Nziyo 81
81
Muimbisi, rumbo urwu rwaAsafu rwunoimbwa namaimbiro evokwaGati.
Rumbo rwezuva guru
1Imbirai Mwari wedu nesimba,
iye simba redu,
pururudzirai Mwari waJakobho norufaro.
2Shaurai rumbo
muridze tambureni,
muridze chipendani nedimbwa zvinakidze.
3Ridzai hwamanda pakugara kwomwedzi,
pajena guru romwedzi,
pazuva redu guru,
4nokuti murawo weIsiraeri,
chirevo chaMwari waJakobho.
5Akatemera mutemo muna Josefi
paakaenda kundorwisa Ijipiti
ndakanzwa izwi randisati ndambonzwa,
6“Ndakakurerutsira mutoro pamafudzi ako
ndikaregesa maoko ako kubata tswanda.
7Pakutambudzika kwako wakadanidzira
ndikakununura.
Ndakakupindura ndiri pakavanda
ndiri makavanda mumheni.
Ndakakuedza pamvura iya
yokuMeribha.”
Dzepfunde.
8“Teererai munzwe vanhu vangu
ndichikuyambirai.
Dai mukanditeererawo zvenyu, imi vaIsiraeri.
9Hapafaniri kuva navamwari vasiriivo pakati penyu.
Hamufaniri kupfugamira mwari asingazivikanwi.
10Ndini TENZI Mwari wako
akakuburitsa munyika yeIjipiti,
shamisisa muromo wako ndiuzadze.
11“Asi vanhu vangu havana kunditeerera,
Isiraeri yakanga isinei neni.
12Saka ndakavarega
vachiomesa musoro
kuti vaite zvavanoda.
13Dai vanhu vachingonditeerera zvavo,
vaIsiraeri vachitevera nzira dzangu.
14Ndaikurumidza kuti vavengi
vavo vatevere muteto
ndichirwisana nemhandu dzavo.
15Vanovenga TENZI
vaitohuta pamberi pake,
chirango chavo chaibva chaita firapo.
16Ndaikupai koroni yakanakisisa
kuti mudye
uye ndaikugutsai nouchi
hwomudombo.”
Currently Selected:
Nziyo 81: SCLB
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.