YouVersion Logo
Search Icon

Mavambo 38

38
Judha naTamari
1Panguva iyoyo Judha akasiya vakoma navanun'una vake akaenda kuno mumwe murume ainzi Hira wechiAdhuramu. 2Ikoko Judha akaona mwanasikana womumwe murume wechiKanani ainzi Shua akabva amuroora, akagara naye. 3Mukadzi uyu akava nepamuviri, akabereka mwana mukomana ndokumutumidza zita rokuti Eru. 4Akazovazve napamuviri akabereka mwana mukomana waakatumidza zita rokuti Onani. 5Akazoberekazve mumwe mwana mukomana akamutumidza zita rokuti Shera. Akanga ari kuKezibhi paakamubereka. 6Judha akazoroorera Eru dangwe rake mukadzi ainzi Tamari. 7Asi pana Tenzi, Eru dangwe raJudha rakanga rakaipa mwoyo, saka Tenzi akabva amuuraya. 8Judha akazoti kuna Onani, “Gara nhaka mukadzi womukoma wako umuberekere vana.” 9Onani akaziva kuti vana vaizoberekwa havaizonzi ndevake. Saka aiti kana osangana naTamari, aidururira simba rake pasi kuti arege kuberekera mukoma wake vana. 10Kuita kwaOnani hakuna kufadza Tenzi, ndokubva amuurayawo zvakare. 11Judha akataura nomuroora wake Tamari achiti, “Dai machimbondogara kumusha kwababa venyu, muri chirikadzi kudai kusvikira Shera mwanakomana wangu akura.” Izvozvo Judha aifunga mumwoyo make kuti zvimwe Shera angafewo sezvakaita vakoma vake. Tamari akandogara zvake kumusha kwababa vake. 12Kwapera nguva yakati rebei, mudzimai waJudha, mwana waShua akafa. Judha akati apedza nguva yokuchema mudzimai wake, akaenda kuTimina kwaiva navanhu vaiveura hwai dzavo. Akaenda pamwechete naHira shamwari yake yechiAdhuramu. 13Kuzoti Tamari audzwa kuti, “Vatezvara vako vachaenda kuTimina kundoveura hwai dzavo,” 14akabvisa hanzu dzouchirikadzi dzaaipfeka, ndokupfeka dzimwewo. Akazvifukidza nedhuku rake, ndokundogara pamusuo weguta rainzi Enaimi raiva panzira yaienda kuTimina. Tamari akanga aona kuti Shera akura, asi haana kunge amupiwa kuti amugare nhaka. 15Judha akaona Tamari akafunga kuti zvimwe ipfambi zvayo nokuti akanga akazvifukidza uso. 16Judha akatsaukira kwaari akataurirana naye kuti aite chakaipa naye, asingazivi kuti muroora wake. Tamari akati, “Munondipeiko kana maita izvozvo neni?” 17Judha ndokuti, “Ndichasarudza mbudzana pazvipfuwo zvangu ndigokutumira.” Tamari ndokuti, “Ndipei chandinofanobata kudzamara maitumira.” 18Judha akati, “Ndingagokupa chiiko?” Iye ndokuti, “Ndipei mhete yenyu yechidhindo netambo yayo pamwechete nomudonzvo wenyu.” Judha akamupa zvinhu izvozvo, ndokutadza zvake naye akabva ava napamuviri. 19Tamari akasimuka ndokuenda zvake ndokusvikobvisa dhuku rake riya pauso, ndokupfekazve hanzu dzake dzouchirikadzi. 20Judha akazotuma shamwari yake yechiAdhuramu kuenda nembudzana iya achiti andodzorerwa zvinhu zviya zvakanga zvafanobatwa, asi akasvikomushaya. 21Hira akabvunza vanhu vomuEnaimi achiti, “Ko pfambi yaigara panzira muEnaimu iripiko?” Vanhu ndokuti, “Hakuna pfambi yakanga iri kuno.” 22Hira akadzokera kuna Judha akasvikoti, “Handina kuiona, uye vanhu vokowo vati hakugari pfambi uku.” 23Judha ndokubva ati, “Ngaasva agara zvake nazvo, zvingatinyadzise izvi. Tarisa uone ndatumira mbudzana asi iwe wasvikomushaya.” 24Kuzoti kwapera mwedzi inenge mitatu, Judha akaudzwa kuti, “Muroora wako Tamari akaita upombwe, atova napamuviri paakabata muunzenza ihwohwo.” Judha akati, “Uyai naye apiswe afe.” 25Pavakandoti vauye naTamari kudaro, iye Tamari akatuma shoko kuna vatezvara vake rokuti, “Ndava napamuviri pomuridzi wezvinhu izvi. Doongororai nyembe nomudonzvo mugoona kuti ndezvaani.” 26Judha akaziva zvinhu zvake zviye akati, “Tamari haana mhosva. Ini ndini ndine mhosva. Handina kuzoti Shera mwana wangu amutore.” 27Tamari paakanga osununguka, pakaoneka kuti aiva namapatya. 28Kuzoti ava pahata achisununguka, mumwe mwana akabudisa ruoko. Ipapo vanyamukuta vaibatsira pakusununguka vakatora shinda tsvuku ndokusunga ruoko rwomwana vachiti, “Uyu ndiye atanga kubuda.” 29Asi mwana uyu akadzosera ruoko rwake mukati, akanga ari mukati akabva abuda. Vanyamukuta ava ndokubva vati, “Inga wazvipeurira nzira yako!” Ndokusaka akatumidzwa zita rokuti Ferezi. 30Mumwe wacho akazobuda akasungwa neshinda tsvuku ruoko rwake, akatumidzwa zita rokuti Zera.

Currently Selected:

Mavambo 38: SCLB

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in