Johani Zviri mubhuku rino

Zviri mubhuku rino
Shoko Rakanaka raJohani rakanyorwa rine chinangwa chikuru chokuratidza kuti Jesu ndiye Izwi raMwari, Mesia, Mwanakomana waMwari akauya pasi pano akava munhu sesu kuti awanise vanhu vose upenyu husingaperi.
Bhuku iri rakanyorerwa kuti vanhu vadavire kuti Jesu ndiye Mesia Mwanakomana waMwari. Johani anoshandisa mazwi anoratidza seasina maturo zvawo asi anenge ano udzamu hwakanyanya, aine madanho akasiyana–siyana ohudzamu ihwohwo. Anoshandisa mazwi saaya okuti, chingwa kana kuti mvura kana kuti chiedza kana kuti mufudzi kana kuti musuo kana kuti magirepisi. Mazwi aya nezvishamiso nezviratidzo zvaJesu zvainongedzera kune zvimwe zvakatodzama kupinda izvo.
Johani akanyora bhuku iri senyaya iri padare rokutonga. Vamwe anovati ndevechiedza, vamwe ndeverima; vamwe ndevenhema vamwe ndevechokwadi. Vamwe ndevaMwari vamwe vari vaSatani. Padare iroro pane zvapupu zvinopupurira Jesu nezviito zvake. Zvapupu zvacho ndezvizvi izvi zvinoti chitenderano chakare, naJohani Muombeki naVanhu, navapositori naMwari Baba naMweya Mutsvene. Vanenge varamba kugamuchira Jesu namazwi ake nouchapupu hwose hunopiwa uhu, vane mhosva yokuti chiedza chakauya pasi pano asi ivo vakada rima. Zvinoitwa nezvinotaurwa naJesu zvizhinji zvacho zvinoitwa zvakanangana namazuva makuru avaJudha uye zvinoburitsa pachena zvimwe zvinodiwa pakunamata sepaPasika, Mazuva Makuru Amatumba neTemberi, noruombeko, neChirariro chaTenzi, nokuregererwa kwezvitadzo nokugamuchira kwatinofanira kuita Mweya Mutsvene.
Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raJohani
A: Mazwi okusuma (1:1—1:18)
B: Basa rakaitwa naJesu (1:19—21:25)
I: Basa rakaitwa naJesu rokuparidza (1:19—4:54)
(a) Svondo rokutanga (1:19—2:12)
(b) Pasika (2:13—4:54)
II: Jesu anoenda kumazuva makuru kechipiri: Kupikisana naJesu kokutanga (5:1–47)
III: Jesu chingwa chinopa upenyu (6:1–71)
IV: Mazuva makuru amatumba (7:1—10:21)
V: Zuva guru rokuchenurwa kweTemberi (10:22–42)
VI: Jesu anonanga kurufu rwake (11:1—12:50)
C: Kukumbira kwaJesu: Pasika yeHwayana yaMwari (13:1—20:31)
I: Chirariro chaJesu chokupedzisira (13:1—17:26)
II: Dambudziko norufu rwaJesu (18:1—19:42)
III: Zuva rakamuka Jesu (20:1–31)
D: Mazwi okuzarira (21:1–25)
I: Jesu akazviratidza kuvadzidzi vake pagungwa reTibheriasi (21:1–24)
II: Mazwi okuzarira kechipiri (21:25)

ಪ್ರಸ್ತುತ ಆಯ್ಕೆ ಮಾಡಲಾಗಿದೆ:

Johani Zviri mubhuku rino: SCLBC

Highlight

ಶೇರ್

ಕಾಪಿ

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in