1
Genesisi 11:6-7
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Jehovha akati, “Kana vanhu ava vava somunhu mumwe, vachitaura rurimi rumwe chete, vakatanga kuita izvi, zvino hapana chinhu chavanoronga kuti vachiite chichavaomera. Uyai, ngatiburukei tindovapesanisa mutauro wavo kuti varege kunzwisisana.”
Bandingkan
Telusuri Genesisi 11:6-7
2
Genesisi 11:4
Ipapo vakati, “Uyai, ngatizvivakirei guta neshongwe inosvika kudengadenga, kuti tizviitire mukurumbira uye kuti tirege kupararira panyika yose.”
Telusuri Genesisi 11:4
3
Genesisi 11:9
Ndokusaka nzvimbo iyo yakanzi Bhabheri, nokuti ipapo Jehovha akapesanisa mutauro wenyika yose. Kubva ipapo Jehovha akavaparadzira pamusoro penyika yose.
Telusuri Genesisi 11:9
4
Genesisi 11:1
Zvino nyika yose yakanga ino rurimi rumwe chete nokutaura kwakafanana.
Telusuri Genesisi 11:1
5
Genesisi 11:5
Asi Jehovha akaburuka pasi kuti azoona guta neshongwe yakanga ichivakwa navanhu.
Telusuri Genesisi 11:5
6
Genesisi 11:8
Saka Jehovha akavaparadzira pamusoro penyika yose ipapo, uye vakarega kuvaka guta.
Telusuri Genesisi 11:8
Beranda
Alkitab
Rencana
Video