YouVersion Logo
Search Icon

Johani 12

12
Kuzorwa kwaJesu namafuta
(Mat 26:6–13; Mak 14:3–19)
1Mazuva matanhatu ePasika asati asvika Jesu akaenda kuBhetania kwaiva naRazaro waakanga amutsa muvafi. 2Vakamuitira mabiko ikoko Marita ndiye aivashandira. Razaro ainge ari mumwe wavaidya naye pateburu. 3Maria akatora hafu yerita yamafuta anokosha enadi chaiyoiyo akazora nawo tsoka dzaJesu akapukuta tsoka dzake nevhudzi rake. Imba yakazara nokunhuwirira kwamafuta iwayo. 4Asi Judhasi mumwe wavadzidzi vake, uya akanga achazomupandukira akati: 5“Mafuta aya aregerereiko kutengeswa nemari yesirivha yedhenariusi#12:5 Inonzi dhenariusi muchiGiriki. Dhenariusi rimwechete raive riri mari yomuripo womushandi pazuva. inoita mazana matatu yapihwa kuvarombo?” 6Akataura izvi kwete pamusana pokuti aiva nehanya navarombo asi pamusana pokuti aiva mbavha. Sezvaakanga ari iye sahomwe aipota achitorawo imwe. 7Jesu akati, “Muregei henyu, dai anga atoachengetera zvake zuva rokuvigwa kwangu.#12:7 Ndima iyi haisi nyore kuiturikira. 8Varombo munavo nguva dzose asi ini hamuneni nguva dzose.”
Vapristi vakuru vanoda kuuraya Razaro
9Gungano guru ravaJudha parakanzwa kuti Jesu akanga ariko rakauya kwete pamusana paJesu chete asi kuzoonawo Razaro waakanga amutsa kuvafi. 10Naizvozvo vapristi vakuru vakarangana kuurayawo Razaro. 11Chikonzero chacho chiri chokuti nokuda kwake vaJudha vazhinji vakanga vavakubva vachinotenda muna Jesu.
Kupinda kwaJesu muJerusaremu achipembererwa
(Mat 21:1–11; Mak 11:1–11; Ruka 19:28–40)
12Zuva ramangwana racho gungano guru ravanhu rakanga rauya kuzuva guru rakanzwa kuti Jesu ari kuuya kuJerusaremu. 13Nokudaro vakakwanhura mapazi omurara vakaenda kundomugamuchira vachidaidzira vachiti,
“Hosana, ngaarumbidzwe
iye anouya muzita raTenzi
ndiye mambo weIsiraeri.”
14Jesu akawona chigondora chedhongi akachitasva sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi,
15“Usatye zvako iwe mukunda weZioni,
tarisa uone mambo wako ari kuuya
akatasva pachigondora chedhongi.”
16Pakutanga vadzidzi vake, izvi havana kuzvinzwisisa. Asi Jesu paakawana mukurumbira wake ndopavakayeuka kuti izvi zvakambenge zvakanyorwa nezvake uye kuti ndizvo zvakanga zvaitika kwaari. 17Chikwata chavanhu chakanga chinaye paakadaidza Razaro muguva akamumutsa muvafi, chakamupupurira. 18Chakaendera chikwata ichocho kundomuchingura, ndechokuti vakanga vanzwa kuti akanga aita chiratidzo ichocho. 19VaFarisei vakataurirana kuti, “Chitarisaika muone. Hapana chamunombogona kuita. Onai nyika yotomutevera.”
VaGiriki vanoda kuona Jesu
20Pakati pevanhu vakaenda kundonamata kuzuva guru paiva navamwe vaGiriki. 21Ivava vakaenda kuna Firipi aibva kuBhetisaidha muGarirea vakati kwaari, “Changamire tinodawo kuona Jesu.” 22Firipi akaenda akandotaurira Andireya. Andireya akaenda naFiripi vakandoudza Jesu.
23Jesu akavapindura achiti,
“Nguva yasvika yokuti Mwanakomana womunhu
zvino achiwana mukurumbira.
24Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri
kusatoti tsanga yekoroni yawira muvhu ikafa
inoramba ichingova yoga
asi ikafa inobereka muchero wakawanda.
25Anoda upenyu hwake anorasikirwa naho,
asi uyo anovenga upenyu hwake pasi pano
anohuchengeta kusvikira kuhupenyu husingaperi.
26Anoda kundishandira, anofanira kunditevera,
kwandinenge ndiri, mushandi wangu ndokwaanofanirawo kuva.
Munhu akandishandira, Baba vachamukudza.
Jesu anotaura nezvorufu rwake
27“Iye zvino ndiri kushushikana mumwoyo
Ndoti kudiiko?
Baba ndipunyutseiwo kunguva iyi
asi aiwa, inga zvenguva iyi
ndizvo zvandakavinga wani.
28Baba rumbidzai zita renyu.”
Ipapo izwi rakabva kudenga richiti, “Ndakarirumbidza uye ndicharirumbidzazve.”
29Chikwata chavanhu chakanga chiripo chakazvinzwa. Vakati, “Kwatinhira,” vamwewo vakati, “Mutumwa waMwari ataura kwaari.” 30Jesu akapindura achiti, “Izwi iri rauyira imi kwete ini.”
31Zvino kutongwa kwapasi pano kwasvika.
Zvino mutongi wapasi pano ava kudzingirwa kunze.
32Iniwo kana ndarembedzwa pamusoro#12:32 Izvi zvaireva kuzorovererwa pamuchinjikwa. payo nyika,
ndichakwezvera vanhu vose kwandiri.
33Akataura izvi achiratidza rufu rwaaizofa narwo. 34Gungano rakamupindura richiti, “Isu takanzwa muMutemo kuti Mesia achagara nokusingaperi. Ko zvino ungati sei Mwanakomana womunhu anofanira kuti asimudzwe. Ndianiko Mwanakomana womunhu iyeyo?” 35Jesu akavati,
“Mwenje uchinemi kwechinguvana
fambai muchine mwenje iwoyo kudai,
mungadaro mukawirwa nerima.
Anofamba murima haazivi kwaanoenda.
36Muchine mwenje kudai
tendai mumwenje kuti muve vana vechiedza.”
Jesu paakapedza kutaura izvi akabva akandozvivanza kwavari.
Kusatenda kwavaJudha
37Kunyange zvazvo akaita zviratidzo zvizhinji pamberi pavo asi havana kutenda maari. 38Zvakaitika kuti zvakataurwa nomuporofita Isaya zvizadziswe zvokuti,
“Tenzi ndiani akatenda zvatakataura
simba raMwari rakaratidzwa kunaani?”
39Naizvozvo havana kugona kutenda nokuti Isaya anotizve,
40“Akavapofomadza maziso akavagomadza mwoyo
kuti zvimwe vangadaro vakaona namaziso avo
vakanzwisisa nemwoyo yavo
vakapindukira kwandiri ndikavaporesa.”
41Isaya akataura izvi nokuti akaona mbiri yake akataura nezvake.
42Zvakadaro zvazvo vanhu vazhinji, kunyange vakuru vakuru vakadavira maari. Asi pamusana pokutya vaFarisei havana kugona kuzvidura pachena kuri kutya kuti vangadzingwe muSinagogu. 43Chikonzero chacho chaiva chokuti vaida kurumbidzwa navanhu kupinda kurumbidzwa naMwari.
Mazwi aJesu ndiwo anotonga munhu
44Jesu akadaidzira achiti,
“Anodavira mandiri haadaviri mandiri
asi muna iye akandituma.
45Uyo anondiona anoona iye akandituma.
46Ndakauya sechiedza pasi pano kuti
ani naani anotenda mandiri
arege kugara murima.
47Ani naaniwo anonzwa zvandinotaura
asingazvichengete handimupi mhosva
nokuti handina kuuya kuzopa pasi mhosva
asi kuzoponesa pasi.
48Anondiramba uye asingagamuchiri
zvandinotaura ane anomutonga.
Zvandakataura izvozvo ndizvo zvichamutonga
pazuva remhedziso.
49Nokuti handina kutaura zvomusoro wangu.
Baba vakandituma ndivo vakanditemera
zvandinofanira kutaura nezvandinofanira kureva.
50Ndinozivawo kuti mutemo wavo
ndiwo upenyu husingaperi,
saka zvandinotaura, ndinotaura
sokuudzwa kwandakaitwa naBaba.”

Currently Selected:

Johani 12: SCLB

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in