Kuverengwa 3
3
Vanakomana vaAroni
1Ava ndivo vanakomana vaAroni naMosesi panguva yakataura Tenzi naMosesi pagomo reSinai. 2Aya ndiwo mazita avanakomana vaAroni. Wedangwe aiva ari Nadhabhu achiteverwa naAbhihu naEreazari naItamaru. 3Aya ndiwo mazita avana vaAroni vakagadzwa upristi vachiita zvokuzodzwa mafuta. 4Asi Nadhabhu naAbhihu vakafa pavakapisira Tenzi rusenzi pamoto usingabvumirwe vari kurenje reSinai. Vakafa vasina kumboita vana. Saka Ereazari naItamaru ndivo vaiita basa roupristi pamwechete naAroni, baba wavo.
Basa ravaRevhi
5Mwari akataurira Mosesi achiti, 6“Unganidza vanhu vedzinza raRevhi uvaise pana Aroni uvape basa rokubatsira Aroni mupristi. 7Ngavaite mabasa ose omutendhe rinoera vachishandira Aroni negungano rose. 8Ngavachengete zvose zvomutendhe rokusanganira vachiitira vaIsiraeri mabasa ose omutendhe rinoera. 9Kubva mukati mavaIsiraeri vose unofanira kuturira vaRevhi mumaoko aAroni navanakomana vake vanofanira kunyatsopirwa kwaari. 10Gadza Aroni navanakomana vake kuti vaite mabasa avo oupristi, asi kana mumwe munhu zvake akaswedera ngaaurayiwe.”
11Tenzi akataurira Mosesi achiti, 12“Chinzwa, ndasarudza vaRevhi kuti vave vanhu vangu panzvimbo yavose vanotanga kuberekwa, matangwe, pakati pavaIsiraeri. Saka vaRevhi vava vangu. 13Ndinodaro nokuti kubvira musi wandakarakasha matangwe ose eIjipiti ndakanga ndazvitsaurira matangwe ose omuIsiraeri kuti ave angu, kubvira matangwe avanhu neemhuka, ndeangu. Ndini Tenzi.”
Kuverengwa kwavaRevhi
14Tenzi akataurira Mosesi murenje reSinai achiti, 15“Verenga vanakomana vaRevhi nedzimba dzamadzibaba avo, mhuri nemhuri, munhurume wose kubvira parusvava rune mwedzi mumwechete zvichikwira.” 16Naizvozvo Mosesi akavaverenga sezvakanga zvataurwa naMwari. 17Ava ndivo vana vaRevhi, kunoti Gerishoni naKohati naMerari. 18Aya ndiwo mazita avana vaGerishoni nemhuri dzavo kune yaRibhini neyaShimei. 19VokwaKohati nemhuri dzavo ndevaAmuramu naIzhari naHebhuroni naUzieri. 20Vana vokwaMerari nemhuri dzavo ndevaMahiri naMushi. Idzi ndidzo mhuri dzavaRevhi, mudzimba dzamadzibaba avo.
21VokwaGerishoni vaisanganisira mhuri yavaRibhini neyavaShimei. Idzodzi ndidzo mhuri dzokwaGerishoni. 22Uwandi hwavanhurume vavo vakaverengwa vaye kubvira parusvava runo mwedzi mumwechete zvichikwira, vaisvika zviuru zvinomwe zvina mazana mashanu. 23Vemhuri yaGerishoni ndivo vaizodzika matendhe avo kuseri kwetendhe rinoera nechokumadokero. 24Eriasafu mwanakomana waRaeri anenge ari mutungamiriri wemhuri yaGerishoni. 25Patendhe rokusanganira, basa remhuri yaGerishoni nderokuchengeta tendhe rinoera, namachira okudzikatirisa nejira rokudzikatirisa pamusuo wetendhe rokusanganira, 26namachira okudzikatirisa ruvanze rwomukati metendhe rinoera, nejira rokudzikatirisa pamusuo weparuvanze rwakatenderera tendhe rinoera, neatari, netambo dzaro, nebasa rose repo.
27VokwaKohati vaisanganisira mhuri yaAmuramu nemhuri yaIzhari neyaHebhuroni neyaUzira. Idzodzi ndidzo mhuri dzaKohati. 28Uwandi hwavanhurume vose vakaverengwa vaye kubvira parusvava rune mwedzi mumwechete zvichikwira, vaisvika zviuru zvisere zvina mazana matanhatu. Ava ndivo vaiva vachengeti vetendhe.
29Vemhuri yaKohati ndivo vaizodzika matendhe avo kumaodzanyemba kwetendhe rinoera. 30Erizafani mwanakomana waUzieri anenge ari mutungamiriri wemhuri yaKohati. 31Ndivo vaiva nebasa rokuchengeta bhokisi rechitenderano netafura nechigadziko chomwenje nedziatari mbiri nemidziyo yaishandiswa mumupanda unoera neketeni rechidzikatiro nezvose zvebasa razvo.
32Ereazari mwanakomana womupristi Aroni, ndiye aiva mutungamiriri wavaRevhi vose. Ndiye aiva mutariri wevose vaiita mabasa mutendhe rinoera.
33Merari ndiye tateguru wemhuri yaMahiri neyaMushi. Iwaya ndiwo madzinza okwaMerari. 34Uwandi hwavanhurume vavo vaikwana zviuru zvitanhatu namazana maviri kubvira pavana vano mwedzi mumwechete. 35Vanhu vose vemhuri yaMerari ngavadzike matendhe avo zvichienda nechokuchamhembe kwetendhe rinoera. Zurieri mwana waAbhihairi ndiye aiva mutungamiriri wemhuri dzamadzibaba avo. 36Vemhuri yaMerari ndivo vakapiwa basa rokuchengeta zvemapango etendhe rinoera nembariro, nembiru dzaro nezvigadzikiro nezvose zvinofambirana nazvo. Ndivo vaiita basa rose raienderana nezvinhu izvozvi. 37Ndivo vaichengetawo mbiru nezvigadzikiro nehoko netambo zvokukomberedza ruvanze.
38Vaizodzikawo matendhe avo pamberi petendhe rinoera, kumabvazuva pakatarisana netendhe rokusanganira nechokumabvazuva ndiMosesi naAroni navanakomana vake. Zvemipiro yomunzvimbo inoera zvaiva mumaoko avo zvose zvaifanira kuitirwa vaIsiraeri. Mumwewo munhuwo zvake anofemera kuita basa iroro ngaaurayiwe. 39Vose vedzinza rekwaRevhi vakaverengwa naMosesi naAroni mhuri nemhuri sokurayirwa kwavakaitwa naTenzi. Uwandi hwavanhurume kubvira pavana vano mwedzi mumwechete zvichienda mberi vaiva makumi maviri ezviuru ane zviuru zviviri.
VaRevhi namatangwe
40Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Verenga matangwe ose echirume pakati pavaIsiraeri, kubvira parusvava runo mwedzi mumwechete zvichikwira, unyore mazita avo ose. 41Zvino panzvimbo yamatangwe avaIsiraeri iwaya namatangwe ezvipfuwo zvavo, nditsaurire vaRevhi kuti vave vanhu vangu, ini Tenzi.”
42Naizvozvo Mosesi akaverenga matangwe iwaya ose pakati pavaIsiraeri sokuudzwa kwaakaitwa naTenzi. 43Matangwe echirume ose akaverengwa kubvira parusvava runo mwedzi mumwechete zvichikwira, aisvika makumi maviri ezviuru ane zviuru zviviri zvina mazana maviri ana makumi manomwe navatatu.
44Tenzi akataurira Mosesi achiti, 45“Zvino panzvimbo yamatangwe avaIsiraeri, nditsaurire vaRevhi. Panzvimbowo yamatangwe ezvipfuwo zvavo, nditsaurire matangwe ezvipfuwo zvavaRevhi. VaRevhi vachava vangu ini Tenzi. 46Zvino kuti udzikinure matangwe mazana maviri namakumi manomwe avaIsiraeri huri ihwo uwandi hwavanopfuura nahwo kuwanda kwakaita vaRevhi makumi manomwe navanhu vatatu. Naizvozvo vana vakapfuuridza ivavo ngavadzikinurwe. 47Mumwe nomumwe wevana ivavo anofanira kudzikinurwa nemari yesirivha iri pamurao yomunzvimbo inoera. 48Mari yokudzikunura vanhu vakapfuuridza ivava, ngaipiwe Aroni navanakomana vake.”
49Saka Mosesi akatora mari yakadzikinuriswa vaya vakanga vapfuuridza pauwandi hwavaRevhi. 50Akaunganidza mari inoita chiuru chimwechete china mazana matatu ana makumi matanhatu ane shanu emari yesirivha iri pamurao yomunzvimbo inoera. 51Mosesi akapa mari iya yavakadzikinuriswa nayo kuna Aroni navanakomana vake sokutaurirwa kwaakanga aitwa naTenzi.
Currently Selected:
Kuverengwa 3: SCLB
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.