1
Mavambo 37:5
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Rimwe zuva Josefi akarota hope dzake. Paakadziudza vakoma vake, vakabva vatonyanya kumuvenga.
Confronta
Esplora Mavambo 37:5
2
Mavambo 37:3
Isiraeri aida Josefi chaizvo kupfuura vamwe vana vake vose nokuti akazoberekwa ivo vakwegura. Akasonera Josefi hanzu yakanga yakareba, yemaoko marefu.
Esplora Mavambo 37:3
3
Mavambo 37:4
Vakoma vake vakazviona kuti baba vavo vaimuda kupfuura vamwe vose, vakamuvenga vakatadzawo kunyatsotauriranawo naye zvakanaka.
Esplora Mavambo 37:4
4
Mavambo 37:9
Akazorota zvakare dzimwe hope, ndokuudza vakoma vake achiti, “Ndarotazve dzimwe hope. Ndaona zuva nomwedzi nenyenyedzi gumi neimwe zvichindikotamira.”
Esplora Mavambo 37:9
5
Mavambo 37:11
Vakoma vake ndokubva vava kumuitira shanje, asi baba vake vakazvipfundira mumwoyo mavo.
Esplora Mavambo 37:11
6
Mavambo 37:6-7
Akati, “Donzwai hope dzangu dzandarota. Tanga tichisunga zvisote zvekoroni mumunda, wanei chisote changu chakanyatsoti twi-i kumira. Zvisote zvenyu zvakomberedza changu zvikabva zvazochikotamira.”
Esplora Mavambo 37:6-7
7
Mavambo 37:20
Ngatimuurayei, timukande mune rimwe gomba, tozoti akadyiwa nechikara, tigoona kuti kurota kwake kwacho kuchasvikepi.”
Esplora Mavambo 37:20
8
Mavambo 37:28
Kuzoti vashambadzi vorudzi rwevaMidhiani ava vasvikapo, vakoma vake vakakweva Josefi vachimuburitsa mugomba umu, vakabva vamutengesa kuvaIshimaeri ndokupiwa mari yesirivha makumi maviri, vaIshimaeri ava ndokuenda naye kuIjipiti.
Esplora Mavambo 37:28
9
Mavambo 37:19
Vakataurirana vachiti, “Heyo shasha iye yokurota yauya.
Esplora Mavambo 37:19
10
Mavambo 37:18
Zvino vakoma vake vakamuona achiri kure, asati asvika pedyo navo, vakarangana kuti vamuuraye.
Esplora Mavambo 37:18
11
Mavambo 37:22
Rubheni akatizve, “Ngatiregei kudeura ropa. Mukandei zvenyu mugomba iri riri pano murenje muno asi musawane chamunoita kwaari.” Akareva izvozvo achida kununura Josefi mumaoko avo kuti azomudzosera kuna baba vake.
Esplora Mavambo 37:22
Home
Bibbia
Piani
Video