1
Johani 10:10
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Mbavha inongouya kuzoba nokuuraya nokuparadza; ini ndakauya kuti ave noupenyu, uye ave nohwakazara.
Համեմատել
Ուսումնասիրեք Johani 10:10
2
Johani 10:11
“Ndini mufudzi akanaka. Mufudzi akanaka anorasira makwai ake upenyu hwake.
Ուսումնասիրեք Johani 10:11
3
Johani 10:27
Makwai angu anonzwa inzwi rangu; ini ndinoaziva, uye anonditevera.
Ուսումնասիրեք Johani 10:27
4
Johani 10:28
Ndinoapa upenyu husingaperi, uye haatongofi; hakuna munhu angaabvuta muruoko rwangu.
Ուսումնասիրեք Johani 10:28
5
Johani 10:9
Ndini mukova; ani naani anopinda napandiri achaponeswa. Achapinda agobuda, uye achawana mafuro.
Ուսումնասիրեք Johani 10:9
6
Johani 10:14
“Ndini mufudzi wamakwai; ndinoziva makwai angu uye makwai angu anondiziva
Ուսումնասիրեք Johani 10:14
7
Johani 10:29-30
Baba vangu, ivo vakaapa kwandiri, vakuru kuna vose; hakuna munhu angaabvuta muruoko rwaBaba vangu. Ini naBaba tiri vamwe.”
Ուսումնասիրեք Johani 10:29-30
8
Johani 10:15
Baba sezvavanondiziva uye neni ndichiziva Baba, uye ndinorasira makwai angu upenyu hwangu.
Ուսումնասիրեք Johani 10:15
9
Johani 10:18
Hakuna munhu angahutora kwandiri, asi ndinohupa pachangu. Ndine simba rokuhurasa uye ndine simba rokuhutorazve. Uyu murayiro ndakaupiwa naBaba.”
Ուսումնասիրեք Johani 10:18
10
Johani 10:7
Naizvozvo Jesu akatizve kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, ndini mukova wamakwai.
Ուսումնասիրեք Johani 10:7
11
Johani 10:12
Mushandi haasi iye mufudzi nomwene wamakwai. Saka paanoona bere richiuya, anosiya makwai obva atiza. Ipapo bere rinobata boka ramakwai uye roaparadzira.
Ուսումնասիրեք Johani 10:12
12
Johani 10:1
“Ndinokuudzai chokwadi kuti munhu asingapindi mudanga ramakwai napamukova, asi anokwira kuti apinde naparutivi, imbavha uye igororo.
Ուսումնասիրեք Johani 10:1
Գլխավոր
Աստվածաշունչ
Ծրագրեր
Տեսանյութեր