1
Mako 13:13
Shona Bible 1949, revised 2002
Muchavengwa navose nokuda kwezita rangu; asi anotsunga kusvikira pakuguma achaponeswa.
ತಾಳೆಮಾಡಿ
Mako 13:13 ಅನ್ವೇಷಿಸಿ
2
Mako 13:33
Chenjerai, murinde, nokunyengetera; nokuti hamuzivi kuti nguva ichasvika rini.
Mako 13:33 ಅನ್ವೇಷಿಸಿ
3
Mako 13:11
Kana vachienda nemi kunotongwa, vachikuisai kumakurukota, musambofunganya zvamuchataura, asi taurai chamunenge mapiwa nenguva iyo. Nokuti hamusirimi munotaura, asi ndiMweya Mutsvene.
Mako 13:11 ಅನ್ವೇಷಿಸಿ
4
Mako 13:31
Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.
Mako 13:31 ಅನ್ವೇಷಿಸಿ
5
Mako 13:32
“Asi kana riri zuva iro nenguva iyo, hakuna anozviziva, kunyange vatumwa vokudenga, kunyange Mwanakomana, asi Baba.
Mako 13:32 ಅನ್ವೇಷಿಸಿ
6
Mako 13:7
Kana muchinzwa zvokurwa, nenyaya yokurwa, musavhunduka; izvozvo zvinofanira kumboitika; asi kuguma kuchigere kusvika.
Mako 13:7 ಅನ್ವೇಷಿಸಿ
7
Mako 13:35-37
Naizvozvo rindai, nokuti hamuzivi musi muridzi weimba anouya nawo, kana madeko, kana pakati pousiku, kana pakurira kwehuku, kana mangwanani; kuti arege kuuya kamwe-kamwe, akakuwanai muvete. Zvandinokuudzai imi, ndinoudza vose, ndichiti, ‘Rindai!’ ”
Mako 13:35-37 ಅನ್ವೇಷಿಸಿ
8
Mako 13:8
Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, ushe huchamukira ushe; kudengenyeka kwenyika kuchavapo kunedzimwe nzvimbo; nenzara dzichavapo. Ndiko kutanga kwenhamo.
Mako 13:8 ಅನ್ವೇಷಿಸಿ
9
Mako 13:10
Vhangeri inofanira kutanga kumboparidzirwa marudzi ose.
Mako 13:10 ಅನ್ವೇಷಿಸಿ
10
Mako 13:6
Vazhinji vachauya nezita rangu, vachiti, ‘Ndini Kristu, vachitsausa vazhinji.’
Mako 13:6 ಅನ್ವೇಷಿಸಿ
11
Mako 13:9
“Zvichenjerei imi, nokuti vachakuisai kumakurukota, uye mucharohwa mumasinagoge, muchaiswa pamberi pamadzishe namadzimambo nokuda kwangu, chive chapupu kwavari.
Mako 13:9 ಅನ್ವೇಷಿಸಿ
12
Mako 13:22
Nokuti vanaKristu venhema vachamuka, navaporofita venhema, vachaita zviratidzo nezvinoshamisa, kuti vatsause vakasanangurwa, kana zvichibvira.
Mako 13:22 ಅನ್ವೇಷಿಸಿ
13
Mako 13:24-25
“Asi namazuva iwayo, shure kwokutambudzika ikoko, zuva richasviba, nomwedzi hauchazobwinyi, nenyeredzi dzichawa kudenga, namasimba ari kudenga achazununguswa.
Mako 13:24-25 ಅನ್ವೇಷಿಸಿ
ಮುಖಪುಟ
ಬೈಬಲ್
ಯೋಜನೆಗಳು
ವೀಡಿಯೊಗಳು