YouVersion Logo
Search Icon

Nziyo 2

2
Kukunda kwouchapupu chaMesia
1Ko ivo vechirudzi,
vanodirei kuti ungaunga, vachiita bope
marudzi avanhu achidai kuita
bangano risina maturo.
2Madzimambo apasi ari kunyatsoungana,
uye vatongi vari kuitira TENZI nomuzodzwa wake
musangano, vachiti:
3“Ngatidamburei zvitorobho zvavo
titakanurire uko tambo dzavo.”
4Iye agere kumatenga anovaseka zvake
TENZI anovaita chiseko chaicho.
5Ndipo paachazotaura kwavari zvehasha
achivavhundutsira nokuviruka kwake nehasha.
6Achiti, “Ini ndini
ndakagadza mambo wangu paZioni,
gomo rangu rinoera.
7Ndichataura pachena chirevo
chaTENZI akanditi
iwe ndiwe mwanakomana wangu,
nhasi ndakubereka.
8Ndikumbire zvako ndigokupa
marudzi avanhu
kuti ave nhaka yako
kunyange nyika, kusvika nokwainoperera
kuti ive yako.
9Uchavatyora netsvimbo yesimbi
ugovapwanya kuti mwarara
somudziyo womuumbi wehari.
10Zvino imi madzimambo, ngwarai,
inzwai kuyambirwa kwamunoitwa,
imi vatongi venyika.
11Shandirai TENZI muchimutya,#2:11 Shandirai: Zvinotaurwa nechiHebheru chendima 11 ne 12 hazvinyatsonzwisisika.
12mudederei pamunomuremekedza.#2:12 Pamunomuremekedza: Ari kurehwa zvino apa ndimambo.
Angadaro akashatirwa mukaparara munzira
nokuti haatane kushatirwa.
Vakakomborerwa zvavo vanopotera maari.”

Currently Selected:

Nziyo 2: SCLB

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in