Kuverengwa 8
8
Kugadzika nokutungidza mwenje
1Tenzi akataurira Mosesi achiti, 2“Udza Aroni kuti paanondogadzika marambi, marambi manomwe anofanira kuvheneka akatarisa mberi kwechigadzikiro chomwenje.” 3Aroni akaita saizvozvo akagadzika marambi akatarisa mberi kwechigadzikiro chomwenje sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi. 4Chigadzikiro chomwenje ichocho chakanga chakagadzirwa sezvizvi chakanga chakagadzirwa nendarama yakapfurwa kubvira pagaro racho kusvikira kumapazi acho ose. Mosesi akaita chigadziko chomwenje ichocho achitevedzera mufananidzo waakanga aratidzwa naTenzi.
Kuchenurwa nokukumikidzwa kwavaRevhi
5Tenzi akataurira Mosesi achiti, 6“Tsaura vaRevhi mukati muvaIsiraeri uvachenure. 7Zvauchaita kwavari kuti uvachenure ndezvizvi vasase mvura yokuchenura munhu. Uvati vaveure vhudzi remiviri yavo rose nokusuka hanzu dzavo vazvishambidze ivo pachavo. Naizvozvo vanobva vava vanhu vachenurwa. 8Ipapo ngavatore handira ichiri duku neupfu hwekoroni hwomupiro wembesanwa hwakakanyiwa namafuta eorivhi. Iwe unozotora imwe handira ichiri duku yomupiro wokupfupira zvitadzo. 9Ukokorodze vaIsiraeri vose umise vaRevhi mberi kwetendhe rinoera. 10Paunoturira vaRevhi kwandiri Tenzi, vaIsiraeri ngavaise maoko avo pamusoro pavaRevhi, 11Aroni obva asimudzira maoko ake achiturira vaRevhi kwandiri Tenzi. 12VaRevhi ngavaise maoko avo pamisoro yehandira dziya. Imwe ndeyechibayiro chomupiro wokupfupira zvitadzo. Imwe yacho ichava yomupiro wokupisa inoitirwa kuchenura vaRevhi. 13Ita kuti vaRevhi vabatsire Aroni navanakomana vake. Naizvozvo vaite somupiro unosimudzirwa uchipirwa kuna Tenzi. 14Aya ndiwo matsauriro auchaita vaRevhi muvaIsiraeri vachibva vava vangu. 15Kana wachenura vaRevhi nokuvaturira kwandiri somupiro unosimudzirwa uchiturirwa Mwari vachava vanhu vanobvumirwa kuita basa romutendhe rokusanganira. 16Zvamakatsaura vaRevhi muvaIsiraeri muchivapa kwandiri zvachose vachitora nzvimbo yamatangwe evaIsiraeri, vaRevhi ndavasarudza kuti vave vangu. 17Matangwe ose mukati mavaIsiraeri ndeangu, ose avanhu neemhuka paya pandakauraya matangwe ose omuIjipiti ndipo pandakavatsaurira ini pachangu. 18Zvino ndava kuzotora vaRevhi panzvimbo yamatangwe avaIsiraeri. 19Ndakapa vaRevhi sechipo kuna Aroni navanakomana vake chakabva muvaIsiraeri kuti vaite basa mutendhe rokusanganira vachishandira vaIsiraeri nokuvadzivirira munjodzi dzingavawire kana vakaswedera munzvimbo inoera.”
20Saka Mosesi naAroni navaIsiraeri vose vakaturira vaRevhi kuna Tenzi sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi. 21VaRevhi vakazvichenura kuzvitadzo, vakasuka hanzu dzavo. Aroni akasimudza maoko ake achivaturira kuna Tenzi. Aroni akapira mipiro yokuchenura vaRevhi. 22VaIsiraeri vakaita zvose zvakaudzwa Mosesi naTenzi pamusoro pavaRevhi. Mushure maizvozvo vaRevhi vakaenda kundoita basa ravo rokubatsira Aroni navanakomana vake mutendhe rokusanganira.
23Tenzi akataurira Mosesi achiti, 24“Iri ndiro basa ravaRevhi vose vanenge vava namakore makumi maviri namashanu navane anopfuura iwayo ngavaende kundoita basa romutendhe rokusanganira. 25Kana vava namakore makumi mashanu ngavazorodzwe kuita basa iroro vachirega kuita basa iroro. 26Ngavabatsire vamwe vavo vaRevhi kuita basa romutendhe rinoera. Asi ngavarege kuita basa iroro vari vose. Ndiwo murongero waunofanira kuita mabasa avaRevhi.”
Currently Selected:
Kuverengwa 8: SCLB
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.