YouVersion Logo
Search Icon

Mariko 6

6
Jesu anorambwa muNazareti
(Mat 13:53–58; Ruka 4:16–30)
1Jesu akabvapo akaenda kudunhu rokwake; vadzidzi vake vakamutevera. 2Kuzoti wava musi weSabata, akatanga kudzidzisa musinagogu. Vazhinji vakamunzwa vakashamiswa kwazvo vachiti, “Ko nhaimi, uyu akawanepiko zvinhu izvi? Ko ungwaru hworudziiko hwakapiwa kune munhu uyu? Naizvoka zvishamiso zvaanoita namaoko ake! 3Ko handiye muvezi here uyu, mwana waMaria, mukomanomunun'una nanaJemusi naJosesi naJudhasi naSimoni. Ko hanzvadzi dzake hadzisi pano nesu here?” Vakabva vamugumbukira. 4Jesu ndokuti kwavari, “Hakuna kwaasingaremekedzwi muporofita kusara kwomudunhu rokwake, nomukati mehama dzake nomukati mevemba yake.” 5Haana kuzogona kuita kana nechishamiso zvacho ikoko; akangoisa maoko ake pamisoro yavarwere vashomanana akavaporesa. 6Akashamiswa kwazvo nokusadavira kwavo.
Jesu anotuma vadzidzi vake gumi navaviri
(Mat 10:5–15; Ruka 9:1–6)
Akapota nemisha achidzidzisa. 7Akadaidza vane gumi navaviri kwaari ndokutanga kuvatuma vari vaviri vaviri achivapawo simba pamusoro pemweya yetsvina. 8Akavaudza kuti varege kutakura chinhu parwendo rwavo kusiya tsvimbo chete, varege kutakura chingwa kana tsapo kana mari zvayo mumindya yavo. 9Shangu vangapfeka zvavo, asi vagorega kupfeka hanzu mbiri. 10Akatizve kwavari, “Kwose kwose kwamunopinda mumba, garai imomo kusvikira mazobvako. 11Panzvimbo ipi neipi pavasingakugamuchirei kana pavasingakuteererei, pakubvapo kwenyu, gumai guruva retsoka dzenyu kuti rive chapupu kwavari.”
12Nokudaro vakaenda vakandoparidza kuti vanhu vapinduke. 13Vakadzinga mweya yakaipa mizhinji, vakazorawo varwere vazhinji mafuta, vachivaporesa.
Kuurayiwa kwaJohani Muombeki
(Mat 14:1–12; Ruka 9:7–9)
14Zvino mambo Herodhi akanzwa zvose izvi, nokuti zita raJesu rakanga rava nomukurumbira. Vamwe vaiti, “Johani Muombeki akamutswa muvafi, ndosaka ana masimba akadai maari okuita zvishamiso.” 15Asi vamwe vaiti ndiEriya, vamwewo vachiti, “Muporofita akangofananawo navamwe vaporofita vakare.” 16Asi Herodhi, paakanzwa izvi, akati, “Johani uya wandakadimbura musoro ndiye akamutswa.” 17Nokuti Herodhi uyu akanga atuma vanhu kundobata Johani akamuisa mujeri pamusana paHerodhiasi, mudzimai waFiripi, munun'una wake waakatora. 18Nokuti Johani aiti kuna Herodhi, “Hazvibvumirwi kuti iwe ugare nomukadzi womunun'una wako.” 19Ipapo Herodhiasi aiva nedaka naJohani, achida kumuuraya, asi akakoniwa. 20Pamusana pokuti Herodhi aitya Johani nokuti aiziva kuti munhu wakarurama, mutsvene, aimudzivirira. Zvaimutambudza kwazvo kunzwa zvaaireva asi zvaimufadza kuteerera zvaaitaura.
21Zvino zuva rakanga rakamirirwa naHerodhiasi rakazosvika nomusi wokupemberera kuberekwa kwaHerodhi. Pazuva iroro, Herodhi akaitira mabiko vakuru–vakuru vehurumende yake navatungamiriri vehondo navakuru–vakuru veGarirea. 22Mwanasikana waHerodhiasi akapinda akatamba akafadza Herodhi navakanga vagere pakudya naye. Ipapo mambo akati kumusikana, “Ndikumbire hako chero chaunoda ndinokupa.” 23Uyezve akatopika kwaari achiti, “Ukandikumbira chipi nechipi zvacho ndinokupa, kunyange chikava chikamu chepakati nepakati chezvoushe hwangu.”
24Zvino musikana uya akabuda panze akabvunza amai vake achiti, “Chii chandingakumbire?” Ivo vakati, “Musoro waJohani anoombeka.” 25Musikana akabva apinda makare nokuchimbidza kuna Mambo ndokukumbira achiti, “Ndinoda kuti mundipe iye zvino, mudhishi, musoro waJohani Muombeki.” 26Mambo zvakamurwadza chaizvo, asi nokuda kwemhiko dzake dzaakanga aita, uye pamusana pavaenzi vake, haana kuda kuramba. 27Pakarepo mambo akatuma musoja wokuchengetedza mambo achimuti auye nomusoro waJohani. Iye akaenda akandomudimura musoro mujeri muya, 28ndokuuya nawo uri mudhishi, akaupa kumusikana; musikana ndokuupawo kuna amai vake. 29Zvino vadzidzi vaJohani zvavakazvinzwa, vakaenda, vakatora chitunha chake ndokuchiviga muguva.
Jesu anogutsa zviuru zvishanu zvavanhu
(Mat 14:13–21; Ruka 9:10–17; Joh 6:1–14)
30Zvino vapositori vakadzoka#6:30 Vakadzoka: ChiGiriki chinoti vakaungana. kuna Jesu vachimurondedzera zvose zvavakanga vaita nezvavakanga vadzidzisa. 31Ipapo iye akati kwavari, “Chiuyai imi muri moga tiende kunzvimbo isina vanhu mumbozorora.” Nokuti vanhu vazhinji vakarambouya nokuenda zvokuti vakanga vachishaiswa kunyange nenguva yokudya. 32Vakabvapo negwa ndokuenda pachavo vari voga kunzvimbo isina vanhu. 33Vanhu vazhinji vakavaona vachienda vakabva vavaziva ndokumhanyirako netsoka vachibva mumaguta ose, vakavatangira kusvikako. 34Kuzoti Jesu asvikako akaona kuwanda kwavanhu ndokubva avanzwira tsitsi nokuti vakanga vakaita sehwai dzisina mufudzi, ndokutanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji. 35Kuzoti zvino zuva rarereka, vadzidzi vake vakauya kwaari voti, “Ino inzvimbo isina vanhu uye zuva rarereka iri, 36chiitai kuti vanhu vaende kumaruwa nokumisha yakapoteredza vandozvitengera zvokudya.” 37Asi iye akavapindura achiti, “Vapei, iyemi, zvokudya.” Ivo ndokuti kwaari, “Mungati tiende tingondotenga zvingwa zvamazana maviri amadhenari kuti tigozovapa vadye here?” 38Iye ndokuvati, “Ko mune zvingwa zvingani? Endai mundotarisa.” Kuzoti vazviona, vakati, “Zvishanu nehove mbiri.” 39Iye akati vanhu vose vagariswe pasi pauswa hunyoro vakaita zvikwata–zvikwata. 40Vakabva vagara pasi vakaita mapato–mapato, mamwe ezana mamwe emakumi mashanu. 41Zvino akatora zvingwa zviya zvishanu nehove mbiri akatarisa kudenga ndokukomborera#6:41 Ndokukomborera: Izwi iri rinogonawo kuturikirwa richinzi akatenda. akamedura zvingwa zviya ozvipa kuvadzidzi kuti vape vanhu. Akavagoverawo vose hove dziya mbiri. 42Vose vakadya; vakaguta. 43Vakaunganidza zvimedu zvakasara zvezvingwa nezvehove zvikazadza matengu gumi namaviri. 44Vakadya zvingwa zviya vaiva varume zviuru zvishanu.
Jesu anofamba pamusoro pemvura
(Mat 14:22–33; Joh 6:15–21)
45Pakarepo akagombedzera vadzidzi vake kuti vakwire mugwa vafanoenda mhiri kuBhetisaidha iye achimboonekana negungano ravanhu riya. 46Kuzoti apedza kuonekana navo, akakwira mugomo kundonamata. 47Kuzoti ava madeko, igwa rakanga rava nechapakati pegungwa; iye achiri pavhu pakaoma oga. 48Akazviona kuti vaishingaira kwazvo nokukwasva, nokuti mhepo yakanga yakanangana navo. Panguva inenge yomurirakamwe akauya kwavari achifamba pamusoro pegungwa, akaita soopfuurira. 49Zvavakamuona achifamba pamusoro pegungwa, vakafunga kuti idzimudzangara, ndokubva varidza mhere; 50nokuti vose vakamuona vakatya kwazvo. Pakarepo akabva ataura navo achiti, “Tsungai mwoyo. Ndini. Musatye.” 51Akakwira mugwa muya mavaiva, mhepo ndokubva yanyarara. Vadzidzi vake vakashamiswa zvikuru, 52nokuti havana kunge vanzwisisa nezvezvingwa zviya pamusana pokuti mwoyo yavo yakanga yakaomarara.
Jesu anoporesa vanhu muGenesareti
(Mat 14:34–36)
53Zvino kuzoti vayambuka mhiri, vakasvika kudunhu reGenesareti ndokusungirira igwa pamahombekombe. 54Vakati vachibuda mugwa riya vanhu vakabva vangomuziva. 55Vanhu vakamhanyidzana mudunhu iroro rose. Vakatanga kutakura varwere pauvato hwavo vachienda navo kwose kwavainge vanzwa kuti ndokwaari. 56Kuri kwose kwaakapinda mumisha, nomumaguta, nomumaruwa, vanhu vaivanzarika varwere pamisika vachimukumbirisa kuti varwere vabate kana mupendero zvawo wehanzu yake. Vose vakaubata vakaporeswa.

Currently Selected:

Mariko 6: SCLB

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in