YouVersion Logo
Search Icon

Jeremia 47

47
Chirevo pamusoro pavaFiristia
1Iri ndiro shoko raJehovha rakasvika kumuprofita Jeremia pamusoro pavaFiristia, Faro asati arwisa Gaza:
2Zvanzi naJehovha:
“Onai kukwira kunoita mvura zhinji yokumusoro;
ivo vachava rwizi runofashukira nesimba.
Vachafukidza nyika nezvose zviri mairi,
maguta navose vanogaramo.
Vanhu vachachema;
vose vanogara munyika vachaungudza
3pavachanzwa mutsindo wemahwanda emabhiza,
kutinhira kwengoro dzavavengi,
nokurira kwemavhiri adzo.
Madzibaba haangadzoki kuzobatsira vana vavo;
maoko avo acharembera seakaremara.
4Nokuti zuva rasvika
rokuparadza vaFiristia vose,
uye nokuuraya vose vakasara
vaigona kubatsira Tire neSidhoni.
Jehovha ava pedyo nokuparadza vaFiristia,
vaya vakasara vanobva kumahombekombe eKafitori.
5Gaza richaveura musoro waro mukuchema;
Ashikeroni richati mwiro.
Haiwa, imi vakasara vari pabani,
muchapedza nguva yakadiiko muchizvicheka?
6“Muchachema muchiti, ‘Maiwe, munondo waJehovha,
uchapedza nguva yakadiiko usati wazorora?
Dzokera mumuhara wako;
mira, unyarare.’
7Asi ungazorora sei,
Jehovha akaurayira,
sezvo akaurayira
kuti urwise Ashikeroni namahombekombe?”

Currently Selected:

Jeremia 47: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in