1 Makoronike 26
26
Vachengeti veMikova
1Mapoka avachengeti vemikova aiva:
Kubva kuvaKora:
Mesheremia mwanakomana waKore, mumwe wavanakomana vaAsafi. 2Mesheremia aiva navanakomana vaiti:
Zekaria dangwe, Jedhiaeri wechipiri,
Zebhadhia wechitatu, Jatinieri wechina,
3Eramu wechishanu, Jehohanani wechitanhatu,
naEriehoenai wechinomwe.
4Obhedhi-Edhomu aivawo navanakomana vaiti:
Shemaya dangwe, Jehozabhadhi wechipiri,
Joa wechitatu, Sakari wechina,
Netaneri wechishanu, 5Amieri wechitanhatu,
Isakari wechinomwe naPeuretai wechisere.
(Nokuti Mwari akanga aropafadza Obedhi-Edhomu.)
6Mwanakomana wake Shemaya aivawo navanakomana vaiva: vatungamiri mumhuri yababa vavo nokuti vaiva varume vaikwanisa kwazvo. 7Vanakomana vaShemaya vaiti:
Otini, Refaeri, Obhedhi naErizabhadhi;
hama dzake Erihu naSemakia vaivawo varume vaikwanisa.
8Vose ava vaiva zvizvarwa zvaObhedhi-Edhomu. Ivo navanakomana vavo nehama dzavo vaiva varume vaikwanisa vaine simba rokuita basa, zvizvarwa zvaObhedhi-Edhomu, vaisvika makumi matanhatu navaviri pamwe chete.
9Mesheremia aiva navanakomana nehama vakanga vari varume voumhare vaisvika gumi navasere pamwe chete.
10Hosa muMerati aiva navanakomana vaiti:
Shimiri wokutanga (kunyange zvake akanga asiri dangwe, baba vake vakamuita wokutanga.)
11Hirikia wechipiri, Tabharia wechitatu
naZekaria wechina.
Vanakomana nehama dzaHosa vaiva gumi navatatu vose pamwe chete.
12Aya mapoka avachengeti vamasuo, kubudikidza navakuru vavo, vaiva nemabasa okushumira mutemberi yaJehovha, sezvaingoitawo hama dzavo. 13Mijenya yakakandwa nokuda kwesuo rimwe nerimwe, maererano nemhuri dzavo, vadiki nevakuru pamwe chete.
14Mujenya weSuo Rokumabvazuva wakawira pana Sheremia.
Zvino mijenya yakakandwa nokuda kwomwanakomana wake Zekaria, mupi wamazano akachenjera uye mujenya weSuo Rokumusoro wakawira paari.
15Mujenya weSuo Rezasi wakawira pana Obhedhi-Edhomu, uye mujenya wedura wakawira kuvanakomana vake.
16Mijenya yeSuo Rokumadokero neSuo reShareketi kunzira yokumusoro yakawira kuna Shupimi naHosa.
Murindi aimira parutivi rwomumwe murindi.
17Kumabvazuva kwainge kuine vaRevhi vatanhatu pazuva,
kurutivi rwokumusoro kuine vana pazuva,
zasi kuine vana pazuva
uye vaviri panguva imwe chete padura.
18Kana rwuri ruvanze rwokumadokero kwaiva navana kunzira navaviri paruvanze chaipo.
19Aya ndiwo aiva mapoka avachengeti vemasuo avo vaiva zvizvarwa zvaKora naMerari.
Vabati veHomwe yeMari naMamwe Machinda
20Pakati pehama dzavo vaRevhi, Ahija ndiye aiva mukuru wavachengeti vepfuma yomumba yaMwari nepfuma yezvinhu zvakakumikidzwa.
21Zvizvarwa zvaRadhani, avo vaiva vaGerishoni kubudikidza naRadhani uye vaiva vatungamiri vemhuri dzaRadhani muGerishoni vaiti: Jehieri, 22vanakomana vaJeheri, Zetami, nomununʼuna wake Joere. Vaiva nebasa rokuchengeta pfuma yetemberi yaJehovha.
23Kubva kuvaAmiramu, vaIzhari, vaHebhuroni navaUzieri:
24Shubhaeri chizvarwa chaGerishoni mwanakomana waMozisi, ndiye aiva mukuru pakuchengetwa kwepfuma. 25Hama dzake kubudikidza naEriezeri dzaiva: Rehabhia mwanakomana wake, Jeshaya mwanakomana wake, Joramu mwanakomana wake, Zikiri mwanakomana wake naSheromiti mwanakomana wake.
26(Sheromiti nehama dzake vaiva nebasa rokuchengetedza pfuma yose yezvinhu zvakakumikidzwa naMambo Dhavhidhi, navakuru vemhuri dzavo vaiva vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana uye navamwe vatungamiri. 27Zvimwe zvezvakapambwa muhondo vakazvikumikidza kuti zvishandiswe pakugadziridza temberi yaJehovha. 28Uye zvose zvakakumikidzwa naSamueri muoni naSauro naJoabhu mwanakomana waZeruya, nezvimwe zvinhu zvose zvakakumikidzwa zvaichengetwa naSheromiti nehama dzake.)
29Kubva kuvaIzhari:
Kenania navanakomana vake vakapiwa mabasa ekure netemberi vari machinda navatongi muIsraeri.
30Kubva kuvaHebhuroni:
Hashabhia nehama dzake, varume chiuru namazana manomwe vaikwanisa ndivo vaiva vakuru muIsraeri kumadokero kweJorodhani pabasa rose raJehovha napabasa rose ramambo. 31Kana vari vaHebhuroni, Jeria ndiye aiva mukuru wavo maererano nezvinyorwa zvenhoroondo dzemhuri dzavo.
(Mugore ramakumi mana rokutonga kwaDhavhidhi, pakaitwa ongororo yezvinyorwa zvenhoroondo, uye pakawanikwa varume vaikwanisa pakati pavaHebhuroni paJazeri muGireadhi. 32Jeria aiva nehama zviuru zviviri namazana manomwe vaiva varume vaikwanisa uye vari vakuru vemhuri dzavo, uye Mambo Dhavhidhi akavaita kuti vave vatariri vavaRubheni, vaGhadhi, nehafu yorudzi rwaManase kuti vagadzirise nyaya dzose dzezvaMwari nenyaya dzose dzamambo.)
Currently Selected:
1 Makoronike 26: BDSC
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Contemporary Bible
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®
Used by permission. All rights reserved worldwide.
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®
Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.