Kuverengwa 26
26
Kuverengwa kwechipiri kwavaIsiraeri
1Denda riya rakati rapera, Tenzi akazotaurira Mosesi naEreazari mwanakomana womupristi Aroni achiti, 2“Verengai gungano rose ravaIsiraeri vanhurume vana makore makumi maviri, navane anopfuura iwayo, verengai dzinza nedzinza vaIsiraeri vose vanokwanisa kuenda kuhondo.” 3Mosesi nomupristi Ereazari vakandotaurirana navanhu kumapani eMoabhu mhiri kwaJorodhani paJeriko vachiti, 4vaverenge vanhurume vana makore makumi maviri navana anopfuura iwayo, sokuudzwa kwakaita Mosesi naTenzi. VaIsiraeri vakabuda kuIjipiti vaiti: 5mudzinza raRubheni, dangwe raJakobho maiva nemhuri dzavanakomana vake vaiti: mhuri yokwaHanoki tateguru wayo ari Hanoki, mhuri yokwaParu, tateguru wayo ari Paru, 6mhuri yokwaHezironi tateguru wayo ari Hezironi, mhuri yokwaKarumi tateguru wayo ari Karumi. 7Vose vakaverengwa mudzinza raRubheni, vaikwana makumi mana ezviuru nezviuru zvitatu namazana manomwe ana makumi matatu avanhu. 8Mwanakomana waParu aiva Eriabhu. 9Vanakomana vaEriabhu vaiva Nemueri naDhatani naAbhiramu. Ndivo Dhatani naAbhiramu vatungamiriri vaya vakanga vasarudzwa mugungano ravaIsiraeri. Asi vakazopikisana naMosesi naAroni, vakaita rimwe naKora paya pavakapikisa Tenzi. 10Ndipo pakashama nyika muromo wayo ikavamedza pamwechete naKora neboka rake, pakaparadzwa varume mazana maviri anamakumi mashanu, chikava chiratidzo chokuyambira vanhu. 11Asi vana vaKora havana kuurayiwa.
12Mudzinza rokwaSimeoni makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaNemueri tateguru wayo ari Nemueri, mhuri yokwaJamini tateguru wayo vari Jamini, mhuri yokwaJakini tateguru wayo ari Jakini, 13mhuri yaZera tateguru wayo ari Zera, mhuri yaShauri tateguru wayo ari Shauri. 14Vose vakaverengwa mudzinza rokwaSimeoni, vaikwana makumi maviri ezviuru nezviuru zviviri namazana maviri.
15Mudzinza rokwaGadhi makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaZefoni tateguru wayo ari Zefoni, mhuri yaHagi tateguru wayo ari Hagi, mhuri yaShuni tateguru wayo ari Shuni, 16mhuri yaOzini tateguru wayo ari Ozini, mhuri yaEri tateguru wayo ari Eri, 17mhuri yaArodhi tateguru wayo ari Arodhi, mhuri yaAreri tateguru vayo vari Areri. 18Vose vakaverengwa mudzinza rokwaGadhi, vaikwana makumi mana ezviuru namazana mashanu avanhu.
19Judha aivawo navanakomana vainzi Eri naOnani, asi vakanga vatofa kare munyika yeKanani. 20Saka vakaverengwa mudzinza rokwaJudha mhuri nemhuri, ndevemhuri yaShera tateguru wayo ari Shera, mhuri yaPerezi tateguru wayo ari Perezi, mhuri yaZera tateguru wayo ari Zera. 21Vanakomana vaPerezi nemhuri dzavo ndivo ava vanoti; mhuri yaHezironi tateguru wayo ari Hezironi, mhuri yokwaHamuri tateguru wayo ari Hamuri. 22Vose vakaverengwa mudzinza rokwaJudha vaikwana makumi manomwe ezviuru nezviuru zvitanhatu namazana mashanu avanhu.
23Mudzinza rokwaIsakari makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaTora tateguru wayo ari Tora, mhuri yokwaPuni tateguru wayo ari Puvha, 24mhuri yokwaJashubhi tateguru wayo ari Jashubhi, mhuri yokwaShimuroni tateguru wayo ari Shimuroni. 25Vose vakaverengwa mudzinza rokwaIsakari vaikwana makumi matanhatu ezviuru nezviuru zvina, namazana matatu avanhu.
26Mudzinza rokwaZebhuroni makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaSeredhi tateguru wayo ari Seredhi, mhuri yokwaEroni tateguru wayo ari Eroni, mhuri yokwaJareeri tateguru wayo ari Jareeeri. 27Vose vakaverengwa mudzinza rokwaZebhuroni vaikwana makumi matanhatu ezviuru, namazana mashanu avanhu.
28Mudzinza rokwaJosefi makaverengwa mhuri nemhuri, dzaManase nedzaEfuremu. 29Mumhuri dzokwaManase kwaiti mhuri yokwaMakiri tateguru wayo ari Makiri. Makiri ndiye baba vaGiriadhi. Mhuri yokwaGiriadhi tateguru vayo ndiGiriadhi. 30Giriadhi akavawo navanakomana vake nemhuri dzavo dzinoti mhuri yokwaJezeri tateguru wayo ari Jezeri, mhuri yokwaHereki tateguru wayo ari Hereki, 31mhuri yokwaAsirieri tateguru wayo ari Asirieri, mhuri yokwaShikemu tateguru wayo ari Shekemu, 32mhuri yokwaShemidha tateguru wayo ari Shemidha, mhuri yokwaHeferi tateguru wayo ari Heferi. 33Asi Zerofehadhi mwanakomana waHeferi akanga asina vanakomana, asi aiva navanasikana. Vanasikana vaZerofehadhi vainzi Mahira naNowa naHogira naMirika naTiriza. 34Vose vakaverengwa mudzinza raManase vaikwana makumi mashanu ezviuru nezviuru zviviri, namazana manomwe avanhu.
35Mudzinza rokwaEfuremu makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaShutera tateguru wayo ari Shutera, mhuri yokwaBhekeri tateguru wayo ari Bhekeri, mhuri yokwaTahani tateguru wayo ari Tahani. 36Shutera ndiye baba waErani tateguru wemhuri yavaErani. 37Vose vakaverengwa mumhuri yaEfuremu vaikwana makumi matatu ezviuru nezviuru zviviri, namazana mashanu. Ivava ndivo vomudzinza rokwaJosefi vakaverengwa mhuri nemhuri.
38Mudzinza rokwaBhenjamini makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaBhera tateguru wayo ari Bhera, mhuri yokwaAshibheri tateguru wayo ari Ashibheri, mhuri yokwaAhiramu tateguru wayo ari Ahiramu, 39mhuri yokwaShefufamu tateguru wayo ari Shefufamu, mhuri yokwaHufamu tateguru wayo ari Hufamu. 40Vanakomana vaBhera ndiAridhi naNaamani. Mhuri yakwaAridhi tateguru wayo ndiAridhi, mhuri yokwaNaamani tateguru wayo ndiNaamani. 41Vose vakaverengwa mhuri nemhuri mudzinza rokwaBhenjamini vaikwana makumi mana ezviuru nezviuru zvishanu, namazana matanhatu.
42Mudzinza raDhani makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaShuhamu tateguru wayo ari Shuhamu. Ndidzo mhuri dzomudzinza rokwaDhani dzakaverengwa mhuri nemhuri. 43Vanhu vakaverengwa vose mhuri nemhuri dzokwaShuhamu vakakwana makumi matanhatu ezviuru nezviuru zvina, namazana mana.
44Mudzinza raAsheri makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaImuna tateguru wayo ari Imuna, mhuri yokwaIshivhi tateguru wayo ari Ishivhi, mhuri yaBheria tateguru wayo ari Bheria. 45Bheria ndiye tateguru waHebheri naMarikieri, mhuri yokwaHebheri tateguru wayo ari Hebheri, mhuri yaMarikieri tateguru wayo ari Marikieri. 46Zita romwanasikana waAsheri rainzi Sera. 47Ndidzo mhuri dzomudzinza raAsheri, vose vakaverengwa vakakwana makumi mashanu ezviuru nezviuru zvitatu, namazana mana avanhu.
48Mudzinza rokwaNafutari makaverengwa mhuri nemhuri, mhuri yokwaJahizeeri tateguru wayo ari Jahizeeri, mhuri yaGuni tateguru wayo ari Guni, 49mhuri yokwaJezeri tateguru wayo ari Jezeri, mhuri yokwaShiremu tateguru wayo ari Shiremu. 50Idzodzi ndidzo mhuri dzomudzinza rokwaNafutari, vose vakaverengwa vakakwana makumi mana ezviuru nezviuru zvishanu, namazana mana avanhu.
51Uhu ndiwo uwandi hwavaIsiraeri vakaverengwa. Vakakwana mazana matanhatu ezviuru nechiuru chimwechete, chine mazana manomwe namakumi matatu avanhu.
52Tenzi akataurira Mosesi achiti, 53“Vanhu ivavo ngavagoverwe nyika kuti ive nhaka yavo maererano nouwandi hwavo. 54Dzinza rina vanhu vazhinji ngaripiwe mugove wenhaka mukuru. Dzinzawo rina vanhu vashoma, ngaripiwe mugove wenhaka muduku. Dzinza nedzinza ngaripiwe mugove wenhaka maererano nouwandi hwevemo. 55Nyika ngaigoviwe nechin'ange, vagogaramo mhuri nemhuri, dzinza nedzinza. 56Nhaka iyoyi inofanira kugoverwa nechin'ange maererano nouwandi kana ushoma hwavanhu vari mudzinza iroro.”
57Mudzinza rokwaRevhi ava ndivo vakaverengwa mhuri nemhuri; makaverengwa mhuri yokwaGerishoni tateguru wayo ari Gerishoni, nemhuri yokwaKohati tateguru wayo ari Kohati, nemhuri yokwaMerari tateguru wayo ari Merari. 58Mhuri dzomudzinza rokwaRevhi dzaiva mhuri yokwaRibhini, nemhuri yokwaHebhuroni, nemhuri yokwaMaari nemhuri yokwaMushi nemhuri yaKora. Kohati aiva baba vaAmuramu. 59Zita romudzimai waAmuramu rainzi Jokebhedhi, mwanasikana waRevhi akaberekerwa Ijipiti. Ndiye akabereka Aroni naMosesi nehanzvadzi yavo Miriamu. 60Aroni ndibaba vaNadhabhu naAbhihu naEreazari naItamaru. 61Asi Nadhabhu naAbhihu vakafa paya pavakapira Tenzi moto usingabvumirwi. 62Vose vakaverengwa vaikwana makumi maviri ezviuru nezviuru zvitatu. Vaiva vanhurume vose, kubvira pavacheche vane mwedzi mumwechete, wokuberekwa zvichikwira, vakanga vasina kuverengwa pamwechete navaIsiraeri nokuti vakanga vasingagoverwi nhaka pakati pavo.
63Ivava ndivo vakaverengwa naMosesi nomupristi Ereazari. Vakaverenga gungano ravaIsiraeri vari mumapani eMoabhu pedyo naJorodhani kuJeriko. 64Asi pane vakaverengwa ipapo pakanga pasisina kunyange murume mumwechete zvake wavaya vakamboverengwa naMosesi nomupristi Aroni, pavakamboverenga gungano ravaIsiraeri kurenje reSinai, 65nokuti Tenzi akanga avapikira achiti, “Vanotofira murenje.” Saka hakuna kana munhu wavo wechirume akasara kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune, naJoshuwa mwanakomana waNuni.
Currently Selected:
Kuverengwa 26: SCLB
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.