Hosea 3
3
Muporofita Hosea nomukadzi pfambi
1Tenzi akanditiwo, “Chiendazve undodanana nomukadzi ane chikomba iye ari pfambi, sezvakangoitawo Tenzi anoda vanhu veIsiraeri, kunyange zvazvo ivo vachitendeukira kune vamwe vamwari vachitorwa mwoyo nezvambwa zvamaonde, 2saizvozvo ndakamubvisira mari yesirivha yemashekeri gumi namashanu nebhari inoita masaga matatu.” 3Ndakamuti, “Unofanira kugara somudzimai wangu kwemazuva mazhinji. Zvoupfambiwo izvi kana zvokuenda kune mumwe murume, woregera. Iniwo ndozvandichaita kwauri.”
4Ndinodaro nokuti vaIsiraeri vachagara kwamazuva mazhinji vasina mambo kana muchinda, vasina chibayiro kana musimboti unoera zvawo kana hanzu yeefodhi kana terafimu zvaro. 5Mushure maizvozvo vaIsiraeri vachadzoka zvavo kuzotsvaka Tenzi, Mwari wavo, naDhavhidhi mambo wavo. Vachauya kuna Tenzi vachitya kumakomborero ake mumazuva achauya iwayo.
Currently Selected:
Hosea 3: SCLB
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.