YouVersion Logo
Search Icon

Jemusi Zviri mutsamba yaJemusi

Zviri mutsamba yaJemusi
Tsamba yaJemusi itsamba yakanyorerwa kuvanhu vose vaMwari. Yakaita samabhuku echitenderano chakare oungwaru anotaura misoro yenyaya yakawanda. Musoro mukuru wetsamba yaJemusi ndewokuti chitendero chinofanira kuratidzwa muzviito zvatinoita. Chitendero chinofanira kuratidzwa mukutirira nokushinga mukuedzwa, mukurwisa unzenza, munhamo namatambudziko, mukubvisa rusarura pakati pedu. Chitendero chinofanira kutiita kuti tikwanise kuita mabasa akanaka orudo nokugona kuteerera, nokukwanisa kuzvidzora pakutaura, uye kugona kuzvitsaura kunyika, nokurwisa Satani tichikwanisa kuswedera kuna Mwari. Chinotipa kuvawo nomwoyo murefu savarimi. Chitendero chinofanira kutipa hanya navanorwara, nokuva nemwoyo wokuzviongorora iyesu pachedu nokureurura zvivi zvedu tichizogona kudzorawo vanenge varasika. Izvi zvinhu zvinowanikwa muchitendero chino ungwaru hunobva kumusoro.
Aya ndiwo mamiriro akaita Tsamba yaJemusi
Kusuma (1:1)
Chikomborero chinobva mukuedzwa (1:2–8)
Kusimudzirwa kwomurombo nokuninipiswa kwomupfumi (1:9–18)
Chitendero chechokwadi; kunzwa nokuita (1:19–27)
Kusarura kwakaipa (2:1–13)
Chitendero china mabasa (2:14–26)
Rurimi (3:1–12)
Ungwaru hunobva kudenga (3:13–18)
Kunobva hondo nomubayiro wokushamwaridzana nenyika (4:1–10)
Kutsoropodza vamwe (4:11–12)
Munhu ziva zvauri (4:13–17)
Yambiro kuvapfumi (5:1–6)
Mwoyo murefu pakunamata (5:20)

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in