YouVersion Logo
Search Icon

Ruka 10

10
Jesu anotuma vadzidzi makumi manomwe anavaviri kundoparidza
1Mushure maizvozvi Tenzi akasarudza vamwe makumi manomwe akavatuma pamberi pake achivaita vaviri vaviri kuguta riri rose nenzvimbo dzose dzaainge iye achazoshanyira.
2Akavati kukohwa kwakawanda, asi vakohwi vashoma. Naizvozvo namatai kuna Tenzi wezvinoda kukohwiwa kuti atumire vakohwi mubasa rake rokukohwa.
3Chiendai. Tarisai, ndiri kukutumai sehwayana mukati memhumhi. 4Regai kutakura chikwama kana nhava kana shangu. Musakwazise munhu panzira. 5Imba yose yamanopinda tangai mati, “Rugare ngaruve muimba ino.” 6Kana munhu wepo ari worugare, rugare rwenyu ruchava paari. Kana asiri worugare, rugare rwenyu ruchadzokera kwamuri. 7Garai muimba imwecheteyo, muchidya nokunwa zvavanokupai nokuti mushandi anokodzera mubayiro wake. Musatevedze nedzimba. 8Kana mukapinda muguta ripi zvaro vakakugamuchirai idyai zvavanokuperekerai. 9Rapai vanorwara mariri, muti kwavari umambo hwaMwari hwasvika pedyo nemi. 10Kanawo mukapinda muguta ripi zvaro, vakasakugamuchirai endai mumigwagwa yaro muti; 11“Kunyange guruva reguta renyu rakanamatira patsoka dzedu tinorikuhumurira imi, zvakadaro zvazvo zivai izvi zvokuti umambo hwaMwari hwaswedera.” 12Ndinokutaurirai kuti pazuva guru rokutongwa zvichava nyore kuSodhomu pane kune guta iroro.
Kuyambirwa kweBhetisaidha neKorozeini neKapenaumu
(Mat 11:20–24)
13Zvichakuwana zvako iwe Korozeini. Zvichakuwana iwe Bhetisaidha nokuti dai kuri kuti zvishamiso zvakaitwa mamuri zvakaitwa muTire nomuSidhoni, vangadai vakapinduka kare kare. Vangadai vakatopfeka masaga vakagara pamadota. 14Zvichava nyore pazuva rokutongwa kune guta reTire nereSidhoni panemi. 15Ko iwe Kapenaumu, uchasimudzirwa kudenga nhai? Uchatodzikiswa kunzvimbo yavafi.
16Anokuteererai anoteererawo ini; anokurambai ari kutoramba ini. Uyo anoramba ini anorambawo uyo akandituma. 17Vadzidzi makumi manomwe vakadzoka norufaro vachiti, “Tenzi, kunyange mweya yakaipa yava pasi pedu muzita renyu.” Asi Jesu akati kwavari, “Ndakaona Satani achiwa semheni inobva mudenga. 18Chionai ndakakupai simba kuti mutsiketsike nyoka namarize 19nokukunda simba rose romuvengi uye hapana chichakukuvadzai. 20Zvakadaro zvazvo musafarire izvi zvokuti mweya yava pasi penyu asi farirai kuti mazita enyu akanyorwa kudenga.”
Kufara kwakaita Jesu
(Mat 11:25–27; 13:16–17)
21Panguva imwecheteyo Jesu akafara kwazvo aina Mweya Mutsvene akati, “Ndinokutendai, Baba, Tenzi wedenga napasi kuti makavanza zvinhu izvi kuna vakachenjera navanonzwisisa mukazvizivisa kuvana vaduku. Hongu Baba aya madiro enyu akanakisa. 22Zvinhu zvose zvakaiswa mumaoko angu naBaba vangu. Hakuna anoziva Mwanakomana kusiya Baba kana anoziva kuti Baba ndiani kusiya kwoMwanakomana nouyo anenge asarudzwa zvake naMwanakomana kuti amuzivise kwaari.”
23Akazotendeukira kuvadzidzi akavataurira zvepachavo achiti, “Akakomborerwa zvawo maziso anoona zvamuri kuona. 24Ndinokutaurirai kuti vaporofita namadzimambo mazhinji vaida kuona zvamuri kuona asi havana kuzviona uye kunzwa zvamuri kunzwa asi havana kuzvinzwa.”
MuSamaria wakanaka
25Heyo nyanzvi yomutemo yakasimuka kuti imuedze ichiti, “Mudzidzisi ndingaiteiko kuti ndiwane nhaka youpenyu husingaperi.” Jesu akati kwaari, 26“Ko mumutemo makanyorwa kuti kudii? Chii chaunoonamo pakuverenga kwako?” 27Iye akapindura achiti, munoti
“Ida Tenzi Mwari wako
nomwoyo wako wose
nemweya wako wose
nesimba rako rose
nepfungwa dzako dzose
uye ida mumwe wako
sokuda kwaunozviita iwe pachako.”
28Iye akati kwaari, “Wapindura zvakanaka, chiita saizvozvo, uchararama.”
29Nokuda kuzviita munhu kwaye akati kuna Jesu, “Mumwe wangu ndiani?” 30Jesu akapindura achiti, “Mumwe murume aidzika kuJeriko achibva kuJerusaremu. Akawira mukati memakororo. Vakamubvisa hanzu dzake vakamurova vakaenda vachisiya ava kuda kufa. 31Zvakaitika kuti mupristi aidzika nomugwagwa iwoyo. Paakamuona akamunyenyeredza nokoko. 32Ndizvo zvimwechetezvo nomuRevhi, paakasvikapo akamuona akamunyenyeredzawo nokoko. 33Asi mumwe muSamaria aifambawo rwendo. Akasvikawo paakanga ari. Paakamuona, akamunzwira tsitsi. 34Akaenda paari akasunga maronda ake achiadira mafuta newaini. Akamukwidza pachipfuo chake akaenda naye kuhotera akamupepa. 35Mangwana acho akabvisa mari chena mbiri dzamadhenari#10:35 Dzamadhenari: Iyi ndiyo mari yaiva mubayiro wapazuva. akapa muridzi wehotera achiti, ‘Mupepei. Mari yamunenge mazoshandisa pamusoro peiyi, ndichakubhadharai kana ndodzoka.’ ”
36“Ndiani pakati pavatatu ava waunofunga kuti akaratidza kuti mumwe wouyo akawira mukati memakororo?” 37Iye akati, “Ndouyo akamunzwira tsitsi.” Jesu akamuti, “Chiendawo unoita zvimwechetezvo.”
Marita naMaria
38Pavakanga vachifamba rwendo rwavo, vakapinda mune mumwe musha. Mumwe mukadzi ainzi Marita akamugamuchira mumba make. 39Akanga ane munun'una ainzi Maria akagara pasi patsoka dzaTenzi achiteerera kuzvidzidziso zvake. 40Asi Marita akanga achikangaidzwa nokushanda kwakanyanya kwaaiita. Akaenda kuna Jesu akati, “Nhai Tenzi, hamuna hanya nazvo here zvokuti munun'una wangu ari kundirega ndichishanda ndoga. Mutaurirei andibatsire.” 41Tenzi akamupindura achiti, “Marita, Marita iwe, unozvidya mwoyo nokuzvinetsa nezvakawanda. 42Chinhu chimwechete chinodiwa. Maria asarudza chakanaka chacho chaasingazombotorerwa.”

Currently Selected:

Ruka 10: SCLB

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in