YouVersion Logo
Search Icon

Mavambo 15

15
Chitenderano chaMwari naAbhuramu
1Mushure maizvozvi zvose, Abhuramu akaona chiratidzo akanzwa izwi raTenzi richiti, “Usambotya zvako Abhuramu. Ndini nhoo yako yokukudzivirira. Mubayiro wako uchava mukuru kwazvo.” 2Asi Abhuramu akati, “Nhai Mwari Tenzi, zvamuchandipa zvichandibatsirei ndichidai kufamba zvangu ndisina kana mwana? Iyeka Ereazari wokuDhamasikusi ndiye achadya zvake nhaka yacho yomumba mangu.” 3Abhuramu akatizve, “Tarisai muoneka kuti hamuna kundipa mwana. Saka muranda akaberekerwa mumusha mangu ndiye achatodya nhaka yangu.”
4Ipapo akanzwa izwi raTenzi richiti, “Munhu wauri kutaura uyu haasi iye achadya nhaka yako. Mwana wako chaiye wokubereka ndiye achadya nhaka yako.” 5Mwari akabuda naye panze akati, “Tarisa kudenga uverenge nyenyedzi kana uchikwanisa kudziverenga.” Ndokuti, “Ndiko kuwanda kuchaita vana vako.”
6Abhuramu akatenda Tenzi zvikaita kuti Tenzi amuti akarurama.
7Mwari akati, “Ndini Tenzi ndakakuburitsa kuUru yevaKaradhia kuti ndikupe nyika ino kuti ive yako.” 8Abhuramu akati, “Nhai Mwari Tenzi, ndichaziva sei kuti ichazova yangu?”
9Mwari akati, “Chitora tsiru remombe rina makore matatu nenhunzvi yembudzi ina makore matatu nehondohwe ine makore matatu nenjiva nenyana rehangaiwa.” 10Abhuramu akandotora izvozvo zvose ndokuuya nazvo kuna Mwari. Akatsemura dzose napakati, ndokuisa mapandi emhuka imwe neimwe pasi akatarisana. Asi shiri haana kudzitsemura. 11Kwaiti kukauya magora pamitumbi iya yakanga yatsemurwa, Abhuramu oadzinga.
12Kuzoti zuva rodoka, Abhuramu akabatwa nehope akakotsira hope dzorufu, akaputirwa nezarima guru raityisa. 13Ipapo Tenzi akati kuna Abhuramu “Ndinoda kuti unyatsoziva izvi zvokuti, vana vako vachava vatorwa munyika isiri yavo. Ikoko vachange vari varanda vachibatwa zvakaipa kwamazana mana amakore. 14Asi ini ndicharanga rudzi irworwo runenge ruchivaita varanda. Vana vako vachazobva ikoko vaine upfumi uzhinji. 15Asi iwe uchaenda zvakanaka kwakaenda vamwe, kumadzitateguru ako, wanyatsokwegura zvako wozovigwa. 16Vachadzokera kuno panguva yechizvarwa chavo chechina nokuti uipi hwavaAmori hahusati hwasvika pakundifinha.”
17Kuzoti zuva radoka, kwasviba, kwakaoneka mbaura yaipfumbuka utsi nezhenje romoto richipfuura napakati pamapandi enyama aye. 18Pazuva iroro Tenzi akaita chitenderano naAbhuramu achiti, “Ndapa kuvana vako nyika ino inobvira mukakova keIjipiti kundosvika kurwizi rukuru, muna Yufuratesi. 19Munzvimbo iyoyi ndimo mune nyika dzamarudzi aya anoti: vaKeni navaKenizi navaKadhimoni 20kwouya vaHiti navaPerizi navaRefaimu 21kwozotiwo vaAmori navaKanani navaGirigashi navaJebhusi.”

Currently Selected:

Mavambo 15: SCLB

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in