Johani 6

6
Vane zviuru zvishanu vanopiwa zvokudya
(Mateu 14:13-21; Mako 6:30-44; Ruka 9:10-17)
1Shure kwaizvozvo Jesu akaenda mhiri kwegungwa reGariria, ndiro reTibheriasi. 2Vanhu vazhinji-zhinji vakamutevera, nokuti vakaona zviratidzo zvaaiita kuvarwere. 3Jesu akakwira mugomo, akagaramo navadzidzi vake. 4Pasika, mutambo wavaJudha, wakanga uri pedyo. 5Zvino Jesu akati achitarira, akaona vanhu vazhinji-zhinji vachiuya kwaari, akati kuna Firipi, “Tingatengepiko zvingwa, kuti vanhu ava vadye?”
6Akareva izvozvo kuti amuedze, nokuti iye akaziva amene zvaakanga achida kuita. 7Firipi akamupindura, achiti, “Zvingwa zvamadhenari ana mazana maviri hazvingavaringani, kuti mumwe nomumwe atore zvishoma.”
8Zvino mumwe wavadzidzi vake, Andireya, munun'una waSimoni Petirosi, akati kwaari, 9“Pano pano mukomana, ane zvingwa zvishanu zvebhari nehove mbiri; asi izvi zvingakwanira sei vanhu vazhinji?”
10Jesu akati, “Garisai vanhu pasi.” Zvino kwakanga kuno uswa huzhinji ipapo. Naizvozvo varume vakagara pasi, kuwanda kwavo kunenge zviuru zvishanu. 11Zvino Jesu akatora zvingwa; akavonga, akazvipa vakanga vagere pasi; nehovewo saizvozvo pavaida napo. 12Zvino vakati vaguta, akati kuvadzidzi vake, “Unganidzai zvimedu zvakasara, kuti zvirege kurasika.” 13Ipapo vakazviunganidza, vakazadza matengu ane gumi namaviri nezvimedu zvezvingwa zvishanu zvebhari, zvakanga zvasara kuna vakadya.
14Zvino vanhu vakati vaona chiratidzo chaakaita, vakati, “Zvirokwazvo uyu muporofita, anouya panyika.”
15Zvino Jesu, zvaakaziva kuti voda kuuya kumubata nesimba kuzomuita mambo, akabvazve, akaenda mugomo ari oga.
Jesu anofamba pamusoro pemvura
(Mateu 14:22-33; Mako 6:45-52)
16Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakaburukira kugungwa; 17vakapinda muigwa, vakatanga kuyambuka gungwa kuenda Kapenaume. Zvino kwakanga kwasviba, asi Jesu akanga asati asvika kwavari. 18Gungwa rikatanga kumutswa nemhepo huru yaivhuvhuta. 19Zvino vakati vakwasva zvikuru masitadhia anenge makumi maviri namashanu, kana makumi matatu, vakaona Jesu achifamba pamusoro pemvura, achiswedera pedyo negwa; vakatya. 20Asi iye akati kwavari, “Ndini, musatya.” 21Zvino vakafara kumugamuchira muigwa, igwa rikasvika pakarepo kunyika kwavakanga vachienda.
Jesu chingwa choupenyu
22Ava mangwana vanhu vazhinji, vakanga vamire mhiri kwegungwa, vakaona kuti pakanga pasina rimwe igwa duku ipapo, asi iro rimwe makanga mapinda vadzidzi vake, mariri, uye kuti Jesu haana kupinda muigwa navadzidzi vake, asi kuti vadzidzi vake vakanga vaenda voga. 23(Asi mamwe magwa maduku akanga abva Tibheriasi, akasvika pedyo pavakadyira zvingwa, Ishe ambovonga). 24Zvino vanhu vazhinji vakati vaona, kuti Jesu haapo, navadzidzi vake, vakapinda vamene mumagwa maduku, vakasvika Kapenaume, vachitsvaka Jesu.
25Zvino vakati vamuwana mhiri kwegungwa, vakati kwaari, “Rabhi, mauya pano riniko?”
26Jesu akavapindura, akati, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, hamunditsvaki nokuti makaona zviratidzo, asi nokuti makadya zvingwa mukaguta. 27Musabatira basa kutsvaka zvokudya zvinopera, asi batirai basa kuti muwane zvokudya zvinogara kuupenyu husingaperi, zvamuchapiwa naMwanakomana womunhu; nokuti baba, Mwari, vakaisa chisimbiso kwaari.” 28Zvino vakati kwaari, “Tichaiteiko, kuti tibate mabasa aMwari?”
29Jesu akapindura, akati kwavari, “Basa raMwari ndiro, kuti mutende kuna iye waakatuma.”
30Zvino vakati kwaari, “Munoita chiratidzo chipiko, kuti tione, tikutendei? 31Madzibaba edu akadya mana murenje, sezvazvakanyorwa, zvichinzi, ‘Akavapa chingwa chikabva kudenga, kuti vadye.’ ”
32Zvino Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, akanga asi iye Mosesi, akakupai chingwa chakabva kudenga, asi ndibaba vangu vanokupai chingwa chechokwadi, chinobva kudenga. 33Nokuti chingwa chaMwari ndicho chinoburuka kudenga, chinopa pasi upenyu.”
34Zvino vakati kwaari, “Ishe, tipei chingwa ichi misi yose.”
35Jesu akati kwavari, “Ndini chingwa choupenyu; anouya kwandiri, haangatongovi nenzara, noanotenda kwandiri haangatongovi nenyota. 36Asi ndakakuudzai, kuti makandiona, asi hamutendi.
37“Zvose baba zvavanondipa zvichauya kwandiri; noanouya kwandiri, handingatongomurasiri kunze. 38Nokuti handina kuburuka kudenga, kuti ndiite kuda kwangu, asi kuda kwoakandituma. 39Kuda kwoakandituma ndiko, kuti pazvose zvaakandipa, ndirege kurasikirwa nomumwechete waakanditurira, asi kuti ndivamutse nezuva rokupedzisira. 40Nokuti kuda kwababa vangu ndiko, kuti mumwe nomumwe, anotarira Mwanakomana, nokutenda kwaari, ave noupenyu husingaperi; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira.”
41Zvino vaJudha vakagun'un'una pamusoro pake, nokuti akati, “Ndini chingwa chakaburuka kudenga.” 42Vakati, “Uyu haasi Jesu, Mwanakomana waJosefa, watinoziva baba namai vake here? Zvino angagoti seiko, ndakaburuka kudenga?”
43Jesu akapindura, akati kwavari, “Musagun'un'una pakati penyu.
44“Hakuna munhu angauya kwandiri, kana baba, vakandituma, vasingamukwevi; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira. 45Muvaporofita makanyorwa, muchinzi, ‘Vachadzidziswa vose naMwari.’ Mumwe nomumwe akazvinzwa kuna baba, akadzidza, anouya kwandiri. 46Handirevi kuti kune munhu akaona baba; asi uyo anobva kuna Mwari, ndiye akaona baba.
47“Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, anotenda, ano hupenyu usingaperi. 48Ndini chingwa choupenyu.
49“Madzibaba enyu akadya mana murenje, akafa. 50Ichi ndicho chingwa, chinoburuka kudenga, kuti munhu achidye, arege kufa. 51Ndini chingwa chipenyu, chakaburuka kudenga; kana munhu achidya chingwa ichi, achararama nokusingaperi; chingwa chandichapa, inyama yangu, yandinopira upenyu hwapasi.”
52Zvino vaJudha vakakakavara pakati pavo, vachiti, “Munhu uyu angatipa seiko nyama yake, tidye?” 53Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kana musingadyi nyama yoMwanakomana womunhu, nokunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri.
54“Anodya nyama yangu, naanonwa ropa rangu, ane upenyu husingaperi; ini ndichamumutsa nezuva rokupedzisira. 55Nokuti nyama yangu ndicho chokudya chaicho, neropa rangu chokunwa chaicho. 56Anodya nyama yangu, naanonwa ropa rangu, anogara mandiri, neni maari. 57Baba vapenyu, sezvavakandituma, neni ndichirarama nababa; saizvozvo anondidya, achararama neni. 58Ichi ndicho chingwa chakaburuka kudenga; hazvina kuita samadzibaba akadya, akafa; anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.” 59Akareva zvinhu izvi musinagoge, achidzidzisa paKapenaume.
Vamwe vadzidzi vaJesu vanomusiya, asi Petirosi anopupura kuti Jesu ndiye Kristu
60Zvino vazhinji vavadzidzi vake vakati vachizvinzwa, vakati, “Iri shoko igukutu; ndianiko angarinzwa?”
61Asi Jesu, zvaakanga achiziva mumwoyo make kuti vadzidzi vake vanogun'un'una neshoko irero, akati kwavari, “Iri shoko rinokugumbusai kanhi? 62Muchagodiniko kana muchiona Mwanakomana womunhu achikwira kwaaiva pakutanga? 63Mweya ndiye anoraramisa, nyama haina maturo; mashoko andakataura kwamuri, ndiwo mweya noupenyu. 64Asi vamwe venyu variko vasingatendi;” nokuti Jesu akanga achiziva kubva pakutanga, kuti vaisatenda ndivanaani, uye kuti ndiani aizomupandukira.
65Akati, “Nemhaka iyi ndakati kwamuri, kuti hakuna munhu angauya kwandiri, kana asina kuzvipiwa nababa.”
66Ipapo vadzidzi vake vazhinji vakadzokera shure, vakasazofamba naye.
67Jesu akati kuna vane gumi navaviri, “Nemi munoda kubvawo here?” 68Simoni Petirosi akamupindura, akati, “Ishe, tichagoenda kuna aniko? Ndimi muna mashoko oupenyu husingaperi.
69“Isu takatenda, tikaziva kuti ndimi Mutsvene waMwari.”
70Jesu akapindura, akati, “Handina kukutsanangurai, imi muri gumi navaviri here? Asi mumwe wenyu ndowaDhiabhori.” 71Akareva Judhasi, mwanakomana waSimoni Isikarioti, nokuti ndiye aizomupandukira, aiva mumwe wavane gumi navaviri.

Valgt i Øjeblikket:

Johani 6: SNA2002

Markering

Del

Kopiér

None

Vil du have dine markeringer gemt på tværs af alle dine enheder? Tilmeld dig eller log ind