Mapisarema 95
95
Pisarema 95
1Uyai, tiimbire Jehovha nomufaro;
ngatidanidzirei kuDombo roruponeso rwedu.
2Ngatisvikei pamberi pake nokuvonga
uye timukudze nenziyo.
3Nokuti Jehovha ndiye Mwari mukuru,
Mambo mukuru pamusoro pavamwari vose.
4Nzvimbo dzakadzika dzapanyika dziri muruoko rwake,
uye misoro yamakomo ndeyake.
5Gungwa nderake, nokuti ndiye akariita,
uye maoko ake akaumba nyika yakaoma.
6Uyai tikotame, tinamate,
ngatipfugamei pamberi paJehovha Muiti wedu;
7nokuti ndiye Mwari wedu,
uye isu tiri vanhu vanofudzwa naye,
makwai anochengetwa naye.
Nhasi kana muchinzwa inzwi rake,
8musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita paMeribha,
sezvamakaita pazuva riya paMasa mugwenga,
9pandakaedzwa namadzibaba enyu
kunyange vakanga vaona zvandakanga ndaita.
10Ndakatsamwira rudzi urwu kwamakore makumi mana;
ndakati, “Ava vanhu vane mwoyo yakatsauka,
uye havana kuziva nzira dzangu.”
11Saka ndakapika pakutsamwa kwangu ndikati,
“Havangazombopindi pazororo rangu.”
Currently Selected:
Mapisarema 95: BDSC
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Contemporary Bible
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®
Used by permission. All rights reserved worldwide.
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®
Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.