Ezekieri 7
7
Kuguma kweIsiraeri kwasvika
1Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, 2“Iwe mwanakomana womunhu zvanzi naTenzi Mwari kunyika yeIsiraeri, hokuno kuguma. Kuguma kwagogodzera kumativi mana enyika.
3“Isiraeri zvino pako pakuperera, ndava kuzokuratidza kuti ndakakushatirirwa ndichakutonga maererano namaitiro ako, ndichikurangira zvinhu zvako zvose zvinosemesa. 4Handichakuitira tsiye nyoro kana kukuitira tsitsi asi ndichakurangira nzira dzako zvinosemesa zviri pakati pako. Ipapo ndipo pamuchazoziva kuti ini ndini Tenzi.”
5Zvanzi naTenzi Mwari, “Nhamo dzichavirikana. Heyo nhamo youya! 6Kuparara kwauya, kwauya kuparara kwakumukirai! 7Hoko kwauya! Mugumo wako wasvika iwe mugari wenyika ino, nguva yasvika, zuva raswedera, zuva rebongozozo kwete romupururu wokufara mumakomo. 8Iye zvino ndava kukuvirukira nehasha ndipedzere hasha dzangu pauri ndichikutonga maererano namaitiro ako ndichikurangira zvinhu zvako zvose zvinosemesa. 9Handichakuitira tsiye nyoro kana kukuitira tsitsi asi ndichakurangira nzira dzako idzodzo nezvinosemesa zviri pakati pako. Ipapo ndipo pauchazoziva kuti ini ndini Tenzi anorova.”
10Hero zuva riya, hero rouya! Kuparara kwako kwasvika! Kushaya ruenzaniso kwapfumvudza, kuzvikudza kwatumbuka. 11Utsinye hwakura kutoitawo kamuitiro chaiko kouipi. Hakuna nomumwe wavo achasara kana zvinhu zvavo zvakawanda kunyange upfumi hwavo kana kuzovawo nembiri pakati pavo.#7:11 Pakati pavo: ChiHebheru chendima iyoyi iyi hachinyatsonzwisisika.
12Nguva iya yauya, zuva riya raswedera. Mutengi ngaarege hake kupembera kufara kunyange iye mutengesiwo kuchema nhamo nokuti hasha dzavirukira gungano ravo rose. 13Chiripo ndechokuti mutengesi haasi kuzodzokera kune zvaakatengesa zviya vachiri vapenyu nokuti hasha dzawira gungano ravo rose hadzisi kudzokera shure uye pamusana pouipi hwake, munhu haakwanise kuzviponesa upenyu hwake.
14Varidza bhosvo vakaita kuti vose vagadzirire. Asi hapana ari kusumuka kuenda kuhondo nokuti hasha dzangu dzavirukira gungano ravo rose.
Shamhu yokuranga Isiraeri
15Kunze uku kune bakatwa, mukati mune denda neshangwa yenzara. Vari musango vari kupera nebakatwa, vari mukati meguta vari kupera kufa neshangwa yenzara nedenda. 16Kana vamwe vakapunyuka, vachava mumakomo senjiva dzomumakan'a, vose zvavo vachichema nhamo; munhu wese achichema uipi hwake. 17Vose varukutika maoko, vose zvino mabvi yava mvura zvayo kurukutika. 18Vava kupfeka masaga; kutya kwavabata. Vose uso, dzangova nyadzi dzoga, misoro yose, yangova miparavara. 19Sirivha yavo vavakutoirasa mumigwagwa, ndarama yavo yaita sechinhu chakan'ora. Sirivha yavo nendarama hazvigoni kuvanunura pazuva rehasha dzaTenzi. Hazvigoni kupedza nzara yavo kana kuzadza matumbu avo nokuti ndozvakanga zviri chibingamupinyi nehonzeri youipi hwavo. 20Zvishongo zvayo zvinoyevedza, vaizvishandisira mbiri isina maturo vachigadzira zvifananidzo zvavo zvokunamata zvsingadiwi naMwari nezvinhu zvavo zvinosemesa. Naizvozvo iniwo ndaita kuti zvinhu zvavo izvozvo zvive zvinhu zvakan'ora kwavari. 21“Ndichaisa zvinhu izvozvo mumaoko mevechirudzi senyama yamagora uye kunavaipi vapanyika sechinhu chokupamba vagochin'oresa. 22Ndichavafuratira kuitira kuti vanhu vagon'oresa nzvimbo yangu yakakosha. Makororo achapindamo vagoin'oresa 23vagoita nyonganyonga.
“Pamusana pokuti nyika yazara nemhosva dzokudeura ropa, gutawo rizere noutsinye. 24Ndichaunza rudzi rwakaipisisa kuzovatorera dzimba dzavo. Zvokuzvikudza kwavo ndichazvipedza, nzvimbo dzavo dzinoera dzichin'oreswa. 25Kudandaura nenhamo pakuchauya vachatsvaga rugare asi pachange pasina. 26Nhamo dzichaita mututemutute, marehwarehwa asingaperi. Vachatsvagira chiporofita kumuporofita pasina; kumupristi zvomutemo zvinenge zvaparara, kuvakuru vakuru mazano kunenge kusisina. 27Mambo achachema nhamo, jinda rozanga kuora mwoyo uye vanhu munyika varukutiswa maoko nokutya. Ndichavaitira zvinofambirana nokuita kwavo uye ndichavatonga nekatongero kavo. Ipapo ndipo pavachazoziva kuti ini ndini Tenzi.”
Currently Selected:
Ezekieri 7: SCLB
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.