Joeri 3
3
B: KUTONGWA KWAMARUDZI
1“Ndinodaro nokuti, tarisai mumazuva iwayo, panguva iyoyo pandichadzosera pakare vokwaJudha neveJerusaremu makomborero avo, 2ndichakokorodza ndudzi dzose dzavanhu ndidzidzikise kubani reJehoshafati ndigovagadza dare ikoko ndichiitira vanhu vangu, ivo nhaka yangu, Isiraeri, nokuti vakavamwararisa mukati memarudzi uye vakaganhura-ganhura zvavo nyika yangu. 3Vakatoitirawo vanhu chi'ange; mukomana chaiye vachimutsinhanisa nepfambi; musikana vachimutengesa newaini vakatoinwa.
VaFirisitia
4“Ndochii chamuri kundiitira ichochi? Nhaiwe Tire newe Sidhoni nemi matunhu ose avaFirisitia? Mune chamuri kunditsividza here? Kana kuti muri kunditsividza? Ndichakasikawo kuita kuti zviito zvenyu zvibva zvakupfukirai nenguva isipi 5nokuti makatoraka imi sirivha yangu nendarama yangu mukatakura henyu upfumi hwangu hwakakosha kutemberi dzenyu. 6Makatengesaka imi vanhu vokwaJudha neJerusaremu kuvaGiriki muchivaendesa kure nenyika yavo. 7Asi zvino ndichavamutsa kuti vachibva kunzvimbo dzacho kwamakavatengesa uye ndichaita kuti mupfukirwe nezviito zvenyu. 8Ndichatengesawo vana venyu vakomana navasikana kuvaJudha, ivowo vagovatengesa kuvanhu veSabia kurudzi rwokure nokuti TENZI ataura.
Marudzi
9“Zivisai zvinhu izvi
mukati memarudzi zvokuti,
‘Gadzirirai kurwa hondo,
mutsai magamba mwoyo,
varwi vehondo vose
ngavaswedere padyo,
ngavakwidze kuno.
10Pfurai miromo yenyu yamagejo
muiite mapakatwa
mupfure zvigero zvenyu zvokupemhenesa
kuita mapfumo.
Ndonda ngaazvitiwo,
ndiri gamba rehondo ini.
11Itai chipatapata muuye,
imi mose marudzi ari munharaunda'mu,
unganidzanai ikoko.
Burutsai magamba enyu
ehondo imi TENZI.’ ”
12“Marudzi ngaamuke akwire kubani
reJehoshafati nokuti ikoko
ndokwandichagadza dare
marudzi ose omunharaunda'mu.
13Pinzai jeko nokuti kukohwa kwasvika.
Pindai mutsike-tsike
nokuti mokusvinira waini
machiti shutu kuzara.
Makate ari kufashukira
nokuti uipi hwavo hwakura.”
14Gurumwandira, negurumwandira
muBani rokutemera zvinofanira kuitwa
nokuti zuva raTENZI roswedera
muBani rokutemera zvinofanira kuitwa.
15Zuva nemwedzi
zvichaora kusviba
nyenyedzi dzigorega kupenya.
16Izvozvo TENZI achadzvova
ari muguta reZioni
achiburitsa izwi rake
ari muJerusaremu
matenga nenyika zvigondengendeka
asi TENZI ndiye diziro ravanhu vake
nhare chaiyo yokuhwanda hondo
kuvanhu veIsiraeri.
17Nezvo muchaziva
kuti ndini TENZI, Mwari wenyu
akaita musha wake muguta reZioni
gomo rangu rinoera
uye Jerusaremu
richava guta rinoera.
Vatorwa havazofazve vakatsikanomo.
C: KUNAKA KWERAMANGWANA KUNE VEISIRAERI
18Zvino pamusi iwoyo
makomo achachucha waini inonaka
zvikomo, zvichiyerera mukaka
uye tukova twose twokwaJudha
twuchayererawo mvura
chitubu chichatubuka mumba yaTENZI
chichindodiridza Bani reShitimu.
19Ijipiti ichava renje zvaro
Edhomu ichiva renje risina chinhu
kutsivawo utsinye hwakaitwa
kuvanhu vokwaJudha
nokuti vakadeura ropa
risina mhosva munyika yavo.
20Asi nyika yokwaJudha
ichagara vanhu nokusingaperi
Jerusaremuwo ichagarwa
pazvizvarwa zvose zvazvo.
21Ndichatsividza ropa ravo
uye handisi kuzombopembedza
munhu ane mhosva,
nokuti TENZI anogara muguta reZioni.
Currently Selected:
Joeri 3: SCLB
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.