Rute Zviri mubhuku rino
Zviri mubhuku rino
Bhuku raRute ibhuku diki diki rinotaura norungano rwokuti Mwari anobatsira sei vanhu vake. Bhuku irori rinotaura zvikuru nezvevanhu vatatu vanoti: Naomi chirikadzi yokuBheterehemu nomuroora wake Rute akanga avawo chirikadzi. Mumwe anotaurwa imomu ndiBhoazi, sapurazi akazogara nhaka Rute.
1. Mukabhuku aka, tinoona Rute mukadzi werudzi rwechiMoabhu achiratidza rudo rukuru kuna vamwene vake. Akasarudza kudzokera kuIsiraeri navo. Akasarudzawo kuti Mwari wavo ave ndiye Mwari wakewo. Ichi chakava chikomborero kwaari chokuti Rute akazova tateguru waDhavhidhi, tateguru waJesu Muponesi wavanhu vose.
Aya ndiwo mamiriro akaita kabhuku kaRute
Kudzoka kwakaita Naomi nomuroora wake kuBheterehemu achibva kunyika yeMoabhu 1:1–22
Kushandira kwakaita Rute vamwene vake kumunda kwaBhoazi 2:1–23
Bhoazi anogara nhaka Rute 3:1—4:22
Currently Selected:
Rute Zviri mubhuku rino: SCLB
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.