Vatongi 17
17
Zvifananidzo zvaMika
1Zvino mumwe murume ainzi Mika aibva kunyika yezvikomo yaEfuremu 2akati kuna mai vake, “Mashekeri aya esirivha chiuru nezana rimwe chete#17:2 makirogiramu angaita 13 akatorwa kubva kwamuri andakanzwa muchituka munhu wacho akatora, sirivha yacho ndini ndinayo; ndini ndakaitora.”
Ipapo mai vake vakati, “Jehovha ngaakuropafadze, mwanakomana wangu!”
3Akati adzorera mashekeri esirivha chiuru nezana rimwe chete, kuna mai vake, ivo vakati, “Ndinotsaurira Jehovha sirivha yangu nomwoyo wose kuti mwanakomana wangu aite chifananidzo chakavezwa nomufananidzo wakaumbwa wesimbi. Ndichazoidzosera kwauri.”
4Saka akadzosera sirivha kuna mai vake, uye mai vake vakatora mazana maviri amashekeri#17:4 makirogiramu angaita 2.3 esirivha vakaapa kumupfuri wesirivha, akaita nawo mufananidzo wakavezwa nomufananidzo wakaumbwa. Uye zvakaiswa mumba maMika.
5Zvino murume uyu Mika, akanga ane imba yavamwari, uye akaita efodhi nezvimwe zvifananidzo uye akagadza mumwe wavanakomana vake kuti ave muprista wake. 6Mumazuva iwayo Israeri yakanga isina mambo; mumwe nomumwe akaita zvaaiona zvakamunakira.
7Zvino kwakanga kune jaya muRevhi aibva kuBheterehema muJudha, aigara mukati morudzi rwaJudha, 8akabva muguta iroro achindotsvaka imwe nzvimbo yokugara. Ari munzira yake akasvika napaimba yaMika munyika yezvikomo yeEfuremu.
9Mika akamubvunza akati, “Unobvepiko?”
Iye akati, “Ndiri muRevhi anobva kuBheterehema muJudha, uye ndiri kutsvaka nzvimbo yokugara.”
10Ipapo Mika akati kwaari, “Gara hako neni ugova baba vangu nomuprista wangu, uye ndichakupa mashekeri esirivha gumi#17:10 magiramu angaita 115 pagore, nguo dzako dzokupfeka uye nezvokudya zvako.” 11Saka muRevhi akabvuma kugara naye, uye jaya iri rakanga rakaita somumwe wavanakomana vake. 12Ipapo Mika akagadza muRevhi, jaya rikava muprista wake akagara mumba make. 13Uye Mika akati, “Zvino ndinoziva kuti Jehovha achandiitira zvakanaka, sezvo muRevhi uyu ava muprista wangu.”
Currently Selected:
Vatongi 17: BDSC
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Contemporary Bible
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®
Used by permission. All rights reserved worldwide.
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®
Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.