YouVersion Logo
Search Icon

Ruka 7

7
Jesu anoporesa muranda womutungamiri wemasoja echiRoma
(Mat 8:5–13)
1Kuzoti Jesu apedza kutaura mashoko ake ose kuvanhu vakanga vakateerera, akapinda muKapenaumu. 2Zvino mumwe mutungamiri wezana aiva nomuranda waaida chaizvo. Muranda uyu akanga achirwara; ava kutoda kufa. 3Kuzoti mutungamiri wezana anzwa nezvaJesu, akatuma vakuru vakuru vavaJudha kwaari achikumbira kuti auye kuzoporesa muranda wake. 4Pavakasvika kuna Jesu, vakamukumbirisa vachiti, “Anokodzera kuti mumuitire izvi, 5nokuti anoda rudzi rwedu; ndiyezve akativakira sinagogu yedu.” 6Jesu akaenda navo. Kuzoti ava padyo neimba iyoyo, mutungamiriri wezana akatuma shamwari kwaari achiti, “Tenzi musazvinetse henyu, nokuti handikodzeri kuti mupinde mumba mangu, 7ndosakawo ndazviona ndiri asingakodzeri kuuya kwamuri. Asi ingotaurai izwi chete, muranda wangu achapora, 8nokuti ndiri munhu ari pasi pavakuru uye ndina masojawo pasi pangu. Ndinoti kune mumwe, ‘Enda,’ achienda, kuno mumwe: ‘Uya,’ achiuya. Kumuranda wangu ndinoti, ‘Ita ichi,’ achichiita.” 9Jesu paakazvinzwa, akashamiswa naye, akatendeukira kuchita chavanhu chakanga chichimutevera, akati, “Ndinoti kwamuri, kunyange muIsiraeri handisati ndamboona chitendero chakadai.” 10Vakanga vatumwa vaya pavakadzokera kumba kuya vakandowana muranda uya ave wadi.
Jesu anomutsa mwana wechirikadzi kuNaini
11Kubvezvo Jesu akaenda kune rimwe guta rainzi Naini; vadzidzi vake negurumwandira ravanhu vakaenda naye. 12Kuzoti ava kusvika pasuo guru reguta iroro, houno munhu akanga akatembedzanwa, akafa, mwana mukomana aive ari ndiye mwana mumwechete oga waamai vake, uye amai ava vaiva chirikadzi. Vanhu vazhinji veguta iroro vaivaperekedza.
13Tenzi paakaona amai ava, akasiririswa navo ndokuti kwavari, “Chiregai zvenyu kuchema,” 14ndokuswedera obata hwanyanza; vainge vakatakura chitunha ndokumira. Jesu ndokuti, “Jaya, ndinoti kwauri, muka!” 15Muchakabvu akamuka, ndokugara, ndokutanga kutaura. Iye ndokumupa kuna amai vake. 16Vanhu vose vakabatwa nokutya, vakarumbidza Mwari vachiti, “Muporofita mukuru akamutswa mukati medu, Mwari azoshanyira vanhu vake.” 17Nyaya iyi yaitaura nezvake yakapararira muJudhea yose nomumatunhu ose akapoteredza.
Johani Muombeki anotuma vadzidzi vake kundobvunza Jesu
(Mat 11:2–19)
18Johani akaudzwa zvinhu zvose izvi navadzidzi vake, ndokudana vadzidzi vake vaviri, 19akavatuma kuna Tenzi kundoti, “Ndimi mainzi muchauya here kana kuti tomirira mumwe?” 20Varume ava zvavakasvika kwaari vakati, “Johani Muombeki atituma kwamuri, achibvunza kuti, ‘Ko ndimi here uya akanzi achazouya kana kuti tomirira mumwe?’ ”
21Nenguva yakareyo Jesu aiporesa vazhinji vaiva nezvirwere namatenda, achidzinga mweya yakaipa; achisvinudzawo mapofu mazhinji. 22Jesu akavapindura achiti, “Endai mundoudza Johani zvamaona nezvamanzwa, zvokuti mapofu avakusvinudzwa, mhetamakumbo dzavakufamba, vana maperembudzi vavakunatswa, vamatsi vavakunzwa, vakafa vavakumutswa, varombo vavakuparidzwa shoko rakanaka. 23Akakomborerwa munhu asingagumburwi neni.”
24Nhume dzaJohani dzakati dzabva, Jesu akatanga kutaurira ruzhinji rwavanhu nezvaJohani achiti; “Makaenda kurenje kundoonei? Rutsanga runozunguzwa nemhepo here? 25Zvino makaenda kundooneiko? Munhu akapfeka hanzu dzakapfavirira here? Inga wani munoziva kuti avo vanopfeka hanzu dzinokosha nokugara upenyu hwomutambaratede vari mumizinda yaMadzimambo. 26Ko zvino makaenda kundoonei? Muporofita here? Hongu, uyezve ndinoti kwamuri, munhu anotopfuura muporofita. 27Uyu ndiye uya akanyorwa nezvake zvichinzi,
“ ‘Tarira ndinotuma nhume yangu
mberi kwako,
ichafanogadzirira nzira yako pamberi pako.’
28“Ndinoti kwamuri, pavanhu vose vakazvarwa navakadzi hakuna mukuru kupinda Johani. Zvakadaro zvazvo muduku wokupedzisira muumambo hwaMwari mukuru kwaari.” 29Pakunzwa izvi, vanhu vose navateresiwo vakapembedza ururami hwaMwari nokuombekwa kwavakanga vaitwa noruombeko rwaJohani. 30Asi vaFarisei nenyanzvi dzoMutemo nokusaombekwa kwavo naJohani, vakaramba zvakarongwa naMwari pamusoro pavo.
31“Ko vanhu vechizvarwa chino ndingavaenzanise neiko? Uye vakafanana neiko? 32Vakafanana navana vagere pamusika vachidaidzirana vachiti,
“ ‘Takakuridzirai nyere asi hamuna kutamba,
takaungudza asi hamuna kuchema.’
33“Nokuti Johani Muombeki akauya asingadyi chingwa kana kunwa waini, imi mukati, ‘Ane mweya wakaipa.’ 34Mwanakomana womunhu akauya achidya uye achinwa, moti munhu uyu ane nhafu uye chidhakwa neshamwari yavateresi navatadzi.” 35Kudaro ungwaru hunoratidzwa kuti ndohwechokwadi navose vanohugamuchira.
Jesu ari pamba paSimoni muFarisei
36Mumwe wavaFarisei akamukoka kuti azodya naye. Jesu akapinda mumba yomuFarisei uyu ndokugara pakudya. 37Zvakaitika kuti mumwe mukadzi womugutamo aiva mutadzi paakanzwa kuti Jesu agere pakudya mumba yomuFarisei uya, akauya nechinu chomunyakwe wearabhasita chiina mafuta okuzora. 38Akasvikomira nechokumashure kwaJesu kutsoka dzake achisvimha misodzi, ndokutanga kunyorovesa tsoka dzake nemisodzi yake achidzipukuta nevhudzi romusoro wake, uye akatsvoda tsoka dzake, nokudzizora namafuta aye.
39Pakuona izvi, muFarisei uya akanga amukoka, akazviti nechomumwoyo, “Dai munhu uyu anga ari muporofita, angadai aziva kuti mukadzi uyu anomubata ndiani, uye kuti mukadzi worudzii, nokuti mutadzi.” 40Jesu ndokudavira akati, “Simoni, ndine zvandinoda kutaura kwauri.” Simoni ndokumuti, “Taurai henyu, Mudzidzisi.” 41“Mumwe mukweretesi aiva navakwereti vaviri. Mumwe akakwereta mazana mashanu amadhenari#7:41 Dhenari: Mubayiro wezuva rimwechete. mumwewo makumi mashanhu. 42Sezvavakanga vasisagoni kudzorera, akavaregerera vose vari vaviri. Ko, ndoupi pavanhu ava achamuda kupinda mumwe?” 43Simoni akamupindura achiti, “Ndinofunga kuti ndouya akaregererwa zvizhinji.” Jesu ndokumuti, “Wapindura zvazviri.” 44Zvino akatendeukira kumukadzi uya ndokuti kuna Simoni, “Unoona mukadzi uyu? Ndapinda mumba mako, hauna kundipa mvura yokugeza tsoka dzangu asi iye anyorovesa tsoka dzangu nemisodzi yake akadzipukuta nevhudzi rake. 45Iwe hauna kunditsvoda asi iye kubvira zvandapinda muno haana kurega kutsvoda tsoka dzangu. 46Iwe hauna kuzora musoro wangu namafuta asi iye azora tsoka dzangu namafuta anonhuhwirira. 47Ndinoti kwauri, zvitadzo zvake zvizhinji zvaregererwa nokuti aratidza rudo rukuru; asi uyo anoregererwa zvishoma anoratidza rudo rushoma.” 48Jesu ndokuti kumukadzi uya, “Zvitadzo zvako zvaregererwa.” 49Ipapo vaya vakanga vagere naye pakudya vakatanga kuzviti, “Uyu ndianiko anoregererawo kunyange zvitadzo?” 50Iye ndokuti kumukadzi, “Chitendero chako chakuponesa, chienda zvako murugare.”

Currently Selected:

Ruka 7: SCLB

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in