1
Johane 15:5
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ini ndiri muzambiriŋga, imi muri mataʋi. Unogara mandiri, neni maari, ndiye unoɓereka ɀiɓereko ɀakawanda; nokuti kunze kwaŋgu hamugoni kuita cinhu.
Compare
Johane 15:5 ખોજ કરો
2
Johane 15:4
Garai mandiri, neni mamuri. Seɗaʋi risiŋgagoni kuɓereka ɀiɓereko roga, kana risiŋgagari mumuzambiriŋga; saiɀoɀo nemi ʋo, kana musiŋgagari mandiri.
Johane 15:4 ખોજ કરો
3
Johane 15:7
Kana mucigara mandiri, namashoko aŋgu acigara mamuri, kumbirai ɀamunoɗa, mucaɀiitirwa.
Johane 15:7 ખોજ કરો
4
Johane 15:16
Imi hamuna‐kundisanaŋgura, asi ini ndakakusanaŋgurai imi, ndikakuisai kuti muende muɓereke ɀiɓereko, ʋuye kuti ɀiɓereko ɀenyu ɀigare; kuti cinhu cipi necipi camuneŋge mucikumbira kunaƂaɓa muzita raŋgu, ʋakupei ico.
Johane 15:16 ખોજ કરો
5
Johane 15:13
Hakunomunhu unoruɗo rukuru kunourwu, kuti munhu arashire hama dzake ʋupenyu bgake.
Johane 15:13 ખોજ કરો
6
Johane 15:2
Ƌaʋi rimŋe nerimŋe riri mandiri, risiŋgaɓereki ɀiɓereko, ʋanoribvisa; rimŋe nerimŋe, rinoɓereka ɀiɓereko, ʋanorinatsa, kuti riwedzere ɀiɓereko.
Johane 15:2 ખોજ કરો
7
Johane 15:12
Uyu ndiwo murairo waŋgu, kuti muɗane, seni ndakakuɗai imi.
Johane 15:12 ખોજ કરો
8
Johane 15:8
Ƃaɓa ʋaŋgu ʋanokudzwa naiɀoɀi, kuti muɓereke ɀiɓereko ɀakawanda; ʋuye mucaʋa ʋadzidzi ʋaŋgu.
Johane 15:8 ખોજ કરો
9
Johane 15:1
Ndini muzambiriŋga waɀokwaɗi, Ƃaɓa ʋaŋgu murimi.
Johane 15:1 ખોજ કરો
10
Johane 15:6
Kana munhu asiŋgagari mandiri, unorashwa kunze seɗaʋi, ndokuwoma; ʋanoaʋuŋganidza, ndokuakandira mumŋoto, atȿe.
Johane 15:6 ખોજ કરો
11
Johane 15:11
Ɀinhu iɀoɀi ndakaɀitaura kwamuri, kuti mufaro waŋgu ugare mamuri, nomufaro wenyu uzadzike.
Johane 15:11 ખોજ કરો
12
Johane 15:10
Kana muciceŋgeta mirairo yaŋgu, mucagara muruɗo rwaŋgu, seni ndaiceŋgeta mirairo yaƂaɓa ʋaŋgu, ndicigara muruɗo rwaʋo.
Johane 15:10 ખોજ કરો
13
Johane 15:17
Ndiɀoɀi ɀandinokurairai, kuti muɗane.
Johane 15:17 ખોજ કરો
14
Johane 15:19
Kana maiʋa ʋenyika, nyika yaiɗa ʋayo; ɀino ɀamusati muri ʋenyika, asi ini ndakakusanaŋgurai panyika, saka nyika inokuʋeŋgai.
Johane 15:19 ખોજ કરો
હોમ
બાઇબલ
યોજનાઓ
વિડિઓઝ