Zvakazarurwa 17
17
Mukadzi akanga agere pamusoro peChikara
1Mumwe wavatumwa vanomwe vakanga vane ndiro nomwe akauya kwandiri akati, “Uya ndizokuratidza kurangwa kwechifeve chikuru, chinogara pamusoro pemvura zhinji. 2Naye, madzimambo enyika akaita upombwe uye vanogara panyika vakadhakwa newaini youpombwe hwake.”
3Ipapo mutumwa akanditakura ndiri muMweya akaenda neni kugwenga. Ikoko ndakaona mukadzi agere pamusoro pechikara chitsvuku chakanga chakafukidzwa namazita okumhura uye chakanga chine misoro minomwe nenyanga gumi. 4Mukadzi uyu akanga akapfeka nguo yepepuru nezvitsvuku uye aitaima negoridhe, mabwe anokosha namaparera. Akanga akabata mukombe wegoridhe muruoko rwake, uzere nezvinonyangadza uye netsvina youpombwe hwake. 5Zita iri rakanga rakanyorwa pahuma yake:
chakavanzika
bhabhironi guta guru
mai vemhombwe
nezvinonyangadza zvenyika
6Ndakaona kuti mukadzi uyu akanga araradza neropa ravatsvene, ropa ravaya vanopupura Jesu.
Pandakamuona, ndakakatyamara zvikuru. 7Ipapo mutumwa akati kwandiri, “Seiko wakatyamara? Ndichakutsanangurira chakavanzika chomukadzi uye nechechikara chaanotasva, chine misoro minomwe nenyanga gumi. 8Chikara, chawaona, chaivapo kare, zvino hachisisipo, uye chichabuda mugomba rakadzika chigoenda kundoparadzwa. Vanogara panyika vane mazita asina kunyorwa mubhuku roupenyu kubva pakusikwa kwenyika, vachakatyamara pavachaona chikara, nokuti chakanga chiripo, asi zvino hachisisipo, asi chichauya.
9“Izvi zvava kuda pfungwa dzine uchenjeri. Misoro minomwe ndiwo zvikomo zvinomwe zvinogarwa nomukadzi uyu. 10Pane madzimambo manomwewo. Vashanu vakawa, mumwe chete aripo, mumwe wacho haasati auya; asi paanouya, anofanira kugara kwechinguva chiduku. 11Chikara chiya chaivapo, uye chisisipo zvino, ndiye mambo worusere. Ndiye mumwe wavanomwe uye ari kuzoparadzwa.
12“Nyanga gumi dzawaona ndiwo madzimambo gumi vasati vagamuchira umambo, asi paawa imwe chete vachagamuchira simba samadzimambo pamwe chete nechikara. 13Vane chinangwa chimwe chete uye vachapa umambo hwavo nesimba ravo kuchikara. 14Vachaita hondo neGwayana, asi Gwayana richavakunda nokuti ndiye Ishe wamadzishe naMambo wamadzimambo, uye vakadanwa varo ndivo vachava naro, vakasanangurwa uye vateveri vakatendeka.”
15Ipapo mutumwa akati kwandiri, “Mvura zhinji yawaona, panogara chifeve, ndiwo marudzi, navazhinji zhinji, nendudzi nemitauro mizhinji. 16Chikara nenyanga gumi dzawaona zvichavenga chifeve. Zvichachiparadza zvigochisiya chisina kupfeka; zvichadya nyama yacho zvigochipisa nomoto. 17Nokuti Mwari akazviisa mumwoyo yavo kuti apedze zvaaifunga nokubvuma kupa chikara simba rokutonga, kusvikira mashoko aMwari azadziswa. 18Mukadzi wawaona ndiro guta guru rinotonga pamusoro pamadzimambo enyika.”
Currently Selected:
Zvakazarurwa 17: BDSC
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Contemporary Bible
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®
Used by permission. All rights reserved worldwide.
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®
Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.