YouVersion Logo
Search Icon

Jemusi 5

5
Yambiro kuvapfumi
1Zvino imi vapfumi chemai muridze mhere nokuda kwenhamo dzichakuwirai. 2Upfumi hwenyu huri kuora uye hanzu dzenyu dziri kudyiwa nezviundudzi. 3Ndarama yenyu neSirivha zviri kuita ngura. Ngura yazvo ndiyo ichakuwanisai mhosva. Ichakudyai nyama yenyu somoto. Makazviunganidzira upfumi kuitira mazuva okupedzisira.#5:3 Kuitira mazuva okupedzisira: Vamwe vanoti, “Iwo ava mazuva okupedzisa kudai.” 4Chinzwai munzwe kuchema kuri kuita mibayiro yavashandi vaikohwa minda yenyu yamakachengeta zvokubiridzira, uye kuchema kwavakohwi kwakasvika munzeve dzaTenzi wehondo nehondo. 5Makagara panyika mumutambaratede nomumafaro. Makazvikodza nezvapamwoyo kuitira zuva rokubaiwa. 6Makapa mhosva mukauraya mururami asi haana kukudzivisai.
Mwoyo murefu mukunamata
7Itai zvenyu mwoyo murefu hama dzangu kusvikira Tenzi auya. Tarisai muone murimi anorima michero inokosha yenyika. Anoita mwoyo murefu nazvo kusvikira yawana mvura yomunhuruka neyokupedzisira. 8Imiwo munofanira kuita mwoyo murefu; mutsunge mwoyo nokuti Tenzi ava pedyo nokuuya.
9Musanyunyutirane, hama dzangu, kuti murege kutongwa. Hoyo mutongi wotosvika, ava pamisuo. 10Hama dzangu, torai; vaporofita vaitaura muzita raTenzi somuenzaniso wokutambudzika uye wokuita mwoyo murefu. 11Inga wani tinoti vakakomborerwa vakatirira. Inga makanzwa kutirira kwaJobhu mukaona chinangwa chaTenzi kuti Tenzi ane ngoni netsitsi zvakadii.
12Asi kupfuura zvose, hama dzangu musapike nedenga kana nenyika kana nokupika kupi zvako. Regai hongu wenyu angova, hongu uye, kwete wenyu angova kwete kuti murege kupiwa mhosva.
13Pakati penyu pane ari kutambudzika here? Ngaanamate. Pane ari kufara here? Ngaaimbe nziyo dzokurumbidza. 14Pane anorwara here pakati penyu. Ngaadaidze vakuru vakuru vesangano vazomunamatira vachimuzora mafuta muzita raTenzi. 15Munamato uyu wechitendero uchaponesa murwere. Tenzi achamumutsa uye kana akapara zvitadzo acharegererwa. 16Naizvozvo reururai zvitadzo zvenyu mumwe kunomumwe muchinamatirana kuti muporeswe. Munamato womunhu akarurama une simba pakushanda kwawo. 17Eriya akanga ari munhu akangoitawo sesu pamuzvarirwo wake. Akanamata nomwoyo wose kuti kurege kunaya. Kwamakorewo matatu nemwedzi mitanhatu hakuna kunaya panyika. 18Akazonamatazve, denga rikanaya mvura, nyika ikabereka muchero wayo.
19Hama dzangu pakati penyu mumwe akatsauka pachokwadi, mumwewo akamudzora, iyeyo 20ngaazive kuti ani nani anodzora mutadzi mukurasika kwake gwara achaponesa mweya wake kurufu uye zvitadzo zvizhinji zvichafukidzwa.

Currently Selected:

Jemusi 5: SCLB

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in