YouVersion Logo
Search Icon

Mupiro Zviri mubhuku rino

Zviri mubhuku rino
Bhuku reMupiro ndiro Bhuku rechitatu pamabhuku mashanu okutanga eChitenderano Chakare. Rinonzi bhuku reMupiro nokuti rinotsanangudza nezvemitemo, nemirairo yaifanira kuteedzwa navapristi navaRevi pamipiro yavo.
1. Pachikamu chokutanga, rinotsanangudza nezvemipiro yokupisa, yezvenyama, yezvechitadzo, norunyararo, yezvekudarikira, neyemipiro yeropa, nemipiro yezvakanga zvisina ropa. Vapristi vaikarirwa kunyatsotevedza nomazvo manamatiro anodikanwa kuitirwa Mwari, pasina kupamidzira zvinorambwa naMwari.
2. Tsamba yekuvaHebheru inoti bhuku reMupiro “Mutemo unofanira kuteedzwa navaPristi.” Mupiro rinoratidza pachena utsvene huri muna Mwari mutsvene, waIsiraeri, richitsinhira mashoko aTenzi wedu Jesu Kristu okuti, “Ida mumwe wako sezvo unozvida iwe pachako.”
Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku reMupiro
Mitemo iri maererano nokupira nemiteuro (1:1—7:38)
Kugadzwa kwaAroni navanakomana vake savapristi (8:1—10:20)
Mitemo iri maererano nokuzvichenura nokun'ora (11:1—15:33)
Zuva rokuyananiswa (16:1–34)
Mitemo iri maererano noutsvene muupenyu nokuombera Mwari (17:1—27:34)

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in