1 Makoronike 8
8
Nhoroondo yaSauro muBhenjamini
1Bhenjamini aiva baba
vaBhera dangwe rake,
Ashibheri mwanakomana wechipiri, Ahara wechitatu,
2Noha wechina naRafa wechishanu.
3Vanakomana vaBhera vaiva:
Adha, Gera, Abhihudhi, 4Abhishua, Naamani Ahoa, 5Gera, Shefufani naHurami.
6Izvi ndizvo zvaiva zvizvarwa zvaEhudhi vakanga vari vakuru vemhuri yeavo vaigara muGebha vakazodzingwa vakaendeswa kuManahati:
7Naamani, Ahifa naGera, uyo akavadzinga uya aiva baba vaUza naArihudhi.
8Vanakomana vakaberekerwa Shaharaimi muMoabhu mushure mokunge arambana navakadzi vake Hushini naBhaara. 9Nomukadzi wake Hodheshi akabereka Johabhi, Zibhia, Mesha Marikami, 10Jeuzi, Sakia naMirima. Ava ndivo vaiva vanakomana vake, vakuru vemhuri. 11NaHushimi akabereka Abhitubhi naEripaari.
12Vanakomana vaEripaari vaiva:
Ebheri, Mishamu, Shemedhi (uyo akavaka Ono neRodhi pamwe chete nemisha yakaapoteredza) 13naBheria naShema, avo vakanga vari vakuru vemhuri dzaavo vaigara muAijaroni uye vakadzinga vagari veGati.
14Ahiyo, Shashaki, Jeremoti, 15Zebhabhia, Aradhi, Edheri, 16Mikaeri, Ishipa naJoha vaiva vanakomana vaBeria.
17Zebhadhia, Meshurami, Hiziki, Hebheri, 18Ishimerai, Iziria naJobhabhi vaiva vanakomana vaEripaari.
19Jakimi, Zikiri, Zabhidhi, 20Erienai, Ziretai, Erieri, 21Adhaya, Bheraya naShimirati vaiva vanakomana vaShimei.
22Ishipani, Ebheri, Erieri, 23Abhidhoni, Zikiri, Hanani, 24Hanania, Eramu Anitotiya, 25Ifidheya naPenueri vaiva vanakomana vaShashaki.
26Shamisherai, Sheharia, Ataria, 27Jaareshia, Eria, naZikiri vaiva vanakomana vaJerohamu.
28Vose ava vaiva vakuru vemhuri, vari madzishe sezvazvakanyorwa munhoroondo dzavo. Uye vaigara muJerusarema.
29Jeyeri, baba vaGibheoni vaigara muGibheoni.
Zita romukadzi wake rainzi Maaka, 30uye mwanakomana wake wedangwe ainzi Abhidhoni, achiteverwa naZuri, Kishi, Bhaari, Neri, Nadhabhi, 31Gedhori, Ahio, Zekeri, 32uye Mikiroti, uyo aiva baba vaShimea. Ivo vaigarawo pedyo nehama dzavo muJerusarema.
33Neri aiva baba vaKishi, Kishi aiva baba vaSauro, uye Sauro aiva baba vaJonatani, Mariki-Shua, Abinadhabhi, naEshi-Bhaari.
34Mwanakomana waJonatani ainzi
Meribhi-Bhaari uyo aiva baba vaMika.
35Vanakomana vaMika vaiva:
Pitoni, Mereki Tarea, naAhazi.
36Ahazi aiva baba vaJehoadha, Jehoadha aiva baba vaAremeti, Azimavheti naZimiri uye Zimiri aiva baba vaMoza. 37Moza aiva baba vaBhinea Rafa aiva mwanakomana wake, Ereasa mwanakomana wake naAzeri mwanakomana wake.
38Azeri aiva navanakomana vatanhatu, uye aya ndiwo mazita avo:
Arizakami, Bhokeru, Ishumaeri, Shearia, Obhadhia naHanani. Vose ava vaiva vanakomana vaAzeri.
39Vanakomana vomununʼuna wake Esheki vaiva:
Uramu dangwe rake, Jeushi mwanakomana wake wechipiri naErifereti wechitatu. 40Vanakomana vaUramu vaiva varwi voumhare vaigona kushandisa uta. Vaiva navanakomana navazukuru vazhinji vaisvika zana namakumi mashanu pamwe chete.
Vose ava vaiva zvizvarwa zvaBhenjamini.
Currently Selected:
1 Makoronike 8: BDSC
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Contemporary Bible
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®
Used by permission. All rights reserved worldwide.
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®
Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.