Kuverengwa 13
13
Vasori
(Kut 1:19–33)
1Tenzi akataurira Mosesi achiti, 2“Tuma varume vanoenda kundosora nyika yeKanani, yandiri kupa vaIsiraeri. Padzinza rimwe nerimwe ravaIsiraeri tora mumwe wavatungamiriri vavo.” 3Mosesi akatuma vose vakanga vari vatungamiri vavaIsiraeri sokuudzwa kwaakanga aitwa naTenzi. Vakanga vakadai:
Aya ndiwo mazita avo,
4Mudzinza rokwaRubheni, mutungamiriri
akatorwamo ndiShamua mwanakomana waZakuri.
5Mudzinza rokwaSimeoni,
makatorwa Shafati mwanakomana waHoru.
6Mudzinza rokwaJudha,
makatorwa Karebhu mwanakomana waJefune.
7Mudzinza rokwaIsakari,
makatorwa Igari mwanakomana waJosefi.
8Mudzinza rokwaEfuremu,
makatorwa Hoshea mwanakomana waNuni.
9Mudzinza rokwaBhenjamini,
makatorwa Pariti mwanakomana waFaru.
10Mudzinza rokwaZebhuroni,
makatorwa Gadhieri mwanakomana waSodhi.
11Mudzinza rokwaJosefi, dzinza rokwaManase,
makatorwa Gadhi mwanakomana waSusi.
12Mudzinza rokwaDhani,
makatorwa Amieri mwanakomana waGemari.
13Mudzinza rokwaAsheri,
makatorwa Seturi mwanakomana waMikaeri.
14Mudzinza rokwaNafutari,
makatorwa Nahibhi mwana waVhofusi.
15Mudzinza rokwaGadhi,
makatorwa Geueri mwanakomana waMachi.
16Ndiwo mazita avasori vakatumwa naMosesi kundosora nyika iyoyo. Mosesi akatumidza Hosea mwanakomana waNuni kuti Joshuwa.
17Mosesi akavatuma kundosora nyika yeKanani akati kwavari, “Endai nokuNegevhu uko mukwire kunyika yamakomo. 18Endai mundoona kuti nyika iyoyo yakaita sei, navanhu vageremo kuti vane simba here kana kwete, kuti vazhinji here kana kuti vashoma. 19Endai mundoona kuti nyika yavagere inyika yakanaka here kana kuti yakaipa. Muonewo kuti maguta avagere akakomberedzwa nerusvingo here kana kuti kwete.
20“Ongororai ivhu reko kuti rakanaka here kana kuti rakaipa, kuti kune miti here kana kuti hakuna. Itai chivindi muuye nemichero yomunyikamo.” Yakanga yava nguva yokutanga kuibva kwamagirepisi.
21Varume vaya vakaenda vakandosora nyika iyoyo, kubvira parenje reZini, kundosvika kuguta rainzi Rehobhu tavakuda kupinda muguta reHamati. 22Vakatanga kusora kumaodzanyemba kwayo ndokuzosvika kuguta reHebhuroni kwaigara marudzi aAhimani naSheshai naTarumai zvizukuru zverudzi rwehofori dzavanhu dzainzi vaAnaki. Guta reHebhuroni rakavakwa makore manomwe guta rokuIjipiti rainzi Zoani risati ravakwa. 23Vakasvika kubani reEshikoru vakatanha bazi raiva nesumbu ramagirepisi yaitoitwa zvokutembedzanwa pamafudzi navarume vaviri pamutanda. Vakauyawo nemichero yamapomugiraneti namaonde. 24Nzvimbo iyoyo yakatumidzwa kuti bani reEshikoru#13:24 Eshikoru: Zvinoreva kuti Sumbu. pamusana pesumbu remagirepisi rakachekwapo navaIsiraeri.
25Shure kwamazuva makumi mana vachimema nyika iyoyo vakazodzokera. 26Vakafamba vakasvika kwaiva naMosesi naAroni navaIsiraeri vose kunzvimbo inonzi Kadheshi iri kurenje reParani. Vakavataurira zvavakanga vaona ivo negungano rose vakavaratidza michero yenyika iyoyo. 27Vakarondedzera Mosesi vachiti, “Takasvika kunyika yamakatituma. Ichokwadi kuti nyika iyoyo yakapfuma inoerera uchi nomukaka. Heino michero yayo yatauya nayo. 28Asi vanhu vageremo vane simba. Maguta avo makuru kwazvo akanyatsokomberedzwa netsvingo. Kunyange hofori dzorudzi rwavaAnaki takadziona ikoko. 29Rudzi rwaAmareki rugere nechokumaodzanyemba kwayo. VaHiti navaJebhusi navaAmori vanogara mumakomo. VaKanani vari kumadokero pedyo negungwa nepedyo perwizi rwaJorodhani.” 30Asi Karebhu akanyaradza vanhu vaiva pana Mosesi achiti, “Handeiko izvozvi, tindoitora. Chokwadi, tinokwanisa kuzviita.”
31Varume vaya vakanga vaenda naye vakati, “Hatikwanisi kundomirisana navo nokuti vakasimba kupinda isu.” 32Naizvozvo shoko ravakauya vava naro kuzopa vaIsiraeri, vadzoka kundosora nyika iya, raiti, “Nyika yatakasora haikwanise kupa vagari vemo zvokudya zvakakwana. Vanhu vose vatakaonako varefu chaizvo. 33Takaonawo hofori dzavanhu vorudzi rwaAnakimu. Isu takanga takaita sehwiza ndiko kutiona kwavaitiita.”
Currently Selected:
Kuverengwa 13: SCLB
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.