Kuverengwa 21
21
VaIsiraeri vanokunda vaKanani
1Mambo weAradhi muKanani akanga agere kuNegevhu, kumaodzanyemba kweKanani akanzwa kuti vaIsiraeri vari kuuya nenzira yokuAtarimu. Akandorwisa vaIsiraeri akatapa vamwe vavo. 2Ipapo vaIsiraeri vakapika mhiko kuna Tenzi vachiti, “Kana mukatiita kuti tikunde vanhu ava, maguta avo tinoaita chibayiro, tichiaparadza zvachose.” 3Tenzi akanzwa zvakataurwa neIsiraeri akavabatsira kukunda vaKanani. VaIsiraeri vakavaparadza zvachose pamwechete namaguta avo. Ipapo pakazotumidzwa zita rokuti Horima.
Nyoka yendarira
4VaIsiraeri vakabva pagomo reHoru vakafamba nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku kuti vanyenyeredze nyika yaEdhomu. Asi vari munzira kudaro vanhu vakaora mwoyo, 5vakanyunyutira Mwari naMosesi vachiti, “Ko makatiburitsireiko kuIjipiti? Heya maida kuti tifire mugwenga muno! Hamuna chokudya kana mvura. Tafinhwa notuchingwa utwu tusina maturo!” 6Tenzi akatumira vaIsiraeri nyoka dzinouturu hunopisa somoto, dzikavaruma, vanhu vazhinji veIsiraeri vakafa. 7Vanhu vakauya kuna Mosesi vakati, “Takatadza nokuti takanyunyutira Tenzi nemi. Tinamatireiwo kuna Tenzi kuti atibvisire nyoka idzi.” Naizvozvo Mosesi ndokuvakumbirira. 8Tenzi ndokutaurira Mosesi achiti, “Pfura nyoka inouturu hunopisa somoto, uiturike pabango, saka ani naani anenge arumwa, kana akatarisa nyoka yaunopfura, achararama.” 9Mosesi akapfura nyoka yendarira akaiturika pabango. Naizvozvo ani naani ainge arumwa, aiti akangotarisa nyoka yendarira obva ararama.
Vakabva pagomo reHoru vakasvika pabani reMoabhu
10VaIsiraeri vakafamba vakandodzika matendhe avo kuObhoti. 11Vakazobva kuObhoti vakandodzika matendhe avo paIyeabharimu, murenje rakatarisana nenyika yaMoabhu nechokumabvazuva. 12Vakazobvapo vakandodzika matendhe avo kubani reZeredhi. 13Vakazobvapo vakandodzika matendhe avo mhiri kwerwizi Arinoni ruri murenje rinosvika kunyika yavaAmori. Arinoni ndirwo runoganhura nyika yavaMoabhu navaAmori. 14Ndokusaka zvakanyorwa mubhuku rinonzi Bhuku reHondo dzaTenzi zvinonzi;
Guta reWahebhu riri muSufa
namapani aArinoni
15namawere amapani
anosvika kuAru
akatsamirana nemiganhu yeMoabhu.
16Vakasimudzira rwendo rwavo
vakasvika patsime reBheeri ndipo
patsime paya pakaudzwa Mosesi naTenzi kuti,
“Unganidza vanhu ndivape mvura.”
17VaIsiraeri vakaimba rwiyo urwu runoti;
Iwe tsime, buritsa mvura.
Riimbirei rumbo.
18Tsime rakacherwa namachinda
rafukunurwa navatungamiriri vavanhu.
Rakacherwa netsvimbo youshe
rakacherwawo nemidonzvo yavo.
Vakabva murenje vakaenda kuMatana.
19Vakabva paMatana vakaenda kuNaharieri.
Vakabva Naharieri vakaenda kuBhamoti. 20Vakazobva kuBhamoti vakaenda kumupata uri kubani reMoabhu pamusoro pegomo rePisiga pakatarisana nerenje.
VaIsiraeri vanokunda mambo Sihoni namambo Ogu
21VaIsiraeri vakatuma nhume kuna Sihoni, mambo wavaAmori, vachiti, 22“Dotibvumiraiwo kuti tipfuure nomunyika yenyu. Hatizobudi munzira tichipinda muminda yenyu yembesa kana yemivhaini, kana kunwa mvura yetsime renyu zvaro. Ticharamba tiri muMugwagwa Mukuru Wamambo kudzamara tabuda munyika yenyu.” 23Asi Sihoni haana kubvumira vaIsiraeri kuti vapfuure nomunyika yake. Akatounganidza hondo yake yose, akandorwisa vaIsiraeri kurenje, 24vaIsiraeri vakavarakasha namapakatwa, vakavatorera nyika yavo kubvira muna Arinoni kundosvika muna Jabhoko, vachindogumira kunyika yavaAmoni nokuti muganho wavaAmoni wakanga wakanyatsodzivirirwa.#21:24 Wakanyatsodzivirirwa: ChiHebheru chinoti az ndirwo rwaiva muganhu wavaAmoni. 25Saka vaIsiraeri vakatorera vaAmori maguta avo ose, vakagaramo vakatora kunyange Heshibhoni nemisha yakanga yakaripoteredza. 26MuHeshibhoni ndimo maiva mumuzinda waSihoni mambo wavaAmori, akarwa naakanga ari mambo wavaMoabhu akamubvutira nyika yake yose kundosvika muna Arinoni. 27Ndokusaka vadetembi venziyo dzengondo vachiti
“Uyai kuHeshibhoni, rivakwe patsva,
guta raSihoni rinyatsoti dzuu kumira.
28Moto wakatombobudawo muHeshibhoni,
uchibva muguta raiye mambo Sihoni.
Wakaroromesa Aru guta ravaMoabhu,
ukaparadza machinda okuArinoni.
29Zvakuwana nhasi Moabhu,
maororwa imi vanamati vaKemoshi.
Kemoshi akarega vanakomana vachiva vapoteri,
vanasikana vake vachiva nhapwa.
Vakava nhapwa dzaSihoni mambo wavaAmori.
30Vana vavo vose vakaparadzwa
Vakaparadzwa kubvira kuHeshibhoni kusvikira Dhibhoni,
kubvira kuNashimu kusvikira kuNofa, pedyo neMadhebha.”
31Naizvozvo vaIsiraeri vakabva vagara munyika yavaAmori, 32Mosesi ndokutuma vanhu kundosora guta reJazeri. VaIsiraeri vatora misha yakanga yakaripoteredza, vakadzingawo vaAmori vaigaramo. 33Vakazotsauka vakaenda nokuBhashani. Ogi mambo weBhashani akavavinga nehondo yake akavarwisa kuEdhirei. 34Asi Tenzi akataurira Mosesi kuti, “Usambomutya zvako. Ndamuisa mumaoko ako navanhu vake vose nenyika yake. Zviya zvawakaita kuna Sihoni mambo wavaAmori aigara kuHeshibhoni ndizvo zvaunofanira kuita kwaari.” 35Naizvozvo vaIsiraeri vakazomuuraya pamwechete navanakomana vake navanhu vake vose. Kusvikira pasisina nomumwe wavo akapunyuka. Nyika yake yakabva yava yavo.
Currently Selected:
Kuverengwa 21: SCLB
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.