Vaefeso 3
3
Basa raPauro kune vechirudzi
1Nokuda kwaizvozvi ini Pauro, musungwa waKristu Jesu pamusana penyu imi vechirudzi, ndinonamata kuna Mwari. #3:1 Ndinonamata kuna Mwari: Tarisa 3:14. 2Ndinofunga kuti makanzwa zvebasa renyasha dzaMwari routariri randakapirwa imi, 3rokuti zvakavandika zviya zvakaziviswa kwandiri muchiratidzo, sokunyora kwandakaita muchidimu. 4Mukazviverenga muchaona kunzwisisa kwandinoita zvakavandika zvaKristu 5zvisina kuziviswa kuvanhu mune zvimwe zvizvarwa sokuziviswa kwazvakaitwa naMweya iye zvino kuna vapositori vake vatsvene navaporofita 6zvokuti pamusana peShoko Rakanaka vechirudzi vavawo vagari venhaka navaJudha, #3:6 NavaJudha: Mazwi aya okuti navaJudha haasi muchiGiriki asi ndizvo zviri kurehwa nendima iyi. uye vava nhengo dzomuviri mumwechete navo uyewo vanhu vanogoverana navo zvakapikirwa muna Kristu Jesu.
7Ini ndakaitwa mushandiri weShoko Rakanaka iroro maererano nechipo chenyasha idzodzo dzaMwari dzandakapiwa nokushanda kwesimba rake. 8Kunyange zvangu ndiri mudukuduku wokupedzisirira kuna vatsvene vose, nyasha idzi dzakapiwa kwandiri kuri kuti ndiparidze vechirudzi upfumi husingatauriki hwaKristu 9uye kuti ndionese vanhu vose urongwa hwezvakavandika zvakanga zvakavanzwa kwezvizvarwa nezvizvarwa naMwari akasika zvinhu zvose 10kuitirawo kuti nomusangano, ungwaru hwaMwari hwakasiyana–siyana huratidzwe zvino kune mweya mikurukuru neino ushe yomumatenga. 11Izvi zvaifambirana nezvirongwa zvavo zvokugara nokugara zvakazozadzikiswa muna Kristu Jesu Tenzi wedu, 12anotipa kuti tive nechivindi nechivimbo chokusvika pana Mwari nokuda kwechitendero chedu maari. 13Naizvozvo ndinokukumbirai kuti musarase mwoyo pamusana pezvandiri kutambudzikira imi. Inga ndizvo zvinokupai kuti murumbidzwe wani.
Munamato waPauro
14Nokuda kwaizvozvi ndinopfugama namabvi angu mberi kwaBaba 15kunobva chose chinotumidzwa kuti mhuri, chingave kudenga kana kuti pasi pano. 16Ndinonamata kuti kubva muupfumi hwavo hune mbiri akusimbaradzei nesimba nokuna Mweya, umunhu hwenyu hwomukati 17uye kuti nechitendero chenyu Kristu aite musha wake mumwoyo yenyu kuti imi mudzike midzi yenyu uye kucherera hwaro hwenyu murudo, 18kuti muwane simba rokunzwisisa pamwechete navatsvene vose upamhi nourefu nokukwira kumusoro mudenga noudzamu uye kuti muzive 19rudo rwaKristu runopfuura ruzivo kuti muzadzwe naMwari wose sezvaari.
20Zvino iye ane simba rinoshanda matiri anokwanisa kuita zvakawandisisa kupfuura zvose zvatingakumbire kana zvatingafunge 21iye ngaarumbidzwe musangano uye muna Kristu Jesu kuzvizvarwa nezvizvarwa narini narini wose Ameni.
Currently Selected:
Vaefeso 3: SCLB
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.