Johane 19:26-27
Johane 19:26-27 SUB1949
Ɀino Jesu wakati aciʋona mai ʋake, nomudzidzi waaiɗa, amire’po, akati kunamai ʋake: Mai, tarirai, mŋanakomana wenyu. Ipapo akati kumudzidzi: Tarira mai ʋako. Kubva paŋguʋa iyo mudzidzi akaʋatora, akaʋaisa kumba kwake.