Nziyo 69
69
Muimbisi, rumbo urwu rumbo rwenyere. Rwiyo rwaDhavhidhi.
Munhu waMwari anochemera rubatsiro
1Ndinunureiwo Mwari
nokuti mvura yandisvika mumutsipa.
2Ndavakunyura mumadhaka akadzika
asina pokutsika.
Ndapinda mumvura yakadzika.
Mafashamo emvura
avakutondifukidza.
3Ndaneta nokuchema;
ndatooma pahuro.
Mumaziso angu ndatoita rima
nokumirira Mwari wangu.
4Vanondivenga pasina mhosva, vakawanda
kupinda bvudzi romusoro wangu.
Vangandiparadze vane simba;
vanondirwisa namanyepo.
Ndinofanira here kudzorera zvandisina kuba?
5Mwari, imi munoziva upenzi hwangu.
Mhosva dzangu dzandakapara hadzina kuvandika kwamuri.
6Imi Mwari wehondo nehondo,
vanotarisira mamuri
ngavarege kunyadziswa pamusana pangu.
Imi Mwari weIsiraeri,
vanokutsvakai ngavarege kushorwa
nokuda kwangu.
7Ndinodaro nokuti
ndakatirira kushorwa
pamusoro penyu;
ndakadonha uso nokunyara.
8Ndava muenzi kuhama dzangu,
mutorwa zvake kune vomumba medu.
9Nokuti shungu nemba yenyu dzandipedza,
vanokushorai vanoshora ini.
10Pandakazvityora#69:10 Pandakazvityora: ChiHebheru chinoti pandakachema. nokutsanya
zvakatondishoresa izvozvo.
11Pandakapfeka masaga
ndakave chiseko chenyika kwavari.
12Handichabvi pamuromo
pavagere pamatare
uye ndave rumbo rwezvidhakwa.
13Asi, ini, wandinonamata ndimi TENZI.
Ndipindureiwo Mwari
panguva yakakodzera
nemwoyochena wenyu, wakadai kuwanda
nokununura kwenyu kusina chinotadzisa.
14Ndinunureiwo kuti ndirege kunyura mumadhaka,
ndinunureiwo kumhandu dzangu
uye kumvura yakadzika.
15Musarege mafashamo achindifukidza
kana kumedzwa nemvura yakadzika
gomba ngarirege kundizaririra mariri.
16Ndipindureiwo TENZI
nokuti mwoyochena wenyu wakanaka.
Netsiye dzenyu nyoro dzakawanda,
tendeukirai kwandiri.
17Musavanze uso hwenyu
kuneni muranda wenyu
nokuti ndapinda nhamo;
kasirai kundipindura.
18Swederai pedyo neni mundinunure
ndidzikinureiwo kumhandu dzangu.
19Munoziva wani kushorwa kwangu,
nokunyara kwangu nokusaremekedzwa kwangu
vavengi vangu vose munovaziva.
20Kutukwa kwandiodza mwoyo
zvokuti ndava kurasa mwoyo.
Ndakatsvaka angandinzwirewo tsitsi
asi pakanga pasina.
Ndakatsvaka vangandinyaradze
asi ndakavashaya.
21Vakandipa chepfu kuti ndidye;
kuti ndipodze nyota
vakandipa vhiniga kuti ndinwe.
22Zvokudya zvinenge zvaiswa pamberi pavo
ngazvive riva kwavari.
Zvibayiro zvavo zvamazuva makuru,
ngazvive musungo kwavari.
23Ngavapofamadzwe maziso
vatadze kuona.
Ngavaite misana ine nhetemwa.
24Vavirukirei nokushatirwa kwenyu,
hasha dzenyu dzinovira dzivashaise mazano.
25Pamatendhe pavo ngapaparare,
matendhe avo ashaye anogara.
26Nokuti vanotambudza wamunenge mapa shamhu.
Wamunenge makuvadza
vanotomutambudza zvakatonyanya.
27Rambai muchingovabata nemhosva
pamusoro pedzimwe mhosva,
musamboti havana mhosva.
28Ngavapfudzwe mubhuku ravapenyu.
Varege kunyorwa mukati mavakarurama.
29Asi ini ndiri kutambura;
ndiri kurwadziwa.
Ndisimudzeiwo Mwari nokuponesa kwenyu.
30Ndicharumbidza zita raMwari norumbo
ndichamukudza nokumutenda.
31Izvi zvichafadza TENZI
kupinda nzombe kana handira
dzine nyanga namatsiko.
32Vari kudzvinyirirwa
ngavazvione vagofara.
Imi munotsvaka Mwari
mwoyo yenyu ngaimuke.
33Nokuti Mwari anonzwa varombo
uye haashori vanhu vake
vanenge vari muusungwa.
34Denga napasi ngazvimurumbidze;
ngaarumbidzwe namakungwa
nazvose zvinofambamo.
35Mwari achanunura Zioni
agovakazve maguta okwaJudha
vanhu #69:35 Izwi rokuti vake harisi muchiHebheru. vachagaramo vachiriita ravo.
36Vana vavaranda vavo vachiriita ravo
uye vanoda zita rake vachagaramo.
Currently Selected:
Nziyo 69: SCLB
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.