YouVersion Logo
Search Icon

Genesisi 36

36
Zvizvarwa zvaEsau
1Iyi ndiyo nhoroondo yaEsau (ndiye Edhomu).
2Esau akatora mukadzi wake kubva kuvakadzi veKenani: Adha mwanasikana waEroni muHiti, naOhoribhama mwanasikana waAna, muzukuru waZibheoni muHivhi, 3uyewo Bhasemati mwanasikana waIshumaeri, hanzvadzi yaNebhayoti.
4Adha akaberekera Esau Erifazi, Bhasemati akabereka Reueri, 5uye Ohoribhama akabereka Jeushi, Jaramu naKora. Ndivo vana vaEsau vaakaberekerwa muKenani.
6Esau akatora vakadzi vake navanakomana vake uye vanasikana vake navamwe vose veimba yake, pamwe chete nemombe dzake nezvimwe zvipfuwo zvake nepfuma yake yose yaakanga awana muKenani, akaenda kunyika yakanga iri kure nomununʼuna wake Jakobho. 7Pfuma yakanga yawanda kwazvo kuti vagare pamwe chete; nyika yavaigara yakanga isisavaringani vose nokuda kwezvipfuwo zvavo. 8Saka Esau (ndiye Edhomu) akandogara kunyika yezvikomo yeSeiri.
9Iyi ndiyo nhoroondo yaEsau baba vavaEdhomu munyika yezvikomo yeSeiri.
10Aya ndiwo mazita avanakomana vaEsau:
Erifazi, mwanakomana womukadzi waEsau, Adha, Reueri, mwanakomana waBhasemati, mukadzi waEsau.
11Vanakomana vaErifazi vaiva:
Temani, Omari, Zefo, Gatami naKenazi. 12Mwanakomana waEsau, Erifazi naiyewo akanga ano murongo ainzi Timina, uyo akamuberekera Amareki. Ava ndivo vaiva vazukuru vaAdha, mukadzi waEsau.
13Vanakomana vaReueri vaiva:
Nahati, Zera, Shama naMiza. Ava ndivo vaiva vazukuru vaBhasemati mukadzi waEsau.
14Vanakomana vaOhoribhama, mukadzi waEsau, mwanasikana waAna, muzukuru waZibheoni, vaakaberekera Esau, vaiva:
Jeushi, Jaramu naKora.
15Aya ndiwo aiva madzishe pakati pezvizvarwa zvaEsau:
Vanakomana vaErifazi, dangwe raEsau, vaiva:
madzishe Temani, Omari, Sefo, Kenazi, 16Kora, Gatami naAmareki. Aya ndiwo madzishe akabva kuna Erifazi muEdhomu; vaiva vazukuru vaAdha.
17Vanakomana vaReueri, mwanakomana waEsau,
vaiva madzishe Nahati, Zera, Shama naMiza. Aya ndiwo madzishe akabva kuna Reueri muEdhomu; vakanga vari vazukuru vaBhasemati, mukadzi waEsau.
18Vanakomana vaOhoribhama, mukadzi waEsau, vaiva:
madzishe Jeushi, Jaramu naKora. Aya ndiwo madzishe akabva kuna Ohoribhama mukadzi waEsau mwanasikana waAna.
19Ava ndivo vaiva vanakomana vaEsau (ndiye Edhomu) uye aya ndiwo madzishe avo.
20Ava ndivo vakanga vari vanakomana vaSeiri muHori, vakanga vachigara mudunhu iroro:
Rotani, Shobhari, Zibheoni, Ana, 21Dhishoni, Ezeri naDhishani. Vanakomana ava vaSeiri muEdhomu vakanga vari madzishe avaHori.
22Vanakomana vaRotani vaiva:
Hori naHomami. Timina akanga ari hanzvadzi yaRotani.
23Vanakomana vaShobhari vaiva:
Arivhani, Manahati, Ebhari, Shefo naOnami.
24Vanakomana vaZibheoni vaiva:
Ayia naAna. Uyu ndiye uya Ana akawana matsime emvura inopisa mugwenga paakanga achifudza mbongoro dzababa vake Zibheoni.
25Vanakomana vaAna vaiva:
Dishoni naOhoribhama, mwanakomana waAna.
26Vanakomana vaDhishoni vaiva:
Hemidhani, Eshibhani, Itirani naKerani.
27Vanakomana vaEzeri vaiva:
Bhirihani, Zaavhani naAkani.
28Vanakomana vaDhishani vaiva:
Uzi naArani.
29Aya ndiwo akanga ari madzishe avaHori:
Rotani, Shobhari, Zibheoni, Ana, 30Dhishoni, Ezeri naDhishani.
Aya ndiwo akanga ari madzishe avaHori zvichienderana namarudzi avo, munyika yaSeiri.
Vatongi veEdhomu
31Aya ndiwo madzimambo akatonga muEdhomu pasati pambova namambo upi zvake akatonga muIsraeri:
32Bhera, mwanakomana waBheori, akava mambo weEdhomu. Guta rake rakatumidzwa zita rokuti Dhinihabha.
33Bhera akati afa, Jobhabhi, mwanakomana waZera, aibva kuBhozira akamutevera paumambo.
34Jobhabhi akati afa, Hushami aibva kunyika yavaTemani akamutevera paumambo.
35Hushani akati afa, Hadhadhi mwanakomana waBhedhadhi, uya akakunda Midhiani munyika yeMoabhu, akamutevera paumambo. Guta rake rakatumidzwa zita rokuti Avhiti.
36Hadhadhi akati afa, Samura aibva kuMasireka akamutevera paumambo.
37Samura akati afa, Shauri aibva kuRehobhoti paRwizi akamutevera paumambo.
38Shauri akati afa, Bhaari-Hanani mwanakomana waAkibhori akamutevera paumambo.
39Bhaari-Hanani mwanakomana waAkibhori akati afa, Hadhadhi akamutevera paumambo. Guta rake rakatumidzwa zita rokuti Pua, uye zita romukadzi wake rainzi Mehetabheri mwanasikana waMatiredhi, mwanasikana waMe-Zahabhi.
40Aya ndiwo madzishe akabva kuna Esau, namazita avo, maererano nedzimba dzavo namatunhu avo:
Timina, Arivha, Jeteti,
41Ohoribhama, Era, Pinoni,
42Kenazi, Temani, Mibhiza,
43Magidhieri naIrami.
Aya ndiwo akanga ari madzishe eEdhomu, maererano namagariro avo munyika yavakatora.
Uyu ndiye Esau baba wevaEdhomu.

Currently Selected:

Genesisi 36: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in