YouVersion Logo
Search Icon

Kutsinhira Mutemo 8

8
Nyika yokugara yakanaka
1“Ngwarirai kunyatsochengeta mitemo yose yandiri kukupai nhasi uno, kuti murarame, muwande, muzokwanisa kuenda kunyika yakatsidzirwa madzitateguru enyu naTenzi, mundoitora kuti ive yenyu. 2Rangarira zvose zvawakaona murwendo rwawakatungamirirwa naTenzi Mwari wako nomurenje kwamakore makumi mana, akaitira kuti akuninipise. Akakuedza achida kuona paumire, kuti unochengeta here mitemo yake kana kuti kwete. 3Akakuninipisa, akaita kuti unzwe nzara. Akakupa mana yokudya, yawakanga usingazivi, yakanga isingazikanwi namadzitateguru ako kuti uzive kuti munhu haararame nechokudya chete, asi anorarama nezvose zvinotaurwa nomuromo waTenzi. 4Hanzu dzako dzaive dziri pauri hadzina kusakara, tsoka dzako hadzina kuzvimba pamakore makumi mana aya. 5Chiziva nomumwoyo mako kuti sokurayira kunoitwa munhu mwana wake, ndiko kurayira kunoita naTenzi Mwari wako. 6Naizvozvo chengeta mitemo yaTenzi Mwari wako, uite zvaanoda, umutye 7nokuti Tenzi Mwari wako ava kuzokuendesa kunyika yakanaka, nyika ine hova dzemvura nezvisipiti nezvitubu zvemvura inotubuka ichibva pasi pasi mumapani nomuzvikomo. 8Nyika yekoroni nebhari nemichero yamagirepisi nemionde nemipomogiraneti. Nyika yemiorivhi namafuta nouchi. 9Nyika yausingashaye chinhu, mauchadya chingwa usingaiti zvokupara. Simbi ndomabwe enyikayo, mumakomo ayo unozochera mhangura. 10Uchadya uchiguta, ucharumbidza Tenzi Mwari wako nokuti akakupa nyika yakanaka.
Yambiro pamusoro pokukanganwa Tenzi
11“Chenjerera kuti ungadaro ukazokanganwa Tenzi Mwari wako, worega kuchengeta zvirevo nemitemo nemirao yake yandiri kukuudza nhasi uno. 12Ungazoti kana wadya ukaguta, ukavaka dzimba dzakanaka uchigaramo, 13kana zvipfuwo zvako zvawanda, wava nesirivha nendarama yakawanda, zvose zvaunazvo zvikange zvawanda, 14wova nomwoyo wokuzvikudza, wokanganwa Tenzi Mwari wako akakuburitsa muIjipiti muuranda. 15Ari iye akakutungamirira nomuzigwenga guru rinotyisa, makaoma, musina mvura, mune nyoka dzino uturu, mune marize. Akakubudisira mvura pabwe regwenya. 16Mugwenga imomo ari iye, akakupa mana yokudya, yakanga isingazikanwi namadzitateguru ako. Aida kukuninipisa nokukuedza kuti pakupedzisira azokuitira zvakanaka. 17Chenjerera kuti urege kufunga mumwoyo mako woti, ‘Upfumi uhu hwakabva musimba ramaoko angu.’ 18Naizvozvo unofanira kurangarira Tenzi Mwari wako nokuti ndiye anokupa simba rinokuwanisa upfumi. Anoita izvi kuti achengete chitenderano chaakapika kumadzitateguru ako sezvazviri pari nhasi. 19Kana zvikazoitika kuti unokanganwa zvako Tenzi Mwari wako wotevera vamwe vamwari uchivashandira nokuvapfugamira, ndinokutsidzirai nhasi kuti muchapera mose kuti dhu. 20Samaparadziro amuri kuitirwa mamwe marudzi naTenzi, ndokuparadzwa kwamuchaitwawo naTenzi Mwari wenyu, nokuti makaramba kuteerera izwi raTenzi Mwari wenyu.

Currently Selected:

Kutsinhira Mutemo 8: SCLB

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in