Ezekieri 16
16
Jerusaremu, guta risina kutendeka
1Izwi raTenzi rakauyazve kwandiri richiti, 2“Iwe mwanakomana womunhu zivisa Jerusaremu unyangadzi hwaro hwakan'ora. 3Uti zvanzi naTenzi Mwari kuJerusaremu, kunyika yeKenani ndiko kwawakabva, ndiko kwawakaberekerwa. Baba vako vaiva muAmori, amai vako vaiva muHiti. 4Maberekerwo ako ndiwaya aya, pamusi wawaberekwa rukuvhute rwako haruna kuchekwa hauna kushambidzwa mumvura kuti uchene. Hauna kana kukwizwa munyu kana kuputirwa namachira. 5Hapana akambokuitira tsiye nyoro kuti akuitire kana chimwe chinhu zvacho chaizvozvi pamusana petsitsi kwauri. Asi wakatoraswa pachenachena musango nokuti waisemwa pamusi wawaberekwa.
6“Pandakapfuura nepawaiva ndakakuona uchitakanyika muropa rako. Uri muropa rako kudaro, ndakati rarama 7ukure sechinhu chinomera musango. Wakakura ukareba ukasvika pakutova mhandara. Mazamu ako akabuda, bvudzi rako rikakura asi wakanga uri mutwi, usina chawakapfeka.
8“Ndakazopfuura zvakare nepawaiva ndikakutarisa. Izvozvo wanga wasvika pazera rokuda zvokuroorwa ndakatambanudzira hanzu yangu pauri ndikakufukidza muviri wako waiva mutwi. Ndakaita chitsidzo changu kwauri ndikaita chitenderano newe; ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari, iwe ukabva wava wangu.” 9“Ndakazokushambidza nemvura ndichikushambidza ropa pauri ndikakuzora mafuta. 10Ndakakupfekedza nguo dzakarukirirwa ndikakupfekedza shangu. Ndakakupfekedza shangu dzeganda rembiti yakanakisisa ndikakupfekedza nesirika.
11“Ndakakushongedza zvakanakisisa nezvishongo ndikaisa makoza mumaoko ako netimbwa#16:11 timbwa kacheni kemuhuro kechuma. 12Ndakaisa mhete mumhuno mako ndikakupfekedza mhete munzeve dzako. Ndakakugadza ndaza yakanakisa mumusoro.
13“Saizvozvo wakashongedzeka nendarama nesirivha. Zvipfeko zvako zvakanga zviri zverineni yakanakisisa nesirika namachira akarukirirwa. Waidya upfu hwekoroni hwakatsetseka nouchi namafuta. Wakabva wava nechimiro chakanakisisa kwazvo. Ukaita mambo chaiye wechikadzi. 14Mbiri yako yakadhumha mukati memarudzi avanhu pamusana porunako rwako nokuti rwakanga rwuri runako chairwo ruzere pamusana peururami hwandakanga ndakupa. Ndizvo zvinotaura Tenzi Mwari.
15“Asi wakavimba norunako rwako ukaita unzenza pamusana pembiri yako ukaita unzenza ihwohwo nomupfuuri nenzira ari wose. 16Wakatora dzimwe dzehanzu dzako ukadzishandisa kushongedza zvinoyemurika nzvimbo dzako dzokunamatira. Panzvimbo idzodzo wakaitira unzenza hwako ipapo. Hapana zvakadaro zvati zvamboitika kana zvichambofa zvakaitika kudaro. 17Wakatorawo iwe zvishongo zvako zvakanaka zvendarama yangu nesirivha yangu zvandainge ndakupa, ukazvishandisa kuzvigadzirira zvifananidzo zvevanhu ukaita zvounzenza nazvo. 18Wakatora iwe dzimwe dzehanzu dzako dzakarukirirwa uchizvishongedza nadzo uchipira mafuta angu norusenzi rwangu kwazviri. 19Chokudya chandakupa chaiti upfu hwakatsetseka hwandaikupa kuti udye namafuta nouchi wakandozvipira kwazviri somupiro unonhuwirira. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. 20Wakatora iwe vana vako vakomana navasikana vawakandiberekera ukavapira kuti vadyiwe zvavo. Ihwo hunzenza hwako ihwohwo hudiki nhai, 21hwokuti wakauraya vana vangu ukavapira kwazviri somupiro unopiswa nomoto? 22Muzvinhu zvako izvozvo zvinosemesa nomuunzenza hwako hauna kurangarira mazuva ako epaucheche pawakanga uri mutwi usina chawakapfeka uchitakanyika uri muropa rako.
Upenyu hweJerusaremu, pfambi zvayo
23“Mushure mouipi hwako hwose uhu, (zvichakuwana zvako, ndizvo zviri kutara Tenzi Mwari). 24Wakatozvivakira mupanda chaiwo nenzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira munhandare yoga yoga. 25Pakona yomugwagwa woga woga wakazvivakira nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira ukan'oresa noufeve runako rwako uchizarurira makumbo mupfuuri nenzira wose wose wonyanya nahwo hufeve hwako. 26Wakaitawo ufeve iwe navaIjipiti ivo vavakidzani nemi voruchiva ava uchinyanya nahwo hufeve hwako kuti undishatirise.
27“Saka naizvozvo chinzwa, ndakusimudzira shamhu muruoko ndichikutapudzira mugove wako wawakagoverwa ndichikuisa mumaoko mavavengi vako vana makaro, vanasikana vevaFirisitia, ivo vaitonyara nokuita kwako kwoufeve.
28“Pamusana pokuti hauguti wakaita unzenza navaAsiria. Wakaita unzenza navo iwe asi kuguta hauna kuguta. 29Wakanyanya nahwo hunzenza hwako nenyika youshambadzi yeKaridhea. Kunyange izvozvi hazvina kukugutsa.”
30Zvanzi naTenzi Mwari, “Chakurwadza mwoyo ukadai chii zvokuti kunyange zvazvo uchionawo kuti zvose izvi, zviito zvenzenza chaiyo yokupedzesera, 31uchizvivakira mupanda chaiwo pakona yomugwagwa woga woga uchigadzira nzvimbo dzako dzakatunhumara dzokuteurira munhandare yokutandarira yoga yoga. Asi iwe hauna kuita sepfambi, unotoramba zvako muripo wacho. 32Uri chifeve chaicho chomukadzi chinotorana navatorwa chichisiya murume wacho. 33Varume ndivo vanobhadhara pfambi, vanhu vanotopa zvipo. Asi iwe ndiwe urikutopa zvipo kuzvikomba zvako zvose kuti vauye kwauri vachibva kumativi ose kuzoita upombwe newe. 34Saka iwe wakasiyana chaizvo navamwe vakadzi muunzenza hwako. Hapana akakutsvetera kuti uite zvounzenza. Wakatopa muripo asi iwe muripo hauna kupiwa. Saka wakasiyana navamwe.”
Chirango chakatemerwa pfambi Jerusaremu
35Nezvo chinzwa iwe pfambi zviri kutaura Tenzi, 36zvanzi naTenzi Mwari, “Pamusana poruchiva rwako rwakawanda wakazvipfekenura ukasara usisina chawakapfeka muunzenza hwako nezvikomba zvako uye pamusana pezvifananidzo zvako zvokunamata uye pamusana peropa ravana vako rawakapira kwazviri. 37Naizvozvo, chiona, ndichaunganidza zvikomba zvako zvose zvawakazvifadza nazvo; zvikomba zvawaida nazvose zvawakanga usingadi. Ndichavakokorodza kumativi ose vakurwise ndigokupfekenura kuti vakuone zvawakaita uri mutwi. 38Ndichakutonga sezvinoitwa vakadzi vanorambana navarume vavo uye savakadzi vanenge vadeura ropa. Ndichadeurawo ropa rako ndichikutsividzawo ndiine hasha neshanje. 39Ndichakuisa mumaoko ezvikomba zvako. Ivo vachaputsira pasi mupanda wako vagowondomorera pasi nzvimbo dzako dzakatunhumara dzokuteurira. Vachakupfekenura hanzu dzako vachitora zvishongo zvako zvakanaka vachikusiya usina chawakapfeka, uri mutwi.
40“Vachakuvinga nehondo yavarwi, vachikutaka namatombo vachakuita kanyama kanyama namapakatwa avo. 41Vachapisa dzimba dzako vachikuranga vakadzi vazhinji vachizviona. Ndichaita kuti zvounzenza uzvirege uyewo zvokupa zvipo kuzvikomba zvichabva zvapera. 42Ndiko kupedzera hasha dzangu pauri kwandichaita. Kuva neshanje newe kunobva kwapera. Ndichabva ndagadzana mwoyo uye handichazoshatirwazve. 43Pamusana pokuti hauna kuyeuka mazuva apauduku hwako asi kutoti wakandishatirisa nezvinhu izvozvi zvose, naizvozvo chinzwa, ini ndichakurangirawo zviito zvako. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Hauna here kupara mhosva younzenza pamusoro pezvimwe izvi zvose zvinosemesa zvaunoita.”
Mbudzi kudya mufenje kufana nyina
44“Munhu wose wose anenge avakuzoda kutaura tsumo achishandisa tsumo iyi nezvako achiti ‘Mbudzi kudya mufenje kufana nyina.’ 45Iwe uri mwanasikana chaiye waamai vako vanovenga murume wavo navana vavo. Uri munun'una chaiye wavakoma vako vaivenga varume vavo navana vavo. Amai vako vaiva muHiti, baba vako vaiva muAmori. 46Mukoma wako ndiSamaria aigara navana vake vasikana kuchamhembe kwako. Munun'una wako aigara kumaodzanyemba kwako ndiSodhomu navana varo vasikana. 47Asi hauna kuda kutevera nzira dzavo chete kana kuita zvinhu zvavo zvinosemesa asi kutoti nakanguva kaduku wakanga watoshata kupinda ivo mumaitiro ako ose.
48“Hezvino ndakadai, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari, munun'una wako Sodhomu navana vake vasikana havana kuita sezvawakaita iwe navanasikana vako. 49Chiona, iyi ndiyo mhosva yakanga iri yomunun'una wako Sodhomu. Iye navanasikana vake vaizvikudza, vaine zvokudya zvakawandisa nokugarika vari vanhu vari pamutambaratede asi haana kubatsira varombo nevaiva muushai. 50Vaizvikudza vachiita zvinhu zvinosemesa mumaziso angu naizvozvo ndakavabvisa pandakazviona.
51“Pazvitadzo, Samaria haina kumboita hafu yezvako. Iwe wakaita zvinosemesa zvakawanda kupinda Samaria. Wakatoita kuti mukoma wako aite somururami pamusana pezvinosemesa zvawakaita. 52Zvino newewo unofanira kunyara nokuti wakatoita kuti mukoma wako nomunun'una wako vaite savarurami pamusana pezvitadzo zvako zvawakaita zvinosemesa kupinda zvavo. Ivo vanotova varurami kudarika iwe saka nyarawo iwe utakurane nenyadzi dzako nokuti wakaita kuti mukoma wako nomunun'una wako vaite savarurami panewe.
Guta reSamaria nereSodhomu richavakwazve
53“Ndichadzorera zvakare kubudirira kweguta reSodhomu nemisha yaro#16:53 Misha yayo: ChiHebheru chinoti navanasikana vayo. nokubudirira kweSamaria nemisha yayo. Ndichaita kutiwo kubudirira kwako kudzokere pakare mukati mavo. 54Uku kunenge kuri kuitira kuti ufumuke unyare nezvose zvawakaita uchizova chinhu chinovanyaradza. 55Kana zviri zvomukomanomunun'una newe; Sodhomu navanasikana varo richadzokera richiva zvaraiva riri kare Samariawo navanasikana varo#16:55 Ndomisha yayo. richadzokerawo kuva zvarakanga riri. Newewo navanasikana vako uchadzokerawo kuva zvawakanga uri. 56Pamazuva ako awaizvitutumadza, munun'una wako, Sodhomu, akanga asiri chiseko pamuromo pako here 57iwe kuipa kwako husati hwabuda pachena? Iye zvino wangoitawo saiye, wava chiseko chemisha yeEdhomu navavakidzani nemisha yavaFirisitia vari munharaunda yako vanokushora. 58Unofanira kutakura mutoro wokuipa kwako nezvinhu zvako zvinosemesa.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Chitenderano chokugara nokugara
59Chiripo ndechokuti zvanzi naTenzi Mwari, “Ndichaita kwauri sekuitawo kwawakaita iwe wakashora mhiko nokutyora kwawakaita chitenderano. 60Asi ndinoyeuka chitenderano changu newe pawakanga uchiri muduku. Ndichaita newe chitenderano chokugara nokugara. 61Ndipo pauchayeuka maitiro ako uchinyara pandinenge ndatora mukoma wako nomunun'una wako vose vari vaviri ndichizovapa kwauri savanasikana vako asi kwete pamusana pechitenderano changu newe. 62Ndichaita chitenderano changu newe. Uchabva waziva kuti ndini Tenzi. 63Ndinenge ndichiitira kuti uyeuke udumbirwe nazvo urege kuzofa wakazarura muromo wako zvakare pamusana penyadzi dzako pandinenge ndakuregerera zvose zvawakaita.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
Currently Selected:
Ezekieri 16: SCLB
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.