YouVersion Logo
Search Icon

Vatongi 8

8
Kugumbukira Gidheoni kwevokwaEfuraimu
1Varume vokwaEfuraimu vakamubvunza kuti, “Ndochii ichochi chawatiitira ichi? Kuenda here chokwadi kundorwa navaMidhiani usina zvako kana kutidaidzawo?” Vakamupopotera vakagumbuka kwazvo.
2Iye akavati, “Chiiko zvino chandaita chingaenzaniswe nezvamakaita imi? Ko magirepisi amanofuhwa imi vokwaEfuraimu haasiri mazhinji here pane atinokohwa isu vokwaAbhiezeri? 3Mwari akaisa mumaoko enyu vatungamiriri vevaMidhiani vanaOrebhu naZeebhu. Zvino chiiwo chandakaita chingabangoenzaniswa nezvamakaita, imi?” Ipapo kumugumbukira kwavakanga vakaita kwakabva kwapera paakavataurira izvozvi.
Hondo dzakarwiwa naGidheoni kumhiri kwaJorodhani
4Kunyange Gidheoni navarume mazana matatu vaya, vakanga vaneta, vakasvika kuna Jorodhani vakayambuka vachingovadzingirira chete. 5Paakasvika kuSukoti akakumbira vanhu veko achiti, “Ndapota ndipireiwo vanhu vandinavo zvingwa nokuti vave nenzara. Ndiri pakuronda Zebha naZarimuna, madzimambo evaMidhiani.”
6Vakuru vakuru vomuSukoti vakati, “Ko ivo vana Zebha naZarimuna vacho wati wavabata here zvaunoti tipe hondo yako iyi chokudya?”
7Gidheoni ndokuti, “Zvakanaka, kana Tenzi angoisa Zebha naZarimuna mumaoko angu, ndichakupurai neminzwa yomurenje norukato.”
8Akabva ipapo akaenda kuPenueri akavakumbira zvimwechetezvo. Varume vokuPenueri vakamupindurawo zvimwechetezvo zvakapindurwa navarume vokuSukoti. 9Akataurira varume vomuPenueri achiti, “Kana ndadzoka zvakanaka, ndichakoromora shongwe iyi.”
Kukundwa kwaZebha naZarimuna
10Izvozvo Zebha naZarimuna vakanga vava muKarikori navarwi vavo vehondo yavarume vainge zviuru gumi nezvishanu. Ndovose vakanga vasara pavarwi vehondo vokumabvazuva nokuti kwakanga kwafa varume varwi vehondo zana namakumi maviri ezviuru. 11Gidheoni akakwira nenzira yavanogara mumatendhe kumabvazuva kweNobha neJogibheha, akabva afuta hondo iyoyo oirwisa nokuti hondo iyoyo yakanga yavarayirwa. 12Zebha naZarimuna vakagoti gumbo ndibereke. Iye akadzingirirana navo ndokubata madzimambo maviri evaMidhiani vanaZebha naZarimuna. Akaitisa hondo yose yevaMidhiani chimwandamwanda.
Kutsividza kwaGidheoni
13Gidheoni mwana waJoashi akadzoka kundorwa kumakata okuHeresi. 14Akabata rimwe jaya rokuSukoti ndokuribvunzisisa. Rakamunyorera mazita amachinda neavakuru vakuru vomuSukoti anosvika makumi manomwe namanomwe avarume. 15Gidheoni akasvika kuvarume vaya vomuSukoti akati, “Chionaika kuti Zebha naZarimuna vamakambondidadira muchiti, ‘Ko iye Zebha naZarimuna wacho wati wavabata here zvaunoti tipe varwi vako vafa nenzara chokudya?’ ” 16Akabata vakuru vakuru veguta reSukoti akavarova norukato neminzwa achiitira kuti vanhu vemuSukoti vawane chidzidzo pavari. 17Akandoputsa shongwe yePenueri ndokuuraya varume vomuguta iroro.
18Gidheoni akabvunza Zebha naZarimuna kuti, “Varume vamakauraya kuTabhori vakanga vakaita sei?” Ivo vakati, “Vakanga vakaita semi, vose vachinge vanakomana vamambo chaivo.”
19Akati, “Vakoma navanun'una vangu, vomumba chaivo. Ndinopika naTenzi mupenyu kuti dai makavarega vari vapenyu handaikuurayai.” 20Ipapo akati kuna Jeteri dangwe rake, “Simuka uvauraye.” Asi mukomana uyu haana kuvaburitsira bakatwa rake muhara, aitya nokuti akanga achiri muduku.
21Zebha naZarimuna vakati, “Simukai mutiuraye iyemi pachenyu nokuti ndimi mabve zano, mune simba.” Gidheoni akasimuka ndokuuraya Zebha naZarimuna, ndokubva atora nyembe dzaiva muhuro mengamera dzavo.
22Varume veIsiraeri vakataurira Gidheoni vachiti, “Zvamakatinunura mumaoko avaMidhiani dai mukachiva zvenyu mutongi wedu iyemi muchiteverwa nomwanakomana wenyu kwozouya muzukuru wenyu mukomana.”
23Asi Gidheoni akavati, “Ini handisi kuzova mutongi wenyu, mwanakomana wangu haasi kuzovawo mutongi wenyu, asi Tenzi ndiye achava mutongi wenyu.” 24Gidheoni akatiwo kwavari, “Chinhu chimwechete chandinokukumbirai ndechokuti mumwe nomumwe wenyu ngaandipe mhete dzomunzeve dziri muzvinhu zvaakapamba.” Akadaro nokuti vaiva nemhete dzendarama dzomunzeve, zvavakanga vari vechiIshimaeri.
25Ivo vakati, “Zvokukupai, tinokupai zvedu.” Vakawaridza jira murume woga woga ndokubva atora mhete muzvinhu zvaakapamba, achikandapo. 26Uremo hwemhete dzendarama dzaakanga avakumbira dziya hwakaita chiuru chimwechete chamashekeri endarama namazana manomwe awo, tisingaverengei zvedu nyembe namakoza nehanzu dzeruvara rwehute dzaipfekwa namadzimambo evaMidhiani uye ngetani dzaiva mumitsipa yengamera dzavo. 27Gidheoni akagadzira nazvo hanzu yeefodhi akandoiisa muguta rake reOfura. VaIsiraeri vose vakaita unzenza hwokuinamata ikoko ikabva yava chinhu chakateya Gidheoni nemhuri yake.
28Naizvozvo vaMidhiani vakakurirwa navaIsiraeri, havana kana kuzombosimudza musoro. Panguva yaGidheoni, nyika yakava norunyararo kwamakumi mana amakore.
Rufu rwaGidheoni nokupandukira Mwari kwavaIsiraeri
29Jerubhaari#8:29 Jerubhaari: Iri ndiro rimwe zita raGidheoni. mwanakomana waJoashi akandogara kumusha kwake. 30Zvino Gidheoni uyu aiva navana vakomana makumi manomwe vake vokubereka nokuti aiva navakadzi vazhinji. 31Murongo wake aigara kuShikemu akamuberekerawo mwana mukomana. Iye akamutumidza zita rokuti Abhimereki. 32Gidheoni mwanakomana waJoashi akazofawo anyatsokwegura, akavigwa muguva rababa vake kuOfura ravaAbhiezeri.
33Zvakazoitika kuti Gidheoni paakangofa vaIsiraeri vakapanduka vakaita unzenza hwokunamata vanaBhaari. Vakazvigadzirira Bhaaribheriti kuti ave mwari wavo. 34VaIsiraeri vakakanganwa Tenzi, Mwari wavo akanga avanunura mumaoko avavengi vavo vakanga vakavakomberedza. 35Havana zvakare kana kumboita hanya nevemhuri yaJerubhaari, (Gidheoni uya uya) maererano nezvakanaka zvose zvaakaitira vaIsiraeri.

Currently Selected:

Vatongi 8: SCLB

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in