YouVersion Logo
Search Icon

Mavambo 19

19
Chitadzo cheSodhomu
1Vatumwa vaMwari vaviri ava vakasvika kuSodhomu ava manheru. Roti akanga agere pasuo guru reSodhomu. Roti avaona akasimuka akandochingurana navo akavagwadamira pasi akatyora uso 2akati, “Madzishe angu, uyai zvenyu kumba kwangu ini muranda wenyu, mushambe tsoka dzenyu, murareko mozofumomuka zvenyu moenda.”
Asi ivo vakati, “Kwete. Tichavata zvedu pamusika.”
3Roti akavateterera chaizvo kusvikira aenda navo kumba kwake, vakapinda mumba. Akavaitira mabiko akavabikira chingwa chisina mbiriso vakadya.
4Asi vasati vamborara, varume vomuguta iroro, varume muSodhomu vakuru navadiki, vanhu vose zvavo pasina akasara vakakomba imba iyi. 5Vakadaidzira kuna Roti vachiti, “Varume vauya kwauri manheru ano vari kupiko? Vaburitse pano panze kwatiri kuti tivaite vakadzi vedu.”
6Roti akaenda kumusuo akabuda panze kuvanhu ivavo ndokupfiga musuo. 7Akati, “Hama dzangu regai kuita chakaipa chikadai. 8Ndine vanasikana vangu vaviri vachiri mhandara. Regai ndivaunze kwamuri muite zvenyu zvamunoda navo. Kana zviri zvavarume ava regai zvenyu kuwana chamungaite kwavari nokuti vaeni vauya mumba mangu.” 9Asi ivo vakati, “Ibvapo.” Vakatiwo, “Muchinda uyu akauya somuuyi, asi zvino ava kuzvitora somutongi! Zvino tichakuorora kupfuura zvatanga tichavaita.” Vakamomotera Roti vachimusunda vachida kupaza musuo wemba yake. 10Asi varume vaviri vaya vakatambanudza maoko avo, vakakwevera Roti mumba mavakanga vari, vakapfiga musuo. 11Vakapofomadza vanhu vose vaya vakanga vari pamusuo wemba, vakuru navaduku, vakadzungaira zvokutadza kuona musuo iwoyo.
12Varume vaviri vaya vakabvunza Roti vachiti, “Une vamwe vokwako muguta rino here, vakaita savakuwasha, kana kuti vana vakomana kana vasikana, kana vamwewo? 13Vaburitse muno nokuti tava kuda kuparadza nzvimbo ino. Chatinodariro ndechichi: mhosva dzavanhu vayo dzasvika munzeve dzaTenzi, dzanyanya kuwanda zvokuti Tenzi atituma kuzoparadza.”
14Roti akabuda akandotaurira vakuwasha vake vaitarisirwa kuzoroora vana vake achiti, “Simukai mubve muno nokuti Tenzi achaparadza guta rino.” Asi vakuwasha vake vakafunga kuti vari kuita jee navo.
15Kuzoti ava mambakwedza vatumwa vakakurumidzisa Roti vachiti, “Chisimuka utore mukadzi wako navanasikana vako vaviri vaunavo pano uende, kuitira kuti murege kuparadzwa pacharangwa guta rino.”
16Asi Roti akaita chinono, varume ava ndokubva vati Roti nomukadzi wake navanasikana vake vaviri, maoko chapu, vakavaburitsa vachivakwekweretsera kunze kweguta nokuti Tenzi akavanzwira tsitsi. 17Pavakasvika navo kunze kweguta vakati, “Chitotizai muponese upenyu hwenyu, musacheuke muchitarisa shure kana kumira papi zvapo mubani. Tizirai kugomo mungadaro mukaparadzwa.”
18Asi Roti akati, “Kweteka, madzishe angu. 19Inga makafadzwa neni muranda wenyu wani mukandinzwira tsitsi dzenyu dzakawanda mukandinunura. Asi zvokutizira kugomo handingazvikwanise, njodzi ingadaro ikandiwira ndisati ndasvikako, ndikafa. 20Inga pane kaguta kari pedyo ako, handiti kadiki zvako, regai nditizireko ndirarame.”
21Mutumwa akati, “Zvakanaka, chichemo chako ndachinzwa. Chimwezve ndechokuti handichaparadza guta rawareva. 22Chikurumidza kutizira ikoko nokuti hakuna chandingaite usati wasvikako.” Saka zita reguta iroro rakatumidzwa kuti Zoari.
Kuparadzwa kweSodhomu neGomora
23Zuva rakanga ratobuda pakasvika Roti muZoari. 24Pakarepo Tenzi akanayisa moto wesarufa paSodhomu neGomora uchibva kudenga kuna iye Tenzi. 25Akaparadza maguta iwayo nebani rose navagari vomumaguta iwayo vose. Akaparadzawo zvose zvaimerapo. 26Asi mudzimai waRoti aivatevera ari shure, akacheuka akabva aita churu chomunyu.
27Abhurahamu akafumoenda paakanga amire naTenzi paya. 28Akatarisa kuSodhomu neGomora nokubani rose, onei utsi hwenzvimbo yose iyoyo huchitogoka mudenga soutsi hwevira romoto. 29Saka Mwari paakaparadza maguta omubani, akarangarira Abhurahamu, akaburitsa Roti mukati menhamo yokuparadzwa kwamaguta aaigara.
Kwakabva vaMoabhu navaAmoni
30Roti akazobva muZoari, akandogara mugomo, mubako, navanasikana vake vaviri vaya nokuti vakatya kugara muZoari. 31Mwana wavo wedangwe akataurira munun'una wake kuti, “Baba vedu vachembera uyezve hakuna varume munyika ino iyi vatingawanana navo sezvinongoitawo vanhu vose vose panyika. 32Ngatinwisei baba vedu waini tigorara navo kuti tiwane machengetero orudzi rurege kutsakatika.” 33Usiku ihwohwo vakanwisa baba vavo waini. Wedangwe akapinda muna baba vavo, akandovata navo. Baba ava havana kumboziva kuvata kwaakaita navo kana kuzobva kwaakaita pavari.
34Ramangwana racho, wedangwe akataurira munun'una wake achiti, “Ndakarara nababa usiku hwapfuura. Zvino ngativanwisei zvakare waini usiku hwanhasi, uendewo undorara navo kuti tiwane machengetero orudzi, rurege kutsakatika.” 35Usiku ihwohwo vakanwisazve baba vavo waini. Munun'una wacho akandorarawo navo. Baba ava havana kumboziva kuvata kwaakaita navo kana kuzobva kwaakaita pavari. 36Saka vanasikana vaRoti, vose vari vaviri, vakaita vana nababa vavo. 37Mwanasikana wedangwe akabereka mwana mukomana, akamutumidza zita rokuti Moabhu. Ndiye tateguru wevaMoabhu. 38Munun'una wake akaberekawo mwana mukomana, akamutumidza zita rokuti Bheniami. Ndiye tateguru wevaAmoni variko nhasi uno.

Currently Selected:

Mavambo 19: SCLBD

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in