Zekariya Zviri mubhuku rino
Zviri mubhuku rino
Zita rokuti Zekariya rinoreva kuti Mwari anoyeuka. Bhuku raZekariya rinoratidza kuti rakanyorwa nomunhu aiva muJerusaremu. Rine zvikamu zviviri, chokutanga (1—8) nechechipiri (9—14) Chokutanga akachinyora achikurudzira vaIsiraeri vakanga vadzoka kuutapwa kuti vatendeukire kuna Mwari uye kuti vavakezve Temberi yaMwari. Apedza kuoneswa zviratidzo zvisere akapiwa zvirevo zvaMwari zvina. Mwari aitsoropodza kunamata kwavo (7:4–7) achivayeuchidza kusateerera kwavo (7:8–14), achifanovataurira kudzorerwa pakare kwaizoitwa zvinhu nokuzonyaradzwa kwavo (8:1–7) uye rufaro rwakanga rwuchiuya. Chikamu chechipiri chinotaura nezvokuuya kwaMesia nokutongwa kwokugumisira.
Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raZekariya
Zviratidzo zvisere (1:1—6:15)
Tendeukai (1:1–6)
Zviratidzo zvisere (1:7—6:8)
Joshuwa anogadzwa umambo (6:9–15)
Mashoko aMwari mana (7:1—14:21)
Kuzvinyima zvokudya (7:1—8:23)
Zvinetso Zviviri (9:1—9:12)
Kuramba Mesia (Kristu) (9:1—14:21)
Kutonga kwaMesia (9:1–12)
Currently Selected:
Zekariya Zviri mubhuku rino: SCLB
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.