, ndokumusiya oda kufa. 31Zvino mumwe mupristi akanga achingoburuka hake nenzira iyo; akati achimuona, akamunyenyeredza. 32Noku daro muRevhiwo akasvikapo, akamuona, akamunyenyeredza. 33Zvino mumwe muSamaria, akanga ari parwendo, akasvika kwaari; akati achimuona, akamunzwira tsitsi, 34akaenda kwaari, ndokupombera mavanga ake, akaadira mafuta newaini; akamukwidza pachipfuwo chake, ndokumuisa kuimba yavaeni, ndokumuchengeta.
35“Zvino, ava mangwana, akabudisa madhinari maviri, akaapa muridzi wemba, akati, ‘Muchengete, zvose zvaunomupa kupfuura izvi, ndichakupazve, kana ndichidzoka.’ ”
36“Unofungei, ndoupiko kuna vatatu ava akanga ari wokwake waiye akawirwa namakororo?”
37Akati, “Ndiye akamuitira ngoni.” Jesu akati kwaari, “Enda, unoita saizvozvo.”
Marita naMaria
38Zvino vakati vachifamba, akapinda muno mumwe musha; mumwe mukadzi ainzi Marita, akamugamuchira mumba make. 39Iye akanga anomunun'una ainzi Maria, akagarawo pamakumbo aJesu, akanzwa shoko rake. 40Asi Marita akanga achitambudzika nokushanda zvikuru, akauya, akati, “Ishe, hamuna hanya muchiona munun'una wangu achindirega ndichishanda ndoga here? Muudzei andibatsire.”
41Ishe akapindura, akati kwaari, “Marita! Marita! Unofunganya, nokuzvitambudza nezvinhu zvizhinji, 42asi chinhu chimwe chinodikanwa; nokuti Maria akasanangura mugove wakanaka, waasingazotorerwi.”

ಪ್ರಸ್ತುತ ಆಯ್ಕೆ ಮಾಡಲಾಗಿದೆ:

Ruka 10: SUB

Highlight

ಶೇರ್

ಕಾಪಿ

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in