YouVersion Logo
Search Icon

Kuverengwa 28

28
1Tenzi akati kuna Mosesi, 2“Taurira vaIsiraeri kuti vangwarire kundipa, mipiro yangu panguva dzakatemwa, mipiro yangu yezvokudya inoita zvokupiswa nomoto inonhuhwirira zvinondifadza. 3Vaudze kuti zuva nezuva vagare vachipira Mwari mupiro wokupisa wehwayana mbiri, dzine gore rimwechete dzisina chinoshoreka. 4Ngavapire Mwari hwayana imwechete mangwanani, vozopira imwe yacho manheru. 5Ngavapirewo upfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hunorema kirogiramu rimwechete, hwakakanywa namafuta eorivhi akanakisisa anokwana rita rimwechete. 6Uyu ndiwo mupiro wokupisa pazuva roga roga wakarayirwa vaIsiraeri pagomo reSinai unopiswa pamoto kuti kunhuhwirira kwawo kufadze Tenzi. 7Piraiwo mupiro wayo wezvokunwa unokwana rita rimwechete, nechibayiro chehwayana yokutanga, muteurire Tenzi zvokunwa, zvinoraradzisa munzvimbo inoera. 8Ngavapire hwayana yechipiri manheru nomupiro wayo wembesanwa nomupiro wayo wezvokunwa sezvinenge zvamboitwa mangwanani. Mupiro iwoyo uitei zvokuupisa nomoto kunhuhwirira kwawo kufadze ini Tenzi.
Mupiro womusi weSabata
9“Musi weSabata pirai hwayana hono mbiri, dzine gore rimwechete, dzisina chinoshoreka, pamwechete noupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hunorema makirogiramu maviri, hwomupiro wembesanwa, hwakakanywa namafuta, pamwechete nomupiro wawo wezvokunwa. 10Iwoyu ndiwo mupiro wokupisa wokuita paSabata rimwe nerimwe, uchiwedzerwa pamupiro wokupisa wamazuva ose nomupiro wawo wezvokunwa.
Mupiro wapakugara kwomwedzi
11“Mwedzi woga woga pakugara kwawo, pirai Tenzi mupiro wokupisa, wehandira mbiri dzichiri duku nehondohwe imwechete, nehwayana hono nomwe dzine gore rimwechete dzisina chinoshoreka. 12Pirai mupiro wembesanwa weupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hwakakanyiwa namafuta eorivhi. Pahandira imwe neimwe torai upfu hunorema makirogiramu matatu, pahondohwe, mutore makirogiramu maviri, 13Pahwayana imwe neimwe torai kirogiramu rimwechete. Uyu ndiwo mupiro unoita zvokupiswa nomoto kuti kunhuhwirira kwawo kufadze Tenzi. 14Mipiro yezvokunwa inopirwa pamwechete nayo ndeiyi: pahandira imwe neimwe torai, waini inokwana marita maviri, pahondohwe torai waini inokwana rita rimwechete nechikamu charo chapakati napakati, pahwayana imwe neimwe torai waini inokwana rita rimwechete. Iwoyu ndiwo mupiro wokupisa unoitwa pazuva rokutanga romwedzi nomwedzi gore rose. 15Piraiwo Tenzi gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo uchiwedzerwa pamupiro wokupisa uya unogaroitwa pamwechete nomupiro wewaini.
Zuva guru rePasika, namazuva makuru echingwa chisina mbiriso
(Mup 23:23–25)
16“Zuva regumi nechina romwedzi wokutanga, ndiro zuva rePasika yaTenzi. 17Zuva regumi nechishanu romwedzi iwoyu izuva guru. Ngakudyiwe chingwa chisina mbiriso kwamazuva manomwe. 18Zuva rokutanga racho ngapaitwe musangano mutsvene wezvokunamata, musaite basa rinorema. 19Asi pirai Tenzi mupiro unoita zvokupiswa nomoto wehandira mbiri dzichiri duku pamwechete nehondohwe imwechete, nehwayana hono nomwe, dzine gore rimwechete. Dzose ngadzive dzisina chinoshoreka. 20Piraiwo mupiro wembesanwa weupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hwakakanyiwa namafuta eorivhi, pahandira imwechete torai makirogiramu matatu, pahondohwe torai makirogiramu maviri, 21pirai kirogiramu rimwechete pahwayana imwe neimwe dzose dziri nomwe. 22Piraiwo Tenzi gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo kuve kuripira kwenyu. 23Mipiro iyoyi ngaiwedzerwe pamupiro wokupisa unogaroitwa mangwanani. 24Kwamazuva manomwe itai saizvozvo zuva nezuva muchipira zvokudya zvomupiro unoita zvokupiswa nomoto, kunhuhwirira kwawo kufadze ini Tenzi. Mipiro iyoyi ngaiwedzere mupiro wokupisa unogaroitwa zuva nezuva pamwechete nomupiro wezvokunwa. 25Pazuva rechinomwe kokorodzanaizve muite musangano mutsvene wezvokunamata, musaite basa rinorema.
Mipiro yomusi wokupemberera kukohwa
(Mup 23:15–22)
26“Pazuva rokupira mupiro wembesanwa dzinotanga kukohwiwa, pamunouya kuzopira Tenzi mupiro wembesanwa dzinotanga, mazuva makuru amavhiki okukohwa, itai musangano mutsvene wezvokunamata musaite basa rinorema. 27Asi pirai Mwari mupiro wokupisa unonhuhwirira zvinofadza Tenzi. Pirai handira mbiri dzichiri duku nehondohwe imwechete nehwayana hono nomwe dzine gore rimwechete. 28Piraiwo mupiro wembesanwa weupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hwakakanyiwa namafuta eorivhi. Pahandira imwe neimwe pirai makirogiramu matatu oupfu, pahondohwe makirogiramu maviri, 29pahwayana imwe neimwe kirogiramu rimwechete. 30Piraiwo gotora rokupfupira zvitadzo zvenyu kuve kuripira kwenyu. 31Pirai mipiro iyoyi pamwechete nemipiro yayo yezvokunwa tisingaverengere mupiro wokupisa unogaroitwa nomupiro wawo wembesanwa. Nyatsoonai kuti zvipfuwo zvacho zvive zvipfuwo zvisina chinoshoreka.

Currently Selected:

Kuverengwa 28: SCLB

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in