YouVersion Logo
Search Icon

Mapisarema 88

88
Pisarema 88
Rwiyo. Pisarema ravanakomana vaKora. Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo emaharati reanoti. Masikiri raHemani muEzrahi.
1Haiwa Jehovha, Mwari anondiponesa,
ndakachema masikati nousiku pamberi penyu.
2Munyengetero wangu ngausvike pamberi penyu;
rerekerai nzeve yenyu kukuchema kwangu.
3Nokuti mweya wangu uzere nokutambudzika,
uye upenyu hwangu hwaswedera pedyo neguva.
4Ndinoverengwa pakati paavo vakaburukira kugomba;
ndava somunhu asina simba.
5Ndakatsaurwa pamwe chete navakafa,
savakaurayiwa vavete muguva,
vamusingacharangaririzve,
vakagurwa kubva pakuchengeta kwenyu.
6Makandiisa mugomba rakadzika dzika,
murima guru makadzika dzika.
7Hasha dzenyu dzinorema kwazvo pamusoro pangu,
makandifukidza namafungu enyu ose. Sera
8Makanditorera shamwari dzangu dzapedyo,
uye mukandiita chinhu chinonyangadza.
Ndakapfigirwa uye handingatongopunyuki;
9meso angu asviba neshungu.
Ndinodana kwamuri, imi Jehovha, mazuva ose;
ndinotambanudzira maoko angu kwamuri.
10Ko, munoratidza zvishamiso zvenyu kuna vakafa here?
Ko, vakafa vanomuka vachikurumbidzai here? Sera
11Ko, rudo rwenyu runoparidzwa muguva,
nokutendeka kwenyu mukuparadzwa here?
12Ko, zvishamiso zvenyu zvinozivikanwa munzvimbo yerima,
kana mabasa akarurama enyu munyika yokukanganwa here?
13Asi ndinochemera rubatsiro kwamuri, imi Jehovha;
mangwanani, munyengetero wangu unosvika pamberi penyu.
14Seiko, imi Jehovha, muchindiramba
uye muchindivanzira chiso chenyu?
15Kubvira pauduku hwangu, ndakatambudzika zvokutosvika pedyo norufu;
ndatambudzika nokutyisa kwenyu uye handisisina tariro.
16Hasha dzenyu dzakapfuura napamusoro pangu;
kutyisa kwenyu kwandiparadza.
17Zuva rose zvakandipoteredza samafashamu;
ndakaputirwa nazvo chose.
18Makanditorera shamwari dzangu navadikani vangu;
rima ndiyo shamwari yangu iri pedyo.

Currently Selected:

Mapisarema 88: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in